RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 5/1 pp. 8-13
  • Imbirai Jehovha Rumbidzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Imbirai Jehovha Rumbidzo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Idzo Tinogona Kurumbidza Nadzo Jehovha
  • Kuimbira Jehovha Rumbidzo Munguva dzeBhaibheri
  • Kuimba Rumbidzo—Rutivi Runokosha Rwokunamata Kwedu
  • Ratidza Kuonga Runako rwaJehovha Nokuimba
  • Imba Nemufaro!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Nzvimbo Yenziyo Mukunamata Kwazvino Uno
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Rumbidza Jehovha Nekuimba Nziyo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Imbirai Jehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 5/1 pp. 8-13

Imbirai Jehovha Rumbidzo

“Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakasimuka nesimba rake.”—EKSODHO 15:1.

1. Mavarai aJehovha anotipa chikonzero chokumurumbidza?

KANOKWANA gumi nekatatu Pisarema 150 rinoraira kurumbidza Jehovha kana kuti Jah. Ndima yokupedzisira inozivisa, kuti: “Chinhu chiri chose chinofema—ngachirumbidze Jah. Rumbidzai Jah, imi vanhu!” (NW) SeZvapupu zvaJehovha, tinoziva kuti Jehovha akafanirwa nerumbidzo yedu. Ndiye Changamire Wechisiko Chose, Wokumusorosoro, Mambo asingagumi, Musiki wedu, Mubetseri wedu. Haana chaanoenzaniswa nacho, akasiana, haaenzaniswi, haana akaenzana naye munzira dzakawanda. Iye anoziva zvose, ndowamasimba ose, akakwana mururamisiro, uye rudo runotaurwa somunhu. Iye kupfuura vamwe vose akanaka; akavimbika. (Ruka 18:19; Zvakazarurwa 15:3, 4) Iye akafanirwa nerumbidzo yedu here? Zvamazvirokwazvo akafanirwa!

2. Zvikonzeroi zvatinazvo zvokuratidzira kuonga kuna Jehovha?

2 Jehovha akafanirwa kwete bedzi nokunamata kwedu nerumbidzo asiwo nokuonga kwedu nokutenda nokuda kwezvose zvaakatiitira. Iye ndiye Mupi we“zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Iye ndiye Tsime, Manyuko, oupenyu hwose. (Pisarema 36:9) Zvinhu zvose zvatinofarikanya semitezo yedzinza romunhu zvinobva kwaari, nokuti ndiye Musiki wedu Mukuru. (Isaya 42:5) Iye ndiyewo Mupi wezvikomberero zvose zvomudzimu zvinouya kwatiri kupfurikidza nomudzimu wake, sangano rake, uye Shoko rake. Tinokanganwirwa zvivi pahwaro hwokugovera kwake Mwanakomana wake sorudzikinuro rwedu. (Johane 3:16) Tine tariro yoUmambo ye‘matenga matsva nepasi idzva umo muchagara kururama.’ (2 Petro 3:13) Tine songaniro yakaisvonaka navaKristu biyedu. (VaRoma 1:11, 12) Tine rukudzo nezvikomborero zvokuva Zvapupu zvake. (Isaya 43:10-12) Uye tine ropafadzo inokosha yomunyengetero. (Mateo 6:9-13) Zvirokwazvo, tine zvikonzero zvakawanda zvokupa kutenda kuna Jehovha.

Nzira Idzo Tinogona Kurumbidza Nadzo Jehovha

3. Tinogona kurumbidza Jehovha munzirai dzakasiyana-siyana ndokuratidzira kuonga kwedu kwaari?

3 Tinogona sei, sevabatiri vakazvipira vaJehovha, kumurumbidza ndokuratidzira kuonga kwedu? Tinogona kuita kudaro kupfurikidza nokugoverana muushumiri hwechiKristu—kupupurira paimba neimba, kuita shanyo dzedzokerero—kuitisa fundo dzeBhaibheri, uye kupinda mukupupurira kwomumugwagwa. Tinogonawo kumurumbidza nokupupurira namasanga panguva ipi kana ipi banza rinozvipa rimene. Ipapo zvakare, tinogona kurumbidza Jehovha nomufambiro wedu wakarurama, kunyange kupfurikidza nenzira yakashambidzika neine mwero yatinopfeka nayo nokuzvitsvindisa timene. Zvapupu zvaJehovha zvakarumbidzwa kazhinji kazhinji nokuda kwokuva zvomuenzaniso mumativi iwaya. Uyezve, tinogona kurumbidza Jehovha nokumutenda kupfurikidza nomunyengetero.—Ona 1 Makoronike 29:10-13.

4. Ndeipi iri imwe yenzira dzakaisvonaka zvikurusa yatinogona kurumbidza nayo Baba vedu vane rudo vokudenga?

4 Mukuwedzera, imwe yenzira dzakaisvonaka zvikurusa dzatinogona kurumbidza nadzo Baba vedu vane rudo vokudenga iri kupfurikidza nokuvakudza namavara avo nenziyo dzoUmambo dzinonakidza. Vaimbi vakawanda navanyori vanobvumirana kuti chiridzwa chakaisvonaka zvikurusa inzwi romunhu. Nyanzvi dzenziyo dzakaisvonaka dzakashuva kunyora nziyo dzemitambo nemhaka yokuti mune gutsikano huru kwazvo mukuteerera inzwi romunhu richiimba.

5. Tinofanira kurangarira zvakakomba kuimba kwedu nziyo dzoUmambo nokuda kwezvikonzeroi?

5 Jehovha anofanira kufarikanya sei kuteerera vanhu vachiimba, zvikurukuru apo vanenge vachiimba nziyo dzerumbidzo nokuonga! Zvirokwazvo ipapo, tinofanira kurangarira zvakakomba kuimba kwedu nziyo dzoUmambo pakuungana kwedu kwakasiyana-siyana—pamisangano yeungano, magungano edunhu, mazuva egungano chairo, kokorodzano dzoruwa, uye kokorodzano dzamarudzi ose. Bhuku redu renziyo rakazara nenziyo dzinonakidza zvirokwazvo, runako rwadzo rwakarumbidzwa kazhinji kazhinji nevokunze. Kana tikapinda zvikuru mumudzimu wokuimba nziyo dzoUmambo, tinounzira zvikuru mufaro kuna vamwe nebetsero kwatiri timene.

Kuimbira Jehovha Rumbidzo Munguva dzeBhaibheri

6. VaIsraeri vakaratidzira sei kuonga nokuda kwokununurwa kwavo paGungwa Dzvuku?

6 Shoko raMwari rinotiudza kuti Mosesi navasara vose vavaIsraeri vakaimba norukundo pakununurwa muhondo yaFarao paGungwa Dzvuku. Rwiyo rwavo rwakavamba namashoko, anoti: “Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakasimuka nesimba rake; wakakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa. Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye wakava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza.” (Eksodho 15:1, 2) Tinogona kusanofungidzira mbavarira nomufaro zvavaIsraeri sezvavakaimba mashoko iwayo pashure pokununurwa kwavo kwenenji!

7. Ndizvimwe zvinoitikai zvakatanhamara izvo Magwaro echiHebheru anoshuma nezvavaIsraeri vachirumbidza Jehovha murwiyo?

7 Pana 1 Makoronike 16:1, 4-36, tinorava kuti Jehovha akarumbidzwa nokuimba uye nokuridzwa kwezviridzwa apo Dhavhidhi akaunza Areka kuJerusarema. Iyoyo yaiva zvirokwazvo nhambo inofadza. Paivawo nokuimbira Jehovha rumbidzo kwaikumbanirwa namarimba panguva iyo Mambo Soromoni akatsaurira tembere yaiva paJerusarema. Tinorava pana 2 Makoronike 5:13, 14, kuti: “Zvino varidzi vehwamanda, navaimbi, vakati vachiita mawa, vachiita nenzwi rimwe vachirumbidza nokuonga Jehovha; vakati vachiimbisa pamwe chete nehwamanda, namakandira, nezvokuridzisa nazvo, vachirumbidza Jehovha, vachiti: Nokuti wakanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi; ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehovha; naizvozvo vaprista vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaMwari.” Ikoko kunoratidzei? Kuti Jehovha aiteerera iyi rumbidzo inonakidza uye akafadzwawo nayo, sezvakaratidzirwa negore rinopfuura romuzvarirwo. Gare gare, paiva nokuimba kwekwaya mbiri panguva yokutsaurirwa kwamasvingo eJerusarema mumazuva aNehemia.—Nehemia 12:27-42.

8. Chii chinoratidza kuti kuimba kwairangarirwa zvakakomba navaIsraeri?

8 Kutaura idi, kuimba kwakanga kuri rutivi runokosha zvakadaro rwokunamata patembere zvokuti vaRevhi 4 000 vakatsaurwa nokuda kwebasa rokuimba. (1 Makoronike 23:4, 5) Ivava vakanga vachikumbanira vaimbi. Nziyo, zvikurukuru vaimbi, zvaiva nenzvimbo inokosha mukunamata, kwete hazvo kuroverera nhau dzinokosha zvikuru dzoMutemo, asi kugovera mudzimu wakarurama wokunamata. Kwakabetsera vaIsraeri kunamata Jehovha nenzira yokushingaira. Cherekedza gadziriro nengwariro kuudzame zvaipiwa kune urwu rutivi: “Ava vose, pamwe chete nehama dzavo dzakanga dzadzidziswa kuimbira Jehovha, ivo vose vakanga vachigona kwazvo, vakasvika mazana maviri namakumi masere navasere.” (1 Makoronike 25:7) Cherekedza kuti vairangarira zvakakomba sei kuimbirwa rumbidzo kwaJehovha. Vakanga vakarovedzwa murwiyo uye vaiva nyanzvi!

9. Isimbisoi inopiwa kukuimba muMagwaro echiKristu echiGiriki?

9 Tichiuya kuzana rokutanga ramakore renguva yedu yavose, chii chatinowana? Jesu, pausiku hwokushambadzwa kwake, ane zvinhu zvakawanda kwazvo zvinokosha mundangariro yake, akangorangarira dikanwo yokugumisa kuchengetwa kwePaseka uye kutangwa kweChirangaridzo chorufu rwake nokuimbira Jehovha rumbidzo. (Mateo 26:30) Uyewo, tinorava kuti pa“nenge pakati pousiku,” Pauro naSirasi, pashure pokunge varohwa nokuiswa mutorongo, “vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavaterera.”—Mabasa 16:25.

Kuimba Rumbidzo—Rutivi Runokosha Rwokunamata Kwedu

10. Mirairoi inopa Shoko raMwari pamusoro pokumurumbidza murwiyo?

10 Iwe zvichida unonzwa here kuti kuimba nziyo dzoUmambo hakukoshi zvakakwana kuti iwe ukupe ngwariro yako yomwoyo wose? Kana zvakadaro, haufaniri kurangarirazve nhau yacho here, nemhaka youkoshi uhwo Jehovha Mwari naJesu Kristu vanoisa pakuimba rumbidzo? Chokwadi, Shoko raMwari rakazadzwa nemirairo yokurumbidza Jehovha nokumuimbira rumbidzo! Somuenzaniso, pana Isaya 42:10, tinorava, kuti: “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zviwi navagere pazviri.”—Onawo Pisarema 96:1; 98:1.

11. Izanoi rakapa muapostora Pauro pamusoro pokuimba?

11 Muapostora Pauro aiziva kuti kuimba kungagona kutikurudzira, naizvozvo akatiraira kaviri panhau yacho. Tinorava pana VaEfeso 5:18, 19, kuti: “Muzadzwe no[mudzimu, NW]; mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvo[mudzimu, NW], muimbire, muridzire [Jehovha, NW] mumwoyo yenyu.” Uye pana VaKorose 3:16, tinorava, kuti: “Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvo[mudzimu, NW], muimbire Mwari nenyasha mumwoyo menyu.”

12. Mienzanisoi yatinayo yenziyo dzedu inotibetsera kudzidzisana nokupana zano?

12 Cherekedza kuti muchinoitika chimwe nechimwe Pauro anoita nongedzero inodzokororwa kukuimba, apo anodudza ‘mapisarema, rumbidzo kuna Mwari, nziyo dzomudzimu, muchiimba nenziyo mumwoyo menyu.’ Uyewo, anotanga kutaura kwake kuvaKorose nokutaura kuti kupfurikidza naikoku tinogona kuva vano“dzidzisan[a], nokurairana.” Uye izvozvo zvamazvirokwazvo tinoita, sezvinogona kuonekwa nemisoro imene yenziyo dzedu—“Chisiko Chose, Rumbidzai Jehovha!” (nhamba 5), “Iva Akatsiga, Asingazununguki!” (nhamba 10), “Farirai Tariro Youmambo!” (nhamba 16), “Musavatya!” (nhamba 27), “Rumbidzai Jehovha Mwari Wedu!” (nhamba 100), kungopa mienzaniso mishomanene.

13. “Muranda akatendeka naakachenjera” akaratidza sei ukoshi hwokuimba sorutivi rwokunamata kwedu?

13 Mutsinhirano neiyi mirairo, “muranda akatendeka naakachenjera” akaronga kuti kuungana kwedu—misangano yeungano, magungano edunhu, mazuva egungano chairo, kokorodzano dzoruwa, uye kokorodzano dzamarudzi ose—kutange nokupfiga nokuimba nziyo dzoUmambo. (Mateo 24:45, NW) Mukuwedzera, nziyo dzakarongwa kuti dziimbwe pane dzimwe nguva mukati mokuungana uku. Sezvo misangano yedu ichiwanzotanga nokuimba rwiyo rwoUmambo, hatifaniri here kukoshesa kusvika nenguva, nokukurumidza zvakakwana kugoverana murutivi irworwo rwokunamata kwedu? Uye sezvo misangano ichiguma nokuimba, hatifaniri here kugara kusvikira rwiyo rwokugumisa nomunyengetero uyo unokurumidza kurutevera?

14. Mienzanisoi yatinayo yenziyo dzakakodzera dzinosarudzwa nokuda kwepurogiramu dzedu?

14 Nziyo dzapamisangano yedu dzinosanosarudzwa kuti dzitsinhirane nepurogiramu. Somuenzaniso, pa“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Dzoruwa muna 1993, rwiyo nhamba 191, “Ita Zvokwadi Yako Umene,” urwo runokurudzira vaKristu kurwisana naSatani, nyika, uye nyama yakawa, rwakakurumidza kutevera hurukuro nhatu dzakabata naava vavengi. Nenzira yakafanana, rwiyo nhamba 164, “Vana—Zvipo Zvinokosha Zvinobva Kuna Mwari,” urwo rwakazara nezano kuvabereki, rwakatevera pashure chaipo pehurukuro yaisimbisa misengwa yavabereki yokurovedza vana vavo. Rwiyo nhamba 70, “Iva Akafanana naJeremia,” rwakatangira nhevedzano yehurukuro dzakavakirwa pauporofita hwaJeremia. Uye pashure pehurukuro dzokusiirana pamusoro pamativi akasiyana-siyana oushumiri hwedu hwoUmambo pakauya rwiyo nhamba 156, “Ndinoda,” rwiyo rwebasa zvikuru. Ngwariro yakafanana inoshandiswa mukusarudza nziyo dzeFundo yeNharireyomurindi, Musangano Webasa, uye Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Kunobva kwadaro kuti apo vakuru vanopa hurukuro dzavose ndokuratidzira rwiyo runofanira kushandiswa kuzarura purogiramu, vanofanira kusarudza rwiyo runokodzera musoro wehurukuro yavo.

15. Sachigaro wemusangano angawedzera sei kuonga nokuda kwerwiyo ruchaimbwa?

15 Mukuzivisa rwiyo ruchaimbwa, sachigaro angawedzera kuonga rwiyo rwacho kupfurikidza nokupa musoro warwo. Hatiimbi nhamba asi misoro yapaMagwaro. Uyewo kungabetsera ungano kuonga rwiyo zvikuru kana rugwaro rwakapiwa pasi pomusoro rukadudzwa. Ipapo zvakare, mashoko mashomanene angava akafanira, akadai sokuti vose vanofanira kupinda mumudzimu worwiyo rwacho.

Ratidza Kuonga Runako rwaJehovha Nokuimba

16. Tinogona sei kupinda mumudzimu wenziyo dzedu?

16 Sezvo mashoko enziyo dzedu dzoUmambo akazara nerevo, tinoda kupa ngwariro pamashoko sezvatinoaimba. Tinoda kupinda mumudzimu werwiyo rumwe norumwe. Dzimwe, dzakadai sedziye dzinobata nerudo, chibereko chomudzimu, dzinobaya mwoyo. (VaGaratia 5:22) Tinoimba idzodzi nokusimbisa nokudziya. Dzimwe dzinofadza, uye tinofanira kuedza kudziimba nomufaro. Dzimwezve nziyo dzokufora kwakasimba, uye idzodzi dzinofanira kuimbwa nembavarira nechivimbo chakasimba. MuChikoro chedu Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, tinopiwa zano rokuratidzira kudziya nokunzwa pamwe chete nembavarira mumharidzo dzedu. Kuratidzira kudziya, kunzwa, uye mbavarira pakuimba nziyo dzedu kunotokosha zvikuru.

17. (a) Itsiuroi yakapiwa vaIsraeri vasina kutendeka yatingasada kuti ishande kukuimba kwedu? (b) Chii chinovapo apo tinorangarira zvakakomba zano riri munziyo dzedu?

17 Kudai taizoimba nziyo dzedu dzoUmambo ndangariro dzedu dziri pane zvimwe zvinhu, tisinganzwisisi zvizere revo yamashoko acho, hatisati taizova vakati fananei here navaIsraeri vasina kutendeka vakatsiurwa nemhaka yokuti, nepo vairumbidza Mwari nemiromo yavo, mwoyo yavo yakanga iri kure zvikuru naye? (Mateo 15:8) Hatidi kuti tsiuro iyoyo ishande kukuimba kwedu nziyo dzoUmambo, tinoda here? Kupfurikidza nokuita zvakanaka kukuimba nziyo dzedu dzoUmambo, tichanyandura kwete bedzi isu timene asiwo avo vakatipoteredza, kubatanidza vaduku. Hungu, kana vose vanoimba paHoro dzedu dzoUmambo vakarangarira zvakakomba zano idzi nziyo dzinaro, ikoku kwaizova kurudziro ine simba yokuva vanoshingaira muushumiri ndokudzivisa misungo yokuita zvakaipa.

18. Kuimba nziyo dzoUmambo kwakava netapuroi pamukadzi akati?

18 Nguva nenguva, vokunze vanoororwa nokuimba kwedu nziyo dzoUmambo. Nharireyomurindi yakambobudisa iri pfundo: “Kuti kuimba [kwedu] kunogonawo kubatira kusvitsa vanhu kuzivo yaJehovha Mwari kwakaratidzwa nechinoitika chomumwe mukadzi akabhapatidzwa paGungano ra 1973 re‘Rukundo Rwoumwari’, Yankee Stadium, guta reNew York. Iye akanga aita shanyo yake yokutanga kuHoro yoUmambo yomunzvimbomo ari oga uye akagara nokuda kwemisangano yose iri miviri. Sezvo ungano yakaimba . . . ‘Ngwarira Mubairo!,’ akaororwa kwazvo nezvose zviri zviviri mashoko nenzira iyo akaimbwa nayo zvokuti akasarudza kuti pano ndipo paaida kuva. Pashure akasvika mumwe weZvapupu ndokukumbira fundo yeBhaibheri, uye [iye] akafambira mberi kusvikira chaizvo pakuva chapupu chechiKristu chaJehovha.”

19. Ikurudziroi yokupedzisira inopiwa pamusoro pokuimba nziyo dzedu dzoUmambo nomwoyo wose?

19 Payakawanda zvikurusa yemisangano yedu, pane mabanza mashomanene zvikuru okuti vateereri varatidzire mirangariro yavo nokuonga. Asi tose zvedu tinogona kuratidzira nzira yatinonzwa nayo pamusoro porunako rwaJehovha kupfurikidza nokukumbanira nomwoyo wose mukuimba nziyo dzoUmambo. Kunze kwezvo, apo tinosangana pamwe chete, hatisati tichifara here? Naizvozvo tinofanira kunzwa tichida kuimba! (Jakobho 5:13) Chaizvoizvo, kutambanuko yatinoonga runako rwaJehovha nomutsa wake usakafanirwa, tichamuimbira rumbidzo dzomwoyo wose!

Unopindura Sei?

◻ Ndezvipi zviri zvikonzero zviviri zvinokosha zvokurumbidza Jehovha?

◻ Tinogona kurumbidza Jehovha munzirai dzakasiyana-siyana?

◻ Ndeipi iri imwe yenzira dzakaisvonaka zvikurusa yatinogona kurumbidza Jehovha nayo?

◻ Mienzanisoi yapaMagwaro yatinayo yokurumbidza Jehovha murwiyo?

◻ Tinogona sei kuita zvakanaka kukuimba kwedu nziyo dzoUmambo?

[Bhokisi riri papeji 11]

Farikanya Nziyo Idzodzo!

Kunoratidzika kuti vamwe vakava nechinetso chiduku mukudzidza chiverengero chakati chenziyo itsva. Zvisinei, dzimwe ungano hadzina kuva nechinetso chikuru nokuimba dzakawanda zvikurusa dzeidzi nziyo. Zvichida imwe nhamburiko duku chete yokudzidza runoratidzika pakutanga kuva rusina kurovedzeka ingava ndiyo yose inodikanwa. Yangorovedzana bedzi nenziyo dzakadaro, ungano kazhinji kazhinji inodzinzwisisa zvikuru kupfuura idzo dzisina kuda nhamburiko yokudzidza. Ipapo vose vari muungano vanogona kudziimba nechivimbo. Hungu, vanogona kufarikanya nziyo idzodzo.

[Bhokisi riri papeji 12]

Imbai Nziyo dzoUmambo Pakuungana Kwokutandara

Kuimba kwedu nziyo dzoUmambo hakufaniri kuganhurirwa kuHoro yoUmambo. Pauro naSirasi vakaimbira Jehovha rumbidzo pavaiva mutorongo. (Mabasa 16:25) Uye mudzidzi Jakobho akati: “Kuno munhu upi noupi unofara here? Ngaaimbire Mwari rumbidzo.” (Jakobho 5:13, NW mashoko omuzasi) Pakuungana kwokutandara munhu ari wose ari kufara. Naizvozvo huregererei kuimba nziyo dzoUmambo? Ikoku kunogona kuva kunofadza zvikuru kana kuimba kukakumbanirwa nepiyano namarimba kana kuti gitare. Zvikasadaro, pane matepi epiyano enziyo dzedu dzoUmambo; mhuri dzakawanda dzeZvapupu dzine arubhamu yeidzi tepi. Hadzibatiri bedzi zvakanaka kukumbanira kuimba asi dzakakodzerawo nziyo dzakanaka dzinonzwika zvishomanene.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Pashure pokununurwa kwavo paGungwa Dzvuku, vaIsraeri vakaratidzira mufaro wavo murwiyo

[Mufananidzo uri papeji 10]

Rwiyo runofadza rutivi rwokunamata kwechiKristu nhasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe