Iduku Asi Rine Simba
ROBERT, jaya rinobva Canada, akadzungaira muEurope achitsvaka chinangwa muupenyu. Akaona zvinhu zvakawanda zvakamusiya achinzwa asina tariro pamusoro penguva yemberi.
Akagara muimwe kefi muSeville, Spania, Robert akagamuchidzwa turakiti rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Pakutanga, Robert akanga achipokana. “Kunyanguvezvo, ndakarirava,” akadaro. “Handigoni kukutsanangura, asi ndakanzwa chimwe chinhu chichiva nomufungo nokukurumidza. Mukati mokufamba kwangu, ndakanga ndaona zvimiro zvakawanda zvavanhu zvokuora mwoyo nokuputsika, uye ndakavhiringidzika nokusakwanisa kwangu kuchinja zvinhu. Pashure pokurava turakiti racho, ndakashamisika kuti, ‘Ko “nyika itsva” iyi ine bviro yokuvapo here?’ Ipapo, ndakafunga, ‘Hungu, zvimwe inodaro.’”
Netariro yakamutsidzirwa, Robert akanyorera hofisi yeZvapupu zvaJehovha muCanada, achikumbira kuti mumwe munhu amushanyire pakudzokera kwake kumusha ndokumubetsera kunzwisisa Bhaibheri.
Pasina kupokana, shoko rinotaurwa rine simba. Zvisinei, usatongorerutsa simba reshoko rakadhindwa. Hazvinei hazvo nokuti zviduku sei, zvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvine kukwezva kune simba. Zvinotapura ndangariro nomwoyo, zvichipa tariro ine chokwadi yenguva yemberi.—VaHebheru 4:12.