RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 7/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Ari Kutungamirira Vanhu vaMwari Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Dare Rinotungamirira Rinoshanda Sei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Kubatira Pamwe noMutumbi Unodzora Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Muranda Akatendeka, Akangwara” Anoita Basa Rei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 7/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Mwari akanga achiva anosarura here mukusarudza varume vomutumbi unodzora wapakuvamba avo vaiva namamiriro ezvinhu akare mamwe chetewo edzinza neerudzi—vose vachiva vaJudha?

Aiwa, iye zvirokwazvo akanga asiri. Vose avo Jesu akatanga kudana savadzidzi vake vakanga vari vaJudha. Ipapo, paPentekosta 33 C.E., vaJudha navatendeuki vechiJudha vakadzingiswa vakanga vari vokutanga kuzodzwa nomudzimu mutsvene nokudaro vakakwanirisa kutonga naKristu mudenga. VaSamaria navatendeuki vaVamarudzi vasina kudzingiswa vakazobatanidzwa gare gare. Nokudaro, kunonzwisisika kuti mutumbi unodzora munguva iyoyo waiumbwa navaJudha, “vaapostora navarume vakuru muJerusarema,” sezvinodudzwa pana Mabasa 15:2, NW. Ivava vakanga vari varume vaiva nenzwisiso huru yezivo yapaMagwaro uye makore oruzivo rwokuzviwanira mukunamata kwechokwadi, uye vakanga vava nenguva yakawanda yokukura kuva vakuru vakakura mumudzimu vechiKristu.—Enzanisa naVaRoma 3:1, 2.

Pakasvika nguva yomusangano womutumbi unodzora inorondedzerwa muna Mabasa ganhuro 15, Vamarudzi vazhinji vakanga vava vaKristu. Ivava vaibatanidza vaAfrica, vaEurope, uye vanhu vakabva muna mamwe maruwa. Bva, hapana chinyorwa chokuti vapi navapi Vamarudzi vakadaro vakanga vawedzerwa kumutumbi unodzora kuita kuti chiKristu chive chinofadza kuvaisava vaJudha. Nepo ava vaKristu vaVamarudzi vakanga vachangobva kutendeuka vakanga vari mitezo yakaenzana muna “Israeri waMwari,” vaizova vakaremekedza ukuru mumudzimu noruzivo rwokuzviwanira rukuru zvavaKristu vechiJudha, vakadai savaapostora, avo vaiva rutivi rwemutumbi unodzora shure panguva iyeyo. (VaGaratia 6:16) Cherekedza pana Mabasa 1:21, 22 kuti ruzivo rwokuzviwanira rwakadaro rwaikosheswa zvikuru sei.—VaHebheru 2:3; 2 Petro 1:18; 1 Johane 1:1-3.

Kwamazana mazhinji amakore Mwari akanga abata nenzira chaiyo nerudzi rwaIsraeri, umo Jesu akasarudza vaapostora vake. Yakanga isiri mhosho kana kuti kusaruramisira kuti hakuna vaapostora vakabva kune inonzi zvino South America kana kuti Africa kana kuti Far East. Pashure penguva yakati varume navakadzi vaibva munzvimbo idzodzo vaizova nomukana wokuwana ropafadzo dzakakura zvikuru dzinopfuura kuva muapostora pasi pano, kuva mutezo wemutumbi unodzora womuzana rokutanga ramakore, kana kuti kuva nerimwe basa ripi neripi pakati pavanhu vaMwari nhasi.—VaGaratia 3:27-29.

Mumwe muapostora akasundwa kutaura kuti “Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Hungu, betsero dzorudzikinuro rwaKristu dzinowanika kuna vose, pasina kusarura. Uye vanhu vanobva mudzinza riri rose nendimi uye rudzi vachabatanidzwa muUmambo hwokudenga uye muboka guru iro richararama nokusingaperi pasi pano.

Vanhu vazhinji vanova vanotapurika pamusoro pemamiriro ezvinhu akare edzinza, omutauro, kana kuti orudzi. Ikoko kunoratidzirwa neizvo tinorava pana Mabasa 6:1 pamusoro penhau yakaparira nyunyuto pakati pavaKristu vaitaura chiGiriki naavo vaitaura chiHebheru. Tingava takakura nokutapurwa kwatinako iye zvino kana kuti tingava takagamuchira kutapurwa kwatinako iye zvino pamusoro pomutauro, dzinza, mamiriro ezvinhu akare edzinza, kana kuti munhukadzi kana kuti munhurume. Nemhaka yebviro iyoyo chaiyoiyo zvikuru, tinoita zvakanaka kushandisa nhamburiko yakasimba kubvumira kuti mirangariro yedu uye nezviito zviumbwe nomurangariro waMwari, uyo unoti vanhu vose vakaenzana pamberi pake, pasinei zvapo nechitarisiko chedu chokunze. Apo Mwari akaita kuti zvikwaniriso zvavakuru navabatiri vanoshumira zvinyorwe, haana kududza nezvedzinza uye mamiriro ezvinhu akare erudzi. Aiwa, akanangidzira ngwariro pazvikwaniriso zvomudzimu zvaavo vangagona kuwanika kuti vabatire. Ikoko ndokwechokwadi nezvavakuru vomunzvimbomo, vatariri vanofambira, uye vashandi vapabazu nhasi, sezvazvaiva zvechokwadi nemutumbi unodzora muzana ramakore rokutanga.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe