Jehovha Achaponesa Pasi
NHANDARE yendege iri pachitsuwa cheMaldives inovharwa kwamaawa anoverengeka zuva rimwe nerimwe. Neiko? Nemhaka yokuti mvura yakawanda inofashamira nzvimbo inomhara ndege, kuchikuita kuti kuve kusina kuchengeteka kuti ndege dzimhare. Vamwe vasayendisiti vanotya kuti mwero wegungwa pazvitsuwa zveMaldivies ungakwira inenge mita imwe muzana ramakore rinotevera. Nepo ikoku kuchiratidzika kuva chitsama chiduku, wedzero yakadaro ingagona kuparadza chose chose marudzi ezvitsuwa manomwe. Zvirokwazvo, maererano neUN Chronicle, kukwira kwamamita maviri kungagona kufukidza rinodokuva boka rose rezvitsuwa, zvitsuwa zvinenge 1 200!
Chii chinoparira kukwira kwemwero wegungwa? Maererano neUN Environment Program, kushatiswa kwemhepo yakapoteredza pasi na“magasi egreenhouse” kunoparira makungwa ari munharaunda dzinodziya zvikuru kuwedzera, aizi yechigarire neaizi inoyerera kunyunguduka, uye nokudaro, mwero yegungwa kukwira. Panos Institute iri muLondon inoti shatiso “ingava yakatanga ngwavaira yenyika inofamba zvishoma nezvishoma iyo inochinja miganhu imene yenyika negungwa.”
Kuvapo kwokudziya kwapasi kuchiri kukurukurwa pakati pavasayendisiti. Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi kuti zvinetso zvemhoteredzo hazvisati zvichizodzongonyedza chinangwa chaMwari. “Nyikawo yakasimbiswa,” rinodaro Bhaibheri. “Kuti irege kuzununguswa.” (1 Makoronike 16:30) Jehovha anodzora mhoteredzo yapasi, uye tinogona kufara kuti achakurumidza kuponesa zvose zviri zviviri pasi norudzi rwomunhu kubva mukuvadziko.—Pisarema 24:1, 2; 135:6; 2 Petro 3:13.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Drawing based on NASA photo