Chisarudzo Changu Chokufambira Mberi Kuukuru Mumudzimu
YAKATAURWA NACARL DOCHOW
“Fambira Mberi Kuukuru Mumudzimu kana kuti Dzokera Shure Muchivi, Ndechipi?” ndiwo wakanga uri musoro weimwe nyaya yaiva muchinyorwa cheNharireyomurindi yechiNgezi yaJune 15, 1948. Nyaya iyoyo yakandisunda kuchinja kubva mungozi yomudzimu mumapurazi eUnited States ndichienda kubasa roufundisi muSouth America iro rabatanidza makore anopfuura 43.
NDAKABEREKWA pana March 31, 1914, wechitatu wavakomana vana, muimba yemiti muVergas, Minnesota. Makore angu apakuvamba akanga ari mufaro. Ndinoyeuka ndichiredza naBaba. Amai, zvisinei, vairwara-rwara, uye ndaifanira kurega chikoro ndiri mugiredhi rechishanu kuti ndivabetsere pamba. Panguva yandakanga ndava namakore 13, chirwere chavo chakaongororwa ndokuwanwa kuva kenza yomumapapu.
Amai vaiziva kuti vakanga vasina nguva refu yokurarama, naizvozvo vakavamba kundigadzirira kutora nzvimbo yavo. Vaigara mukicheni ndokundirayiridza nzira yokubika nayo nokubheka. Mukuwedzera, vaindidzidzisa kugeza mbatya, kutarisira bindu, uye kutarisira huku dzine zana. Ivo vaindikurudzirawo kurava ganhuro reBhaibheri zuva riri rose, uko ndaiita pasinei zvapo namano angu okurava akaganhurirwa. Pashure pokundirovedza kwemwedzi gumi, Amai vakafa pana January 27, 1928.
Hondo Inochinja Upenyu Hwedu
Pashure pokunge Hondo yeNyika II yavamba muna September 1939, minyengetero yaitaurwa nokuda kwamauto Svondo riri rose muchechi yedu yeLutheran. Mukoma wangu Frank akanga akatsunga kusauraya, naizvozvo apo akaramba kurwa sorutivi rwehondo, akasungwa. Pakutongwa kwake akati: “Ndisati ndauraya vanhu vasina mhaka, munogona kundipfura!” Akatongerwa kupedza gore rimwe ari mutorongo paMcNeil Island kure nemhenderekedzo yegungwa yeWashington State.
Ipapo Frank akawana vanopfuura 300 veZvapupu zvaJehovha avo vakanga vapinzwa mutorongo nemhaka yokuti vaisatora rutivi chose chose mukati mehondo yacho. (Isaya 2:4; Johane 17:16) Nokukurumidza akavamba kusonganirana nazvo uye akabhapatidzwa imomo chaimo mutorongo. Nokuda kwomufambiro wakanaka, mutongo wake wakaderedzwa kusvikira kumwedzi mipfumbamwe. Muna November 1942 takagamuchira shoko rokuti Frank akanga asununguka, uye nokukurumidza pashure paikoko akatiudza pamusoro pamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Pashure pokusanonzvera shoko racho namaBhaibheri edu, tose zvedu taigona kuona kuti icho Frank akanga achitidzidzisa yakanga iri zvokwadi.
Mhinganidzo Kufambiro Mberi Yomudzimu
Muna 1944, ndakatamira kunharaunda yeMalta, Montana, kundogara nababamuduku vangu. Taiva nechimwe chinhu chakafanana—vadzimai avo vakanga vatisiya pashure pemwedzi mitanhatu yeroorano. Ivo vakafara kuti ndivabetsere nokurima nokubika, uye taigoverana mhindu dzedu nepakati. Sekuru vangu vakati ndaizova mugari wenhaka wepurazi ravo raiva namahekita 260 kana ndaizogara navo. Iwayo akanga ari makore okubudirira nokuda kwokurima, uye ndaikuda sei! Taiva nomukohwe mukuru gore riri rose, uye gorosi raitengwa neyakawanda seU.S.$25,28 pamarita 36.
Zvisinei, sekuru vangu vaisada pfungwa yokuti ndipinde misangano yeungano duku yeZvapupu muMalta. Pana June 7, 1947, sekuru vangu vasingazivi, ndakabhapatidzwa pagungano redunhu reZvapupu zvaJehovha paWolf Point. Ipapo imwe hama yechiKristu yakandikoka kuti ndive piyona, kana kuti mushumiri wenguva yakazara. Kunyange zvazvo kushandisa upenyu hwangu nenzira yakadaro chakanga chiri chishuvo chomwoyo wangu, ndakatsanangura kuti sekuru vangu havasati vaizotongondibvumidza kupa nguva yakawanda zvakadaro kuushumiri.
Nokukurumidza pashure paikoko, sekuru vangu vakazarura ndokurava tsamba yakanyorerweni neshamwari yakandikurudzira kuva mushumiri wenguva yakazara. Vashatirwa zvikuru, sekuru vangu vakandipa chisarudzo chokupedzisira—kurega kuparidza kana kuti kuenda. Chisarudzo chokupedzisira ichocho chakanga chiri chinhu chakanaka nemhaka yokuti ndaida kurima zvikuru kwazvo zvokuti handizivi kana ndingadai ndakazvibvira ndimene. Naizvozvo ndakadzokera kumhuri yangu muMinnesota, vose avo vakanga vabhapatidzwa zvino uye vaisonganirana neDetroit Lakes Ungano.
Pakuvamba mhuri yangu yaindikurudzira kupayona, asi muna 1948 ivo vakavamba kutonhora mumudzimu. Pakanga pari panguva iyeyo apo nyaya yaiti “Fambira Mberi Kuukuru Mumudzimu kana kuti Dzokera Shure Muchivi, Ndechipi?” yakagovera kurudziro yomudzimu yandaida. Iyo yakanyevera kuti “migumisiro inosuruvarisa zvikuru ine chokwadi chokutevera kana tikaramba namaune kuvambirana nezivo inofambira mberi.” Nyaya yacho yakati: “Hatigoni kutsunga kumira ndokuva vanodzokera shure, asi tinofanira kuita fambiro mberi mukururama. Kufambira mberi, kwete kumira, ndiro simba gurusa rinorwisana nokudzokera shure.”
Kunyange zvazvo mhuri yangu yakapa dzimwe pembedzo, ndinodavira kuti chinetso chaichoicho chakanga chiri chishuvo chavo chokupfuma. Ivo vaigona kuona betsero dzezvemari dzokuisa nguva yakawanda mukurima uye shomanene mukuparidza. Panzvimbo pokubatwa nechishuvo chepfuma, ndakaita gadziriro dzokupayona. Ndakaziva kuti hakusati kwaizova kuri nyore, uye ndakatofunga kuti ndaisagona kukuita. Naizvozvo muna 1948, ndakazviedza ndimene kupfurikidza nokukumbira namaune kuvamba kupayona murutivi rwakaipisisa rwegore—December.
Kuvamba Basa Roupiyona
Jehovha akakomborera nhamburiko dzangu. Somuenzaniso, zuva rimwe kwakanga kuri -27° Celsius, ndisingarangariri kutonhora kwemhepo. Ndakanga ndichiita kupupura kwangu kwenguva dzose mumugwagwa, ndichichinja maoko angu kakawanda—ndichipinza runotonhora muhomwe yangu ndakabata magazini norumwe kutozosvikira irworwo rwatonhorwa zvikuru ndokufanirwa nedzoro rarwo muhomwe. Mumwe murume akasvika. Achitsinhira kuti akanga acherekedza mubato wangu kwenguva yakati, akabvunza, kuti: “Chii chiri mumagazini iwayo chinokosha zvakadaro? Ndipe maviri ayo kuti ndigogona kuarava.”
Munguvayo, ndaigona kuona kuti songanirano nemhuri yangu yakanga ichipinza umudzimu hwangu ndimene mungozi, naizvozvo pachikumbiro kuWatch Tower Society, ndakapiwa mugove mutsva, muMiles City, Montana. Imomo ndakabatira somuranda weboka, zvino anozivikanwa somutariri anotungamirira. Ndichigara muturera yakafara mamita maviri uye yakareba mamita matatu, ndaizvitsigira ndimene nokushanda nguva isina kuzara mubhizimisi redhiraikirina. Panhambo nenhambo ndaihayiwa nokuda kwechandaida zvikurusa—kukohwa.
Mukati meiyi nguva, ndairamba ndichinzwa pamusoro pemamiriro ezvinhu omudzimu aiipa zvikuru emhuri yangu. Pakupedzisira ivo, pamwe chete navamwe vaiva Detroit Lakes Ungano, vakapandukira sangano raJehovha. Pa 17 vavaparidzi voUmambo vaiva muungano macho, vanomwe bedzi vakaramba vakatendeka. Mhuri yangu yakanga yakatsunga kundibudisawo musangano raJehovha, naizvozvo ndakaziva kuti kwaingova nemhinduro imwe bedzi, kufambirazve mberi. Asi sei?
Kuronda Basa Roufundisi
Mukati mekokorodzano yamarudzi ose muNew York City muna 1950, ndakapupurira kupedza kufunda kwavadzidzi vari vafundisi vomukirasi yechi 15 yeWatchtower Bible School of Gilead. ‘Haiwa, kudai bedzi ndaigona kuva pakati paavo vari kuenda kundobatira Jehovha mumugove wokuimwe nyika,’ ndakafunga kudaro.
Ndakatumira kumbiriso uye ndakagamuchirwa somutezo wekirasi yechi 17 yeGilead, iyo yakavamba muna February 1951. Nzvimbo yechikoro chacho papurazi kuchamhembe kweNew York yakanga yakaisvonaka. Ndaida sei kushanda papurazi racho pashure pamaawa ekirasi, zvichida mubhani nemombe kana kuti panze nezvirimwa! Asi John Booth, mutariri weKingdom Farm panguva yacho, akatsanangura kuti ndini bedzi ndaiva noruzivo rupi norupi rwokuzviwanira mudhiraikirina. Naizvozvo ndakagoverwa kuita basa iroro.
Gilead yakanga isiri nyore nokuda kwomumwe munhu aingova bedzi nedzidzo yegiredhi rechishanu. Kunyange zvazvo magetsi aifanira kudzimwa na 10:30 p.m., ndaiwanzofunda kutozosvikira pakati pousiku. Zuva rimwe mumwe wavarayiridzi akandidana kuti ndipinde muhofisi yake. “Carl,” iye akadaro, “ndinogona kuona kuti magiredhi ako haana kunaka zvikuru.”
‘Maiwe zvangu,’ ndakafunga ndoga kuti, ‘vachandikumbira kuenda.’
Zvisinei, murayiridzi wacho nenzira yorudo akandipa zano pamusoro penzira yandaigona kushandisa nayo zvakanakisisa nguva yangu pasina kufunda kusvikira usiku kudaro. Ndakabvunza norutyo, kuti: “Ndinogona zvakakwana kupfuurira kugara pano paGilead here?”
“Hungu,” akapindura kudaro. “Asi handizivi kana uchakwanirisa nokuda kworugwaro.”
Ndakawana nyaradzo mumashoko apurezidhendi wechikoro chacho, Nathan H. Knorr. Pakuvamba zvikuru akanga audza vadzidzi kuti magiredhi aisamuorora zvikuru so“kuomerera kumugove” kwavafundisi vairamba vari mumigove yavo.
Chidzidzo changu chakaomesesa chakanga chiri chiSpain, asi ndakanga ndichikarira mugove kuAlaska, uko mugariro wokunze unotonhora wakanga uri wandakajaira shure kumusha. Kunze kwezvo, ndaizokwanisa kuparidza muchiNgezi. Naizvozvo unogona kufungidzira shamisiko yangu apo pakati pekosi yacho, ndakagamuchira somugove wangu Ecuador, South America. Hungu, ndaizofanira kutaura chiSpain, uye paequator chaipo panopisa zvikurusa!
Rimwe zuva mumiriri weFBI akandishanyira paGilead School. Akabvunza pamusoro pomwanakomana womuranda weboka uyo akanga asiya sangano redu muDetroit Lakes. Hondo yeKorea yakanga ichirwiwa, uye iri jaya rakataura kuti rakanga riri mushumiri weZvapupu zvaJehovha uye nokudaro rakahesvurwa mubasa rehondo. Ndakatsanangura kuti akanga asisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Sezvo mumiriri wacho akandioneka, akati: “Mwari wako ngaakukomborere mubasa rako.”
Gare gare ndakaziva kuti pwere yacho yakaurawa muimwe yehondo dzayo dzokutanga muKorea. Mugumisiro unosuruvarisa zvakadini nokuda kwomunhu aigona kuva akafambira mberi kuukuru mumudzimu musangano raMwari!
Pakupedzisira, zuva redu rinofadza rokupedza kufunda rakasvika pana July 22, 1951. Chokwadika, hapana navamwe vemhuri yangu vaivapo, asi mufaro wangu wakakwana apo ndakagamuchira rugwaro nemhaka yefambiro mberi yandakanga ndaita.
Kuchinjira Kumunda Wenyika Yokumwe
Ndangova mumugove wangu bedzi, ndakawana kuti rovedzo yaAmai yaibetsera chaizvoizvo. Kubika, kugeza mbatya namaoko, uye kushayiwa mvura yomupombi zvakanga zvisiri zvitsva kwandiri. Asi kuparidza muchiSpain kwakanga kuri! Ndaishandisa mharidzo yakadhindwa yechiSpain kwenguva yakati zvikuru. Kwakada makore matatu ndisati ndagona kupa hurukuro yavose muchiSpain uye ikoko nokushandiswa kwezvinonyorwa zvakawanda.
Apo ndakasvika muEcuador muna 1951, maiva navaparidzi voUmambo vasingasviki 200. Kuita vadzidzi kwakaratidzika kuva kunononoka kwamakore 25 okutanga kana kuti kupfuura. Dzidziso dzedu dzeBhaibheri dzakanga dzakasiyana zvikuru namagamuchidzanwa asiri apaMagwaro echiKaturike, uye kunamatira kwedu kumirayiridzo yeBhaibheri pakutendeka kumukwanyina mumwe weroorano kwakanga kusingadikanwi zvikuru.—VaHebheru 13:4.
Kunyanguvezvo, taikwanisa kugovera mabhuku akawanda eBhaibheri. Ushumiri hwedu muMachala, iri pakati pamapurazi anoita mabhanana, hunobatira kuratidzira ikoku. Nicholas Wesley neni takanga tiri Zvapupu bedzi imomo apo takasvika muna 1956. Taisienda mangwanani-ngwanani tiri mumatipa ayo aishandiswa mubasa mumigwagwa yaigadzirwa mumazuva iwayo. Pashure pokunge takwira daro rakati, taiburuka ndokupupura kuvanhu tichidzokera kwataigara.
Parimwe zuva rakati, Nick neni takachengeta chinyorwa kuti tione kuti ndiani wedu aizogovera magazini akawanda. Ndinoyeuka kuti ndaiva pamberi paNick pamasikati makuru, asi pakasvika madekwana takanga tagovera magazini akaenzana 114. Takasiya mazana amagazini edu mwedzi mumwe nomumwe ane vanhu kwaimirirwa magazini kwedu. Katanhatu ndakagovera magazini anopfuura chiuru mukati momwedzi mumwe. Funga kuti vangani vaigona kudzidza zvokwadi dzeBhaibheri dzaibva mumagazini iwayo!
MuMachala taivawo neropafadzo yokuvaka Horo yoUmambo yeungano yokutanga muEcuador. Iwayo akanga ari makore 35 apfuura, muna 1960. Mumazuva iwayo apakuvamba, taingova navanenge 15 bedzi vaipinda misangano yedu. Nhasi Machala ine ungano 11 dzinobudirira!
Shanyo kuStates
Mukupera kwama 1970, ndakadzokera kuUnited States pazororo ndokupedza maawa mashomanene ndina mukoma wangu Frank. Akandikwidza motokari yake tiri pagomo pataigona kuona kure paRed River Valley. Yakanga yakaisvonaka, zvirimwa zvoibva zvichipepereka mumhepo, munda muhombe wegorosi rakabereka zvikuru raibva. Kure Sheyenne River ine miti mumativi yakanga ichioneka. Kufarikanywa kworunako irworwo rune rugare kwakadzongonyedzwa apo mukoma wangu akavamba kurukurirano yake yenguva dzose.
“Kudai waisava benzi rakadaro rinomhanya-mhanya imomo muSouth America, irori raigonawo kuva rako!”
“Frank,” ndakadzongonyedza nokukurumidza. “Chigumira ipapo chaipo.”
Haana kutaura rimwe shoko. Makore mashomanene gare gare, akafa kamwe kamwe nesitiroko, achisiya mapurazi matatu akaisvonaka emombe muNorth Dakota nehwerengedzo yamahekita anopfuura zviuru 400, pamwe chete nepurazi rasekuru vangu ramahekita 260 muMontana iro akanga ava mudyi wenhaka waro.
Zvino vose vomumhuri yangu vakafa. Asi ndinofara kuti muDetroit Lakes, umo tose zvedu takatangira seZvapupu zvaJehovha makore apfuura, ndine mhuri yomudzimu yehama nehanzvadzi dzomudzimu dzechiKristu dzinopfuura 90.
Kupfuurira Kufambira Mberi Mumudzimu
Makore 15 okupedzisira akabereka zvirimwa zvakawanda mukukohwa kwomudzimu muno muEcuador. Kubva pavaparidzi voUmambo 5 000 muna 1980, zvino tine vanopfuura 26 000. Ndakawana chikomborero chokubetsera vanosanopfuura zana vaivava kusvikira kurubhapatidzo.
Zvino, pazera ramakore 80, ndinoshanda zvakaoma zvikuru kuti ndipinze maawa 30 pamwedzi muushumiri kupfuura zvandaiita kuti ndisvitse mupimo wangu wamaawa 150 muna 1951. Chibviro cha 1989, apo ndakaziva kuti ndaiva nekenza yeprostate, ndakashandisa nguva yangu yokunaya kuti ndirave. Chibviro chegore iroro, ndarava Bhaibheri rose ka 19 uye bhuku raJehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom katanhatu. Neiyi nzira ndinoramba ndichifambira mberi mumudzimu.
Hungu, ndakava nemikana yangu yokuwana betsero dzokunyama pamapurazi eUnited States. Asi tuso dzepfuma dzokunyama hadzisi chinhu dzikaenzaniswa nomufaro wandakawana mukukohwa kwomudzimu. Bazu romuno muEcuador rinondizivisa kuti ndakagovera magazini anopfuura 147 000 uye mabhuku 18 000 mubasa rangu roufundisi. Ndinorangarira izvozvi kuva mbeu dzomudzimu, dzakawanda dzadzo dzakatomera; dzimwe dzingangomera mumwoyo yavanhu sezvavanorava pamusoro peidzi zvokwadi dzoUmambo.
Handigoni kufunga nezvechinhu chiri nani kupfuura kupfuurira kufambira mberi ndokupinda munyika itsva yaMwari navana vangu vose vomudzimu namamiriyoni avamwe vakasarudza kubatira Mwari wedu, Jehovha. Mari haisati ichizoponesa munhu mumugumo wenyika ino yakaipa. (Zvirevo 11:4; Ezekieri 7:19) Zvisinei, zvibereko zvebasa redu romudzimu zvichapfuurira—kana mumwe nomumwe wedu akapfuurira kufambira mberi kuukuru mumudzimu.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Ndagadzirira kupayona muMiles City, Montana, muna 1949
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kutenga mvura yomusha wedu wavafundisi, 1952
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kuparidza muMachala, 1957
[Mufananidzo uri papeji 25]
Chibviro chokurwara muna 1989, ndakarava Bhaibheri rose ka 19