RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 10/15 pp. 3-4
  • Kutya Vakafa Kwakapararira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutya Vakafa Kwakapararira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Madzitateguru Edu Ari Kupi?
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
    Midzimu Isingaoneki—Inotibetsera Here? Kana Kuti Inotikuvadza Here?
  • Unofanira Kutya Vakafa Here?
    Mukai!—1996
  • Unofanira Kutya Vakafa Here?
    Mukai!—2009
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 10/15 pp. 3-4

Kutya Vakafa Kwakapararira

Zuva ranguve ranyura. Uri kudzokera kumusha kwati svibei zvikuru kupfuura zvawaizoda. Sezvo unofamba uchipfuura makuva omunzvimbomo, mwoyo wako unovamba kuti kurumidzei kurova. Runyararo rwousiku hwakasviba rwunokuita kuti uzive mheremhere dukusa. Kamwe kamwe unonzwa kure kutiriridza kunokatyamadza. Unokurumidza kufamba—kurova kwomwoyo wako kunokurumidzawo—sezvaunonanga kudziviriro yomusha.

WATI wambotambura mirangariro yokunetseka apo wakanga uri mumakuva kana kuti pedyo nawo here? Kana zvakadaro, ungava wakapesvedzerwa nomurangariro worudzidziso unozivikanwa navose munyika yose—wokuti midzimu yavakafa inogona kubetsera kana kuti kukuvadza vapenyu.

Tsika dzakawanda dzokutenda mashura dzakavapo somugumisiro wechitendero chokuti vakafa vanoda betsero yavapenyu kana kuti vangakuvadza vapenyu kana vasingapfupwi. Munyika dzakati dzeLatin America, somuenzaniso, vakawanda vane tsika yokuvaka imba duku ine muchinjikwa apo mumwe munhu anenge afa netsaona. Vanhu vanobatidza makenduru ndokuisa maruva ipapo munhamburiko yokuratidza kufarira kana kuti kubetsera mweya kana kuti mudzimu womunhu akafa. Muzvinoitika zvakati, mishumo pamusoro pemhinduro “dzinoshamisa” kuminyengetero inoparadzirwa, zvokuti vanhu vanovamba kushanyira kakawanda nzvimbo yeanimita, imba duku yomweya kana kuti mudzimu womunhu akafa. Ipapo vanoita mandas, kana kuti zvipikirwa, zvokuti kana munhu akafa akavabetsera kuita kana kuti kugamuchira chimwe chinhu—zvichida kurapwa kunoshamisa—vacharatidza kuonga kwavo nenzira chaiyo. Pane rumwe rutivi, kungashumwa kuti mweya womumwe munhu unooneka murima rousiku, uchityisa avo varipo. Kunowanzotaurwa kuti mweya yakadaro ipenando, ichishatirisa vapenyu nemhaka yezviitiko zvomunguva yakapfuura.

Munyika dzakawanda vanhu vanoshandisa nhamburiko huru kuti vapfupe “midzimu” yavakafa. Mabiko amaoresa anoitwa, zvibayiro zvinopiwa, mashoko anonyaradza anotaurwa—zvose munhamburiko yokudzivisa matsive anobva mumudzimu womunhu akafa. Kupfupa mudzimu, kunofungwa kuti, kuchaguma netuso nezvikomborero nokuda kwaavo vakasiyiwa shure.

“Vakawanda vanodavira kuti hakuna chiitiko chinoitika‘wo zvacho kana kuti nomuzvarirwo,’” unodaro mumwe mushumo wakabva Africa. “Chiitiko chipi nechipi—chingava chirwere, ngwavaira, kusabereka, nhamo yemari, mvura yakanyanyisa kana kuti kupisa kwezuva, tsaona, kusanzwana kwemhuri, rufu—chinofungwa kuva chinoparirwa nemidzimu isingaoneki ine masimba anopfuura omunhu.” Mumwe mushumo unoti: “Vanhu vanodavira kuti midzimu yavakare vavo iri munzvimbo yakati mudenga uye inorinda nguva dzose vapenyu vayo vari pasi pano. Vakare vanodavirwa kuva vane masimba anopfuura omuzvarirwo, ayo vanogona kushandisa kukomborera uye kudzivirira hama dzavo dzokunyama dziri pasi pano kana kuti kudziranga, kuchitsamira pakuremekedza kwehama dzokunyama kana kuti kuregeredza vakafa.”

Asi kwakadaro kunotsinhirana here neShoko raMwari? Ndoupi uri murangariro wako?

[Mufananidzo uri papeji 4]

“Animita” muChile

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe