Vazivisi Voumambo Vanoshuma
“Shoko raMwari Rikakura”
UNGANO yechiKristu yakakura kubva painenge mitezo 120 kusvikira kuinopfuura 3 000 munguva pfupi pashure pokunge yatangwa. (Mabasa 1:15; 2:41) Bhaibheri rinotsanangura kuti “shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru paJerusarema.” (Mabasa 6:7) Pashure pamakore mashomanene chete, ungano yakanga ichangobva kuvambwa yakava sangano riri mumakondinendi akawanda rine vaKristu muAfrica, Asia, uye Europe.
Ungano yechiKristu nhasi nenzira yakafanana iri kukura nokukurumidza. Somuenzaniso, muMexico, nhamba yavazivisi voUmambo yakakura mumakore mashanu chete navanopfuura 130 000 kusvikira ku443 640! Muna 1995, 1 muvanhu 59 muMexico akapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu sezvachinochengetwa neZvapupu zvaJehovha. Bva, kukohwa kwomudzimu munyika iyoyo hakuna kupedzwa, sezvinoratidzirwa nechakaitika chinotevera.—Mateo 9:37, 38.
Mune rimwe taundi munyika yeChiapas, hapana akanga abvuma fundo yeBhaibheri yapamusha neZvapupu zvaJehovha, kunyange pashure pokunge zvaparidza mashoko akanaka makore 20 munharaunda iyoyo. Sezviri pachena vazhinji vavanhu vomutaundi racho vaityisidzirwa nomumwe murume uyo akanga aine mukurumbira wokuva ane masimba masimba. Vaitya kuita kwake kudai aizowana kuti vakanga vachifunda Bhaibheri neZvapupu.
Zvapupu zviviri zvine ushingi izvo zvakatamira munharaunda yacho zvakasarudza kubata nechinetso chacho kupfurikidza nokuenda zvakananga kumurume aitaurwa nezvake. Apo zvakasvika pamusha wake, mudzimai wake akavhura suo ndokuteereresa shoko razvo. Akafarira zvikuru izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pokurarama muparadhiso pasi pano. Asi akabvuma kuti murume wake aizoita kuti zvinhu zvimuomere zvikuru kana akafunda Bhaibheri. Zvapupu zvacho zvakatsanangura kuti kutoti akanzvera nokungwarira izvo Bhaibheri rinotaura, aisazotongodzidza kubatirwa kunoitwa Mwari uye kufarikanya upenyu pasi pano nokusingaperi. Akabvuma fundo yeBhaibheri.
Sezvaikarirwa, murume wake haana kufadzwa nechisarudzo chake. Akamurambidza kushandisa motokari yake kupinda misangano yechiKristu, kunyange zvazvo akanga achibvumirwa kuishandisa nokuda kwezvimwe zvinangwa. Pasinei zvapo nechishoro chake, aienda nguva dzose kuHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yaiva pedyosa, iyo yaiva kure namakiromita gumi. Nokukurumidza vamwe vaiva mutaundi racho vakacherekedza ushingi hwake nokutsunga. Vanhu vakavamba kuteerera apo Zvapupu zvaishanyira misha yavo. Vamwe vakatotanga kuperekedza mukadzi wacho kumisangano. Pashure penguva pfupi, Zvapupu zvakanga zvava kuitisa fundo dzeBhaibheri dzinenge 20 mutaundi iroro!
Imwe shamwari yomukadzi uyu yakasarudzawo kufunda Bhaibheri pasinei zvapo nechishoro chomurume wayo. Nenzira inoshamisa, akakurudzirwa kuita saizvozvo nemurume womukadzi wokutanga. Pashure pokunge ataura nomurume wake, chishoro chakapera. Naizvozvo kwakanga kwakadaro kuti pashure pamakore 20 mbeu yezvokwadi yeBhaibheri pakupedzisira yakamera, navanhu vanopfuura 15 vachifunda Bhaibheri nokupinda misangano yechiKristu, kubatanidza vakadzi vaviri ava, avo zvino vari kuparidza mashoko akanaka.