RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 9/15 p. 7
  • Munhu Ane Shanje

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Ane Shanje
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Rwisa Shanje Kuti Uve Nerugare Nevamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Shanje Dzakaita Somuchetura Kupfungwa Dzedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Chaunofanira Kuziva Pamusoro Pegodo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Unozvienzanisa Nevamwe Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 9/15 p. 7

Munhu Ane Shanje

MUTAURO wechiHebheru unongova bedzi nedzitsi rimwe reshoko rokuti “godo.” Pakunongedzera kuvanhu vanotadza, chiHebheru chingashandurwa kuti “shanje” kana kuti “makwikwi.” (Genesi 26:14; Muparidzi 4:4) Mutauro wechiGiriki, zvisinei, une rinopfuura shoko rimwe nokuda kwe“godo.” Shoko rokuti zeʹlos, kufanana nerakaenzana naro rechiHebheru, ringanongedzera kuzvose zviri zviviri godo rakarurama nerokutadza. Rimwe shoko rechiGiriki, phthoʹnos, rine mufungo wakashata chose chose. MuNew World Translation, rinoshandurwa nguva dzose kuti “shanje.”

Shoko rokuti phthoʹnos raishandiswa sei muchiGiriki chekare? The Anchor Bible Dictionary rinoti: “Kusafanana nomunhu ane udyire, munhu anotambudzwa nephthonos haasati achingodawo zvake zvinhu zvaanovengera mumwe kuva nazvo; haangodiwo zvake kuti mumwe ave nazvo. Anosiyana nomunhu wemakwikwi mukuti vavariro yake, kusafanana neiyo yomunhu wemakwikwi, haisati iri yokuwana asi kudzivisa vamwe pakuwana.”

Munhu ane shanje haawanzozivi kuti chimiro chake amene chendangariro ndicho chisakiso chikuru chezvinetso zvake. “Rimwe ramavara akatanhamara ephthonos,” duramazwi rimwe chetero rinotsanangura kudaro, “kushayikwa kwokuzviziva amene. Munhu ane phthonos, kana akakumbirwa kuti ape zvikonzero zvomufambiro wake, nguva dzose achazviudza amene nevamwe kuti avo vaanodenha vakakufanirwa uye kuti kuva kusina kufanira kwamamiriro ezvinhu kunomusunda kutsoropodza. Kana akabvunzwa kuti angagona sei kutaura nezveshamwari munzira yaanoita, achataura kuti kutsoropodza kwake zvikurukuru kunobetsera shamwari yake.”

Vanyori veEvhangeri Mateo naMarko vanoshandisa shoko rechiGiriki phthoʹnos kurondedzera vavariro yaavo vaiva nomutoro wokuurawa kwaJesu. (Mateo 27:18; Marko 15:10) Hungu, vakasundwa neshanje. Chimiro chendangariro chimwe chetecho chinokuvadza chakaparira vakaramba kutenda kuva vavengi vane utsinye vedzaichimbova hama dzavo. (1 Timotio 6:3-5) Hakushamisi kuti vanhu vane shanje vanodziviswa kupinda muUmambo hwaMwari! Jehovha Mwari akarayira kuti avo vose vanopfuurira kuva “vakazara ne[shanje]” “vakafanirwa norufu.”—VaRoma 1:29, 32; VaGaratia 5:21.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Usarega shanje dzichiparadza upenyu hwako

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe