RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 4/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Boka Guru Ravanamati Vechokwadi—Vakabva Kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Boka Guru Riri Pamberi Pechigaro choUmambo chaJehovha
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Shanyira Nyika, Shanyira Makwai!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Boka Guru Pamberi Pechigaro choUmambo chaJehovha
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 4/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Chaizvoizvo, pane musiyano here pakati pamashoko eBhaibheri okuti “mamwe makwai” ne“boka guru”?

Hungu, kunyange zvazvo tisingafaniri kuva vanonyanyotapurwa nokushandiswa kwamashoko kana kuti kukangaidzika kana mumwe munhu akashandisa mashoko acho achiachinjanisa.

VaKristu vakawanda zvikurusa vakarovedzana nendima idzo tinowana aya mashoko. Johane 10:16 ndeimwe yacho. Ipapo Jesu anoti: “Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawovo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.” Rimwe shoko rokuti, “boka guru,” rinowanikwa pana Zvakazarurwa 7:9, (NW). Tinorava, kuti: “Pashure pezvinhu izvozvi ndakaona, uye, tarira! boka guru, rakanga risina munhu aikwanisa kuriverenga, rakabva mumarudzi ose namadzinza navanhu nendimi, rimire pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwayana, vakapfeka nguvo chena; uye vakanga vane matavi emichindwe mumaoko avo.”

Ngatitangei kurangarira Johane 10:16. Ndivanaani vari makwai? Eya, kwaizova kwakanaka kuyeuka kuti vose vavateveri vakavimbika vaJesu vanonongedzerwa kwavari samakwai. Pana Ruka 12:32, akaidza avo vavadzidzi vake vaizove vachienda kudenga kuti “kapoka kaduku.” Boka rechii? Ramakwai. “Makwai” e“kapoka kaduku” achava rutivi rwoUmambo mudenga. Zvisinei, kuna vamwe, avo vane tariro yakasiyana, avo Jesu anorangarirawo samakwai.

Tinogona kuona ikoku muna Johane ganhuro 10. Pashure pokutaura pamusoro pamakwai akadai savaapostora vake avo aizodanira kuupenyu mudenga, Jesu akawedzera kuti Joh 10 mundima 16: “Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo.” Zvapupu zvaJehovha zvakanguve zvaziva kuti muiyi ndima Jesu akanga achitaura nezvavanhu vane kariro youpenyu pasi pano. Vakatendeka vakawanda vakatangira munguva dzechiKristu, vakadai saAbrahama, Sara, Noa, uye Maraki, vaive nekariro dzakadaro. Naizvoizvo tinogona kuvabatanidza nenzira yakarurama sorutivi rwa“mamwe makwai” aJohane 10:16. Mukati meMiriyeniyumu, zvapupu zvakatendeka zvakatangira chiKristu zvakadaro zvichamutswa uye ipapo zvichadzidza uye kugamuchira Kristu Jesu, zvichiva “mamwe makwai” oMufudzi Akaisvonaka.

Tinozivawo kuti sezvo kudanwa kwavose veboka rokudenga kwakaguma, mamiriyoni akava vaKristu vechokwadi. Ivavawo vanoidzwa nenzira yakarurama kuti “mamwe makwai,” sezvo vasati vari rutivi rwe“kapoka kaduku.” Panzvimbo pezvo, mamwe makwai nhasi anokarira kurarama kusvika apinda muparadhiso yapasi.

Zvino, chii chinogona kutaurwa pamusoro pezivikanwo ye“boka guru” rinodudzwa pana Zvakazarurwa 7:9? Eya, tarira paZvak. 7 ndima 13 uye mibvunzo yokuti, “Ndivanaaniko? Vakabvepiko?” Tinowana mhinduro pana Zvakazarurwa 7:14, inoti: “Ndivo vakabva kukutambudzika kukuru.” Naizvoizvo “boka guru” rinoumbwa naavo vanobuda, kana kuti vanopukunyuka, dambudziko guru. Sokutaura kunoita Zvak. 7 ndima 17, vacha‘tungamirirwa kumatsime emvura dzoupenyu’ pasi pano.

Nenzira inonzwisisika, kunyanguvezvo, kuti ivava vapukunyuke dambudziko guru riri kuswedera, vanofanira kuve vakasuka kare nguvo dzavo muropa reGwayana, kuva vanamati vechokwadi. Nokudaro, kunyange zvazvo Zvakazarurwa 7:9 iri kurondedzera iri boka pashure pedambudziko guru, tingashandisa shoko rokuti “boka guru” kuvose vane tariro dzapasi avo vari kuitira Jehovha basa dzvene zvino, nokukurumidza dambudziko guru risati ravamba nokudenha kwamarudzi rudzidziso rwenhema.

Mukupfupikisa, tingayeuka “mamwe makwai” seshoko rakafara zvikuru, rinobatanidza vose vavabatiri vaMwari vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Rinobatanidza boka rakaganhurirwa zvikuru ravakafanana namakwai nhasi avo vari kuunganidzwa se“boka guru” vane tariro yokurarama vachipfuura nomudambudziko guru riri kusvika nokukurumidza. Vakawanda zvikurusa vavaKristu vakavimbika ivavo vari vapenyu nhasi ndeve“mamwe makwai,” uye variwo rutivi rwe“boka guru.”

Kwakafanira kukudzokorora kuti, kunyange zvazvo kwakaisvonaka kuva akajeka paidzi revo, hapana dikanwo yokuti muKristu upi noupi ave anonyanyoitira hanya mashoko—uko kungadaidzwa kuti kutsoropodza mashoko. Pauro akanyevera pamusoro pavamwe vakanga vachi“ngozvikudza” uye vaibatanidzwa mu“nharo dzinomutsa godo.” (1 Timotio 6:4) Kana tikaziva isu pachedu misiyano yakati pakati pamashoko, zvakaisvonaka. Bva, hatifaniri, nechokunze kana kuti nechomukati, kuva vanotsoropodza mumwe angasashandisa mashoko eBhaibheri zvakarurama zvikuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe