Godo Rakadokuparadza Upenyu Hwangu
GODO chaizvoizvo rakavamba kunditapura zvakaipa apo ndakaroorwa nomurume wangu wechipiri, Mark.a Pakati pedu, taifanira kutarisira chiverengero chakati chavana vokurera uye ndokubata navaichimbova vakwanyina vedu. Mamiriro ezvinhu zvacho pane dzimwe nguva aisashivirika. Nguva ipi neipi apo kwaiva nerwisano yemhuri, kwairatidzika kuti Mark aisanditsigira. Ndakavamba kunzwa kuti akanga achiri kuda aichimbova mudzimai wake. Panzvimbo pokudzora godo rangu, ndakaribvumira kudzora upenyu hwangu. Ndainzwa ndatyisidzirwa nguva ipi neipi apo aichimbova mudzimai waMark akanga aripo.
Nguva dzose ndaitarira Mark, kunyange kutarira maziso ake kuti ndione kwaakanga achitarisa. Ndaidudzira mukutarisa kwake zvinhu zvaisatombovapo. Pane dzimwe nguva ndaimupomera pachena kuva achiri kudanana neaichimbova mudzimai wake. Pane imwe nhambo akatambudzika kwazvo naikoku zvokuti akasimuka ndokusiya gungano rechiKristu. Ndakanzwa kuva nemhaka pamberi paJehovha. Ndakaita kuti upenyu hwemhuri yangu husiririse nemhaka yokuti pakupedzisira vana vaitapurwawo. Ndakazvivenga ndimene nokuda kwezvandakanga ndiri kuita, asi pasinei zvapo nokuti ndaiedza zvakaoma sei, ndaisangoratidzika sendaigona kudzora godo rangu.
Panzvimbo pokundibetsera, Mark akavamba kutsiva. Apo ndaimupomera, aitaura nenzwi rakakwira kwandiri, achiti “Godo, une godo chete.” Aitoratidzika kundiita kuti ndive negodo namaune. Zvimwe akafunga kuti ikoku kwaizorapa godo rangu, asi kwakaita bedzi kuti zvinhu zvive zvakaipa zvikuru. Akavamba kutarira vamwe vakadzi, achitsinhira kutarisika zvakanaka kwavaiita. Ikoku kwakandiita ndinzwe ndiri akatoderera zvikuru naasingadiwe. Kwakasvika papfundo apo mumwe murangariro—ruvengo—wakamuka. Papfundo iroro, ndakanga ndavhiringidzika kwazvo zvokuti ndaida chete kuparadzana naye nemhuri yake.
Apo Bhaibheri rinoti “godo rinoodza mafupa,” ndizvo chaizvo zvariri. (Zvirevo 14:30) Utano hwangu zvino hwakatanga kutapurwa. Ndakava namaronda omudumbu ayo akatora nguva refu kuti apore. Ndakapfuurira kuita upenyu hwangu huve hunosiririsa kupfurikidza nokuva anonyumwira chinhu chiri chose icho Mark aiita. Ndaisecha homwe dzake, uye kana ndaiwana nhamba yorunhare, ndaifona kuti ndione kuti ndiani aipindura. Mukati-kati ndaizvinyarira ndimene kwazvo, ndaichema nemhaka yokunyara pamberi paJehovha. Bva ndaisagona kuzvimisa ndimene. Ndakanga ndiri muvengi wangu ndimene mukurusa.
Umudzimu hwangu hwakakuvara kusvikira kupfundo rokuti ndaisagona kunyengeterazve. Ndaida Jehovha uye ndaida chaizvoizvo kuita chakanga chakarurama. Ndaiziva magwaro ose ane chokuita navarume navadzimai, asi ndaisakwanisa kuashandisa. Kekutanga muupenyu hwangu, ndakanga ndisingachadi kurarama, pasinei zvapo neidi rokuti ndaiva nevana vakaisvonaka.
Vakuru vaiva muungano yechiKristu vaiva kurudziro huru uye vakaedza unani hwavo kundibetsera. Asi apo vaidudza nhau yegodo rangu, ndaikuramba nemhaka yokunyara, ndisingadi kubvuma kuti ndaiva nechinetso chakadaro.
Pakupedzisira, utano hwangu hwakaderera kumwero wokuti ndaifanira kupinda muchipatara nokuda kwekuvhiyiwa. Ndiri imomo ndakaziva kuti upenyu hwaisagona kupfuurira sezvahwakanga huri. Mark neni takasarudza kuparadzana kwemwedzi mitatu kuti tinzvere mamiriro edu ezvinhu pasina kubatanidzwa kwazvo nenzira yomurangariro. Mukati meiyi nguva chimwe chinhu chakaisvonaka chakaitika. Mumagazini yeMukai! makabuda nyaya yaiva nomusoro unoti “Betsero Nokuda Kwavana Vakura Vezvidhakwa.”b
Munoonaka, amai vangu vaiva chidhakwa. Kunyange zvazvo ndisina kubatwa zvisina kufanira mumuviri, vabereki vangu havana kutongoratidzirana chidakadaka kana kuti kwandiri. Handigoni kuyeuka amai vangu vachitongondibata mumaoko avo kana kuti vachindiudza kuti vaindida. Naizvozvo chaizvoizvo ndakakura ndisingazivi kuda kana kuti, sezvinokosha zvakafanana, nzira yokudiwa nayo.
Amai vangu vaiwanzondiudza pamusoro pounzenza hwababa vangu uye kuti vaisagona kuvavimba. Nokudaro ndinofunga ndakakura ndisingavimbi varume vakawanda. Nemhaka yemarererwe angu, ndaigaronzwa ndakaderera kune vamwe, zvikurukuru vamwe vakadzi. Kurava nyaya iyoyo yeMukai! kwakandibetsera kunzwisisa revo yeizvi zvinhu. Kekutanga, ndakanzwisisa zvisakiso zvikuru zvechinetso changu chegodo.
Ndakaratidza nyaya yeMukai! yacho kumurume wangu, Mark, uye yakamubetserawo kundinzwisisa zviri nani. Nokukurumidza iye neni takakwanisa kutevera zano reBhaibheri kuvakwanyina vari kufunga kuparadzana. Takayanana. (1 VaKorinte 7:10, 11) Zvino roorano yedu iri nani kupfuura zvayati yambova. Tinoita zvinhu zvizhinjisa pamwe chete, zvikurukuru apo mibato yechiKristu inobatanidzwa. Mark anoratidza kunzwira tsitsi zvikuru. Rinenge zuva riri rose anondiudza kuti anondida zvikuru sei, uye zvino ndinokudavira chaizvoizvo.
Nguva ipi neipi yandinoziva kuti tichaonana neaichimbova mudzimai waMark, ndinonyengetera kuna Jehovha nokuda kwesimba, ndichimukumbira kuti andibetsere kuzvibata nenzira yechiKristu yokukura mumudzimu. Uye kunoshanda. Kunyange kunzwa kwangu kwokumuvenga kuri kupera. Handicharangariri mifungo yakaipa kana kuti kurega fungidziro dzangu dzisingadzorwi.
Ndichiri kuva nokunzwa kusina kufanira kwegodo. Upenyu hwakakwana bedzi munyika itsva yaMwari ndihwo huchandibvisira iro chose chose. Munguvayi, ndakadzidza kudzora godo, panzvimbo pokuribvumira kundidzora. Hungu, godo rakadokuparadza upenyu hwangu, asi nemhaka yaJehovha nesangano rake, zvino ndiri munhu anofara zvikuru, uye utano hwangu hwava hwakanaka. Zvakare ndava noukama hwakasimba naMwari wangu, Jehovha.—Yakagoverwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Zita rakachinjwa.
b Ona Mukai! yaJune 22, 1992, mapeji 26-30.