RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 4/15 p. 32
  • New World Translation Inoorora Imwe Nyanzvi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • New World Translation Inoorora Imwe Nyanzvi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 4/15 p. 32

New World Translation Inoorora Imwe Nyanzvi

MAERERANO neimwe nyanzvi yechiGiriki chakare Dr. Rijkel ten Kate, shanduro dzeBhaibheri dzechiDutch dzinokundikana kushandura mamwe mashoko zvakarurama. Somuenzaniso, muna Ruka ganhuro 2, tinowana mashoko matatu akasiyana echiGiriki (breʹphos, pai·diʹon, uye pais) achishandiswa kurondedzera matanho anotevedzana okukura kwaJesu. Rimwe nerimwe ramashoko aya rine musiyano werevo. Zvisinei, mumaBhaibheri akawanda, maviri kana kuti ose ari matatu amashoko aya anoshandurwa nenzira isina kujeka kuti “mwana.” Ndeipi shanduro yakarurama?

Dr. ten Kate anotsanangura kuti Ru 2 mundima 12 shoko rechiGiriki breʹphos rinoreva kuti “rusvava, kana kuti mucheche.” Pai·diʹon, rakashandiswa Ru 2 mundima 27, rinoreva “kamukomana kana kuti mwana” uye pais, rinowanikwa Ru 2 mundima 43, rinofanira kushandurwa kuti “mukomana.” “Sokuziva kwandinoita,” akanyora kudaro Dr. ten Kate muchinyorwa chaMarch 1993 cheBijbel en Wetenschap (Bhaibheri neSayenzi), “hakuna shanduro imwe yechiDutch yakashandura ikoku zvakakwana, ndiko kuti, zvakakwana mutsinhirano namagwaro apakuvamba.”

Gare gare, Dr. ten Kate akaratidzwa New World Translation of the Holy Scriptures, iyo inowanikwa mumitauro 12, kubatanidza chiDutch. Akati chii? “Ndashamiswa zvikuru,” akadaro, “kuti chaizvoizvo kune Bhaibheri rimwe rechiDutch mariri kushandiswa kwakasiyana-siyana kwamashoko matatu echiGiriki breʹphos, pai·diʹon, uye pais kunorangarirwa zvakafanira.” New World Translation inoshandura idzi ndima mutsinhirano namagwaro echiGiriki apakuvamba here? “Inobvumirana nenzira yakakwana,” anopindura kudaro Dr. ten Kate.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe