Usachengeta Pfundepfunde
KUNGARATIDZIKA kuva kunodenha zvikuru kupfuura nakare kose kudzivisa kuva ane pfundepfunde apo mumwe munhu anotitadzira. Bhaibheri rine zano rinoshanda nokuda kwamamiriro ezvinhu akadaro. “Tsamwai,” muapostora Pauro akanyora kudaro, “musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.”—VaEfeso 4:26.
Apo mumwe munhu anotitadzira, kunongova bedzi kwomuzvarirwo kunzwa mwero wakati wokutsamwa. Kuti Pauro anoti “tsamwai” kunoreva kuti kutsamwa pane dzimwe nguva kungava kwakafanira—zvichida mukupindura kubatwa kusakarurama kana kuti kusaruramisirwa. (Enzanisa na2 VaKorinte 11:29.) Asi apo kunosiyiwa kusina kupedzwa, kunyange kutsamwa kunoruramiswa kunogona kuva nemigumisiro ine ngwavaira, kuchitungamirira kuchivi chikuru. (Genesi 34:1-31; 49:5-7; Pisarema 106:32, 33) Naizvozvo, chii chaunogona kuita apo unonzwa uchinyandurirwa kukutsamwa?
Muzviitiko zvizhinjisa zvinobatanidza kudarika kuduku, unogona kupedza mamiriro acho ezvinhu mumwoyo mako ndok“uti mwii” kana kuti zvimwe kusvika mutadzi ndokukurukura nhau yacho. (Pisarema 4:4; Mateo 5:23, 24) Ipi neipi ingava nzira yacho, kwakanakisisa kupedza nhau yacho nokukurumidza kuita kuti pfundepfunde isapararire ndokubereka migumisiro ine ngwavaira.—VaEfeso 4:31.
Jehovha anokanganwira zvivi zvedu nenzira yakasununguka, kunyange zvivi izvo isu mukusaziva kwedu tingasava tinoziva kuti tiri kuita. Hatigoni here nenzira yakafanana kukanganwira kudarika kuduku kwomunhu biyedu?—VaKorose 3:13; 1 Petro 4:8.
Nenzira inofadza, shoko rechiGiriki ra“kanganwira” rinoreva chaizvoizvo ku“rega chichienda.” Kanganwiro haidi kuti tideredze kana kuti kufuratira chakaipa. Pane dzimwe nguva ingangobatanidza kurega mamiriro ezvinhu acho, tichiziva kuti kuchengeta pfundepfunde kuchangowedzera bedzi kumutoro wako ndokuparadza chinzwano cheungano yechiKristu. Uye, kuchengeta pfundepfunde kunogona kuva kunokuvadza kuutano hwako!—Pisarema 103:9.