RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 2/15 pp. 3-4
  • Masimba Masimba Ari Kwose Kwose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Masimba Masimba Ari Kwose Kwose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Masimba Masimba Pamusha
  • Masimba Masimba Panzvimbo Yebasa
  • Masimba Masimba Mumitambo uye Varaidzo
  • Masimba Masimba Muchikoro
  • Tsika Yamasimba Masimba
  • Mwari Anonzwa Sei Nezvokuita Chisimba?
    Mukai!—2002
  • Utsinye Huchazombopera Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Chii Chinoparira Masimba Masimba Omumba?
    Mukai!—1993
  • Kufarira Zvokurwisana
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 2/15 pp. 3-4

Masimba Masimba Ari Kwose Kwose

AKAGARA mumotokari yake achimirira kuti robhoti richinje, kamwe kamwe mutyairi anocherekedza murume muhombe achiuya kwaari, achidanidzira zvinonyadzisa, achikanda chibhakera chake mumhepo. Mutyairi akakurumidza kukiya masuo ake uye kuvhara mafafitera ake, asi murume muhombe akaramba achiuya. Achikotama, murume wacho akazunza motokari yacho ndokudhonza suo remotokari. Pakupedzisira, nemhaka yekangaidziko iye akasimudza chibhakera chake chikuru ndokurova fafitera rapamberi, achiripwanya.

Ichi chiitiko ndechomubhaisikopo here? Aiwa! Iyi yakanga iri kakavadzano yomumugwagwa pachitsuwa cheOahu, Hawaii, chinozivikanwa nokuda kwemhoteredzo yacho yakadzikama, yakanyarara.

Hakushamisi. Makiyi pamasuo, simbi pamafafitera, vashandi vanochengeta zvivako, kunyange zviratidzo pamabhazi zvinoti “Mutyairi haatakuri mari”—zvose zvinonongedzera kuchinhu chimwe: Masimba Masimba ari kwose kwose!

Masimba Masimba Pamusha

Musha wanguve uchidiwa senzvimbo yakakotsekana yomunhu. Uyu murangariro unofadza, zvisinei, uri kuchinja nokukurumidza. Masimba masimba emhuri, ayo anobatanidza kubata vana zvisakafanira, kurova mukwanyina, uye kuuraya, zviri kuva misoro yenhau kwose kwose munyika yose.

Somuenzaniso, “vana vanenge 750 000 muBritain vangatambura kuvadziko yenguva refu nemhaka yokuti vari kuratidzirwa kumasimba masimba omumba,” inodaro Machester Guardian Weekly. Mushumo wacho wakanga wakavakirwa panzvero iyo yakawanawo kuti “vatatu muvakadzi vana vakabvunzwa vakati vana vavo vakanga vaona zviitiko zvamasimba masimba, uye vanenge zvikamu zviviri zvezvitatu zvavana zvakanga zvaona vanamai vazvo vachirohwa.” Nenzira yakafanana, maererano neU.S. News & World Report, U.S. Advisory Board on Child Abuse and Neglect inofungidzira kuti “vana 2 000, vakawanda zvikurusa vavo vari pasi pemakore 4, vanofa gore rimwe nerimwe mumaoko avabereki kana kuti vatarisiri.” Ikoku kunopfuura nhamba yenzufu dzinokonzerwa netsaona dzomumugwagwa, kunyura, kana kuti kudonha, unodaro mushumo wacho.

Masimba masimba omumba anobatanidzawo kubata zvisina kufanira mukwanyina, uko kunobva pakusundwa kana kuti kusairirwa kusvikira pakumbamurwa, kubanhwa, kudzipwa, kurohwa, kutyisidzirwa nebanga kana kuti pfuti, kana kuti kunyange kuurawa. Uye nhasi ichi chimiro chamasimba masimba chinoshanda kose kuri kuviri. Imwe fundo inowana kuti chinenge chikamu chimwe chezvina chemhaka dzacho chinotangwa nomurume, chimwe chikamu chezvina nomukadzi, uye dzasara dzinogona kurondedzerwa zvakanakisisa sokupopotedzana umo vose vari vaviri vanofanira kugoverana mhosva dzacho.

Masimba Masimba Panzvimbo Yebasa

Kure nomusha nzvimbo yebasa nenzira yegamuchidzanwa yave iri uko munhu anowana nhevedzano, ruremekedzo, uye rukudzo. Asi ikoko hakuchatongoratidziki kuva kwakadaro. Somuenzaniso, nzvero dzakabudiswa neU.S. Department of Justice dzinoratidza kuti gore rimwe nerimwe vanhu vanopfuura 970 000 vanova vanyajambwa vemhaka dzamasimba masimba panzvimbo yebasa. Kuchitaurwa neimwe nzira, “vashandi vangava nomukana mumwe mumina wokuva nyajambwa wechimiro chakati chamasimba masimba pabasa,” maererano nomushumo uri muProfessional Safety—Journal of the American Society of Safety Engineers.

Chinonetsa zvikurusa ndechokuti masimba masimba epanzvimbo yebasa haana kuganhurirwa kukakavadzano uye kutukana. “Masimba masimba akanangidzirwa chaizvoizvo mukurwisana navashandirwi uye vashandi nevamwe vashandi ndicho chikamu chiri kukura nokukurumidza zvikurusa chokuuraya muU.S.,” unodaro mushumo mumwe chetewo. Muna 1992, munzufu 6 dzine chokuita nebasa 1 rwakanga rwuri kuuraya; nokuda kwavakadzi, nhamba yacho yakanga ichidokusvika 1 mu2. Hapana kuramba kuti masimba masimba ari kupfuura nomunzvimbo yebasa yaichimbova ine nhevedzano.

Masimba Masimba Mumitambo uye Varaidzo

Mitambo nevaraidzo zvave zvichirondwa somutoo wevaraidzo kana kuti zorodzo zvokuzorodza munhu nokuda kwezvinorondwa zvakakomba zvikuru zvoupenyu. Nhasi varaidzo ibhizimisi ramabhiriyoni akawanda amadhora. Kuti vawane mhindu yakakura youyu musika wemhindu huru, vagoveri vevaraidzo havatyi kushandisa rudzi rwupi norwupi rwuchaita kuti zvinhu zvavo zvitengwe. Uye rumwe rworudzi rwakadaro masimba masimba.

Somuenzaniso, Forbes, magazini yebhizimisi, yakashuma kuti mugadziri wemutambo wemavhidhiyo ane mutambo wakakurumbira wehondo umo murwi anodimbura musoro womurwisani wake achitya nepo vayevi vanokurudzira kuti, “Mupedzise! Mupedzise!” Rudzi rwomutambo mumwe chetewo rwakaitwa nokuda kweimwe kambani inokwikwidza, zvisinei, haruna chiitiko ichocho chine chishava. Mugumisiro wacho? Rudzi rwamasimba masimba zvikuru rwunotengwa kupfuura mukwikwidzani warwo nereshiyo ye3 ku2. Uye ikoku kunoreva mari yakawanda. Apo rudzi rwapamusha rweiyi mitambo rwakauya pamusika, makambani nokukurumidza akawana mamiriyoni 585 amadhora mumarudzi akawanda muvhiki mbiri dzokutanga! Apo chimuko chinobatanidzwa, masimba masimba anongova chimwe chinokwezva chavatengi.

Masimba masimba mumitambo ndeimwe nhau yakati yokurangarira. Vatambi kazhinji kazhinji vanodada nekuvadziko yavanogona kuita. Pane mumwe mutambo wehockey muna 1990, somuenzaniso, pakanga pane mapenalty 86—nhamba yapamusoro zvikurusa. Mutambo wacho wakadzongonyedzwa nemaawa matatu nehafu emasimba masimba. Mumwe mutambi akarapwa bhonzo rokumeso rakatyoka, mboni yeziso yakamarwa, uye chironda. Neiko masimba masimba akadaro? Mumwe mutambi akatsanangura, kuti: “Apo unokunda mumutambo chaiwoiwo wemirangariro, nokurwisana kwakawanda, unoenda kumba uye unonzwa waswededzwa pedyo zvishoma nevatambi biyako. Ndaifunga kuti kurwa kunouita mutambo womudzimu chaiwoiwo.” Muyakawanda yemitambo yanhasi, masimba masimba, kunoratidzika kudaro, ava kwete chete nzira yokumugumo asi mugumo wacho umene.

Masimba Masimba Muchikoro

Chikoro changuve chichirangarirwa senzvimbo uko vanhu vaduku vanogona kusiya dzimwe itiro hanya dzavo dzose kumashure ndokupa ngwariro pakukudza ndangariro dzavo nemiviri. Nhasi, zvisinei, chikoro hachisisiri nzvimbo yakakotsekana uye yakachengeteka yakadaro. Nzvero yakaitwa muna 1994 yakawana kuti masimba masimba uye mapoka anoumba chinetso chikurusa muzvikoro zvehurumende muUnited States, chichipfuura zvemari, icho chakava pamusoro pendaza gore rakapfuura. Mamirire acho ezvinhu akaipa zvikuru sei chaizvo?

Kumubvunzo unoti, “Wati wambova nyajambwa wechiito chamasimba masimba chakaitika muchikoro kana kuti makapoteredza here?” anenge 1 muvadzidzi 4 vari vose munzvero yacho akapindura kuti hungu. Anopfuura mumwe muvadzidzisi gumi akapindurawo kuti hungu. Nzvero imwe cheteyo yakawana kuti 13 muzana yavadzidzi, vakomana nevasikana, yakabvuma kuva yakatakura chombo kuchikoro pane imwe nguva. Vakawanda zvikurusa vavo vakataura kuti vakaita kudaro kuti vangoorora vamwe bedzi kana kuti kuti vazvidzivirire vamene. Asi mumwe mudzidzi ane makore 17 okukura akapfura mudzidzisi wake muchipfuva apo mudzidzisi akaedza kutora pfuti yake.

Tsika Yamasimba Masimba

Hapana kuramba kuti masimba masimba ari kwose kwose nhasi. Mumusha, pabasa, muchikoro, uye muvaraidzo, tinotarisana netsika yamasimba masimba. Vachiva vanoratidzirwa kwairi zuva nezuva, vakawanda vakaibvuma seyomuzvarirwo—kusvikira vaitwa nyajambwa. Ipapo vanobvunza kuti, Achazomboguma here? Iwewo ungada kuziva mhinduro here? Ipapo tapota rava nyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe