RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 10/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Tungamirirwa naMwari Mupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 10/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Kwaizova kwakafanira here kubvuma nhomba kana rimwe jekiseni rokurapa rine “albumin” inobva muropa romunhu?

Kutaura nenzira yakajeka, muKristu mumwe nomumwe anofanira kusarudza somunhu oga pana ikoku.

Vabatiri vaMwari nenzira yakarurama vanoda kuteerera nhungamiro inowanika pana Mabasa 15:28, 29, yokurega ropa. Nenzira inowirirana, vaKristu havasati vachizodya nyama isina kubudiswa ropa kana zvinhu zvakadai samasochisi ane ropa. Asi mutemo waMwari unoshandawo munharaunda yokurapa. Zvapupu zvaJehovha zvinotakura gwaro rinotaura kuti zvinoramba ‘kuisirwa ropa, ropa rakazara, masero matsvuku, masero machena, maplatelet, kana plasma yeropa.’ Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nemajekiseni eserum ane chitsama chiduku cheprotein reropa?

Zvapupu zvakaziva kare kuti ikoku inhau yechisarudzo chomunhu oga maererano nehana yakarovedzwa neBhaibheri yomunhu mumwe nomumwe. Ikoku kwakaoneswa mu“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” yeNharireyomurindi yaJune 1, 1990, iyo yakakurukura majekiseni eserum ayo chiremba angarumbidza kana munhu akaratidzirwa kuhosha dzakati. Zvinoumba zvinoshanda zvamajekiseni akadaro hazvisiri plasma yeropa imene asi masero anorwisa utachiona anobva muplasma yeropa yaavo vakakudziridza kudzivisa. Vamwe vaKristu vanonzwa kuti vanogona nehana yakanaka kubvuma majekiseni akadaro vakacherekedza kuti masero anorwisa utachiona anobva muropa romukadzi ane mimba anopinda muropa romwana ari muchibereko chake. “Mibvunzo Inobva Kuvaravi” yakadudza ikoku, pamwe chete neidi rokuti imwe albumin inopfuura ichibva kumukadzi ane mimba ichienda kumwana wake.

Vakawanda vanowana ikoku kuchikosha, sezvo dzimwe nhomba dzisingagadzirwi neropa dzingava nechitsama chiduku zvikuru cheplasma albumin icho chakashandiswa kana kuwedzerwa kuteramisa zvinhu mukugadzira. Pari zvino chitsama chiduku chealbumin chinoshandiswawo mumajekiseni ehormone rinogadzirwa murabhoritari reEPO (erythropoietin). Zvimwe Zvapupu zvakabvuma majekiseni eEPO nemhaka yokuti inogona kukurumidzisa kugadzirwa kwamasero matsvuku uye naizvozvo zvinorerutsira chiremba kurangarira kuti kuisirwa ropa kungadikanwa.

Mimwe mishonga yokurapa ingashandiswa munguva yemberi iyo inobatanidza chitsama chiduku zvikuru chealbumin, sezvo makambani anogadzira mishonga anogadzira zvinhu zvitsva kana kuchinja magadzirirwe ezviripo. VaKristu nokudaro vangada kurangarira kana albumin iri rutivi rweimwe nhomba kana rimwe jekiseni iro chiremba anorumbidza. Kana vane panikiro kana vane chikonzero chokudavira kuti albumin ndichinoumba, vanogona kubvunza chiremba wavo.

Sezvakacherekedzwa, Zvapupu zvakawanda hazvina kuramba kubvuma jekiseni rine chitsama chiduku chealbumin. Zvisinei, munhu upi noupi anoda kufunda nhau yacho zvakakwana zvikuru asati aita chisarudzo chomunhu oga anofanira kuhwirudzura mashoko anogoverwa mu“Mibvunzo Inobva Kuvaravi” yeNharireyomurindi yaJune 1, 1990.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe