RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 7/1 p. 32
  • “Upenzi”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Upenzi”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 7/1 p. 32

“Upenzi”

“SEZVO hondo dzichivamba mupfungwa dzavanhu, ndimo mupfungwa dzavanhu umo tinofanira kuvaka zvinodzivirira rugare.” (Charter of the UN Educational, Scientific, and Cultural Organization) Dzichirangarira uku kutaura, muna 1993 nyanzvi dzinopfuura 500 dzaipinda musangano weUN pamusoro pokukanda zvombo pasi dzakarangarira basa rorudzidziso mukuvaka zvinodzivirira zvakadaro.

Jonathan Granoff, achimirira Lawyers’ Alliance for World Security, akatungamirira musangano wacho. Akati: “Ukuru hwokurwisana kwazvino kworudzidziso nokwedzinza kwakaipa kwazvo, sezvinobvira upenzi.” Mashoko aJohn Kenneth Galbraith akanokorwa zvakakodzera mukati momusangano wacho: “Vanhu vazhinji vakaurawa muzita rorudzidziso kupfuura hondo dzose nengwavaira dzomusikirwo zvaiswa pamwe chete”.

Dr. Seshagiri Rao akati: “Vanachiremba vanofanira kurapa uye kwete kuparadzira hosha. Magamuchidzanwa orudzidziso haafaniri kuparadzira ruvengo nerwisano yamasimba masimba kuno mumwe nomumwe. Anofanira kuve masimba okuyananisa. Chaizvoizvo kunyange zvazvo zvakadaro, akashanda kazhinji kazhinji uye achiri kushanda samasimba anokamuranisa.”

Makore akati apfuura, Catholic Herald yeLondon yakatsinhira kuti rugare rungagona kuvarwechokwadi “kudai chechi dzanhasi dzaigona kuzivisa shurikidzo yakabatana yehondo.” Zvisinei, pepanhau racho rakawedzera, kuti: “Tinoziva kuti ikoku hakuzotongoitiki.” Mumwe munani weKaturike akambotsinhira, kuti: “Nyika yaizova yakasiyana sei kudai tose tikamuka mamwe mangwanani tasarudza zvakasimba kusarwisanazve, . . . kungofanana neZvapupu zvaJehovha!”

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Tom Haley/Sipa Press

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe