Mufaro
MURANGARIRO unonyandurwa nokuwanwa kana kuti kukarirwa kwezvakanaka; mumiriro wezvinhu womufarwa; rufaro. Mashoko echiHebheru nechiGiriki anoshandiswa muBhaibheri nokuda kwomufaro, rufaro, kufara, uye kuva anofara anoratidzira revo dzakasiyana-siyana, mwero kana kuti mipimo yakasiyana-siyana yomufaro. Zviito zvinobatanidzwa zvinoratidzira kunzwa kwomukati neratidzirwo yokunze yomufaro uye nenzira yakasiyana-siyana zvinoreva “fara; pembera; danidzira nokuda kwomufaro; svetuka nokuda kwomufaro.”
Jehovha Mwari naJesu Kristu
Jehovha anonzi “Mwari anofara.” (1 Timotio 1:11, NW) Iye anosika uye anoshanda nomufaro nokuda kwake amene uye zvisikwa zvake. Icho anoparira chinomuita anofara. (Pisarema 104:31) Iye anodawo kuti zvisikwa zvake zvifarikanye mabasa ake nokufarikanya basa razvo zvimene. (Muparidzi 5:19) Sezvo iye ari Manyuko ezvinhu zvose zvakanaka (Jakobho 1:17), zvisikwa zvose zvakangwara, zvose zviri zviviri rudzi rwomunhu nengirozi, zvinogona kuwana farikanyo yazvo huru mukusvika pakumuziva. (Jeremia 9:23, 24) Mambo Dhavhidhi akati: “Kurangarira kwangu ngakumufadze; ndichafara kwazvo muna Jehovha.” (Pisarema 104:34) Iye akaimbawo, kuti: “Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye; vose vane mwoyo yakarurama vachafara kwazvo.” (Pisarema 64:10) Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuwana mufaro panguva dzose muzivo yavo yaJehovha nokubata kwake navo, achivanyorera, kuti: “Farai munaShe [“Jehovha,” mushanduro dzinoverengeka] nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai.”—VaFiripi 4:4.
Jesu Kristu, uyo akanga ari wapedyo waJehovha, anomuziva zvakanakisisa (Mateo 11:27), uye anokwanisa kuMutsanangura kuvateveri vake. (Johane 1:18) Jesu naizvozvo anofara, achinzi “anofara uye Mambo bedzi.” (1 Timotio 6:14, 15, NW) Nemhaka yokuda Baba vake, iye anodisa kuita nguva dzose zvinhu zvinoVafadza. (Johane 8:29) Naizvozvo, apo kwakaiswa pamberi pake basa rokuuya kupasi, kutambura, uye kufa kuti agoreverera zita raJehovha, “nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake iye akatsungirira padanda rokutambudzira, achizvidza manyadzi.” (VaHebheru 12:2, NW) Iye aida zvikuru rudzi rwomunhu uye airufarira. Magwaro, achimutaura somunhu mukuvapo kwake asati ava munhu souchenjeri, anomuratidzira saanoti: “Nenguva iyo ndaiva naye [Jehovha], ndiri mhizha; ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, ndichitamba pamberi pake nguva dzose, ndichitamba panyika yake, ndichifadzwa navanakomana vavanhu.”—Zvirevo 8:30, 31.
Jesu akashuva kuti vateveri vake vave nomufaro mumwe chetewo, achivaudza, kuti: “Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.” Ngirozi dzakava nomufaro pakusikwa kwapasi. (Johane 15:11; 17:13; Jobho 38:4-7) Idzo dzinoonawo muitiro wavanhu vaMwari, dzichifarira muitiro wavo wokutendeka uye zvikurukuru kufara apo mumwe munhu anobva panzira dzake dzokutadza achienda kukunamatwa kwakachena nebasa zvaMwari.—Ruka 15:7, 10.
Chinoita kuti Mwari afare
Mwoyo waJehovha unogona kufadzwa navabatiri vake nemhaka yokutendeka kwavo noruvimbiko kwaari. Satani Dhiyabhorosi akadenha nguva dzose kururama kwouchangamire hwaMwari neperero yaavo vose vanobatira Mwari. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5; Zvakazarurwa 12:10) Kwavari kunoshanda mashoko, anoti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.” (Zvirevo 27:11) Vanhu vaJehovha mupasi vanogona kusakisa Mwari kufara kupfurikidza nokutendeka noruvimbiko kwaari.—Isaya 65:19; Zefania 3:17.