RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 10/1 p. 32
  • Simba Reshoko Romutsa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Simba Reshoko Romutsa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 10/1 p. 32

Simba Reshoko Romutsa

“Mwoyo wakaremedzwa nefunganyo, shoko romutsa rinogona kuuzorodza sei!”—Zvirevo 12:25, Knox.

VAKRISTU havasiri vasingatapurwi nenhamo. Padzimwe nguva vanotambura funganyo nemhaka yokurarama muidzi “nguva dzokutambudzika.”—2 Timotio 3:1.

Pakutambura nhamo yakadaro, chikomborero chakadini kunzwa mashoko omutsa achibva kushamwari yakavimbika! “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 17:17) Murume akatendeka Jobho akanga achizivikanwa nokuda kwokuva rudzi urwu rweshamwari. Kunyange Erifazi akati nezvake: “Apo mumwe munhu aigumburwa, aipera simba uye aineta, mashoko ako akamukurudzira kumira.”—Jobho 4:4, Today’s English Version.

Zvisinei, apo Jobho amene aida kurudziro, Erifazi neshamwari dzake havana kutaura mashoko omutsa. Vakapa Jobho mhosva nokuda kwenhamo yake, vachireva kuti aifanira kuva akava nechikanganiso chakati chakavanzika. (Jobho 4:8) The Interpreter’s Bible rinotsinhira kuti: “Icho Jobho anoda itsitsi dzomwoyo womunhu. Icho anowana inhevedzano yokutaura kunofinha kunozivikanwa navose kworudzidziso uye kwetsika kuri kwe‘chokwadi’ chose uye kwakaisvonaka chose.” Jobho akavhiringidzwa zvikuru pakunzwa kutaura kwaErifazi neshamwari dzake zvokuti akamanikidzirwa kuchema achiti: “Muchatambudza mweya wangu kusvikira riniko, nokundipwanya namashoko enyu here?”—Jobho 19:2.

Hatitongofaniri kuparira mubatiri waMwari biyedu kuchema munhamo nemhaka yamashoko edu asina mufungo, asiri omutsa. (Enzanisa naDheuteronomio 24:15.) Chirevo cheBhaibheri chinonyevera, kuti: “Chaunotaura chinogona kuchengeta upenyu kana kuuparadza; naizvozvo unofanira kugamuchira migumisiro yamashoko ako.”—Zvirevo 18:21, TEV.

Tichiziva simba rokutaura, ngatiteverei muenzaniso womuapostora Pauro. Ari muMakedhonia, akanga “achikurudzira avo vaivapo namashoko akawanda.”—Mabasa 20:2, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe