Nhungamiro Yavanhu Yakundikana Here?
NDIANI akasika zvinhu zvose? Kana mhinduro yako iri “Mwari,” ipapo unobvumirana namamirioni anodavira Mwari weBhaibheri, Musiki.
Bva, vakawanda vanodavira Mwari vane chitambudzo chokubvuma kuti iye anobatanidzwa nokushingaira mukupedza zvinetso zvorudzi rwomunhu. Ndokwechokwadi here kufunga kuti Mwari ane gadziriro iri kushanda ichaunza rusununguko kurudzi rwomunhu? Vakawanda havawani ufakazi hune mufungo hwokuti ikoku kwakadaro.
Kwezviuru zvamakore, vanhu vakaedza mitoo isingaverengeki yokuzvibetsera mukutsvaka mhinduro, vachisiya Mwari. Asi vanhu vakawana mhinduro here? Kana kuti zvinetso zvacho zviri kuva zvakakomba zvikuru nezvakaoma kupedza here? Munhu ari kubata sei zvinetso zvinokosha zviri munyika nhasi?
Imwe nyanzvi inokutaura neiyi nzira: “Chibviro cheChinjo muMabasa Okugadzira Zvinhu, nyika dzakabudirira dzakanyanyoshandisa zvisakafanira pfuma yomusikirwo yenyika kupfurikidza nemitoo isingatsigirwi yokugadzira nokushandisa, kuchiparira kuvadziko kumhoteredzo yapasi, kukuvadziko yenyika dziri kubudirira.”
Munhu anopfuurira kuparadza pasi. Pepanhau reArgentina Clarín rakatsinhira, kuti: “Muhafu yechipiri yezana rino ramakore, ruchiva rwemari, kushaikwa kwengwariro, uye regeredzo zvakasakisa ngwavaira huru idzo dzisina bedzi kusakisa rufu rwavanhu asiwo dzakashatisa mhoteredzo, kazhinji kazhinji kusvikira kumwero isingayereki.”
Urombo hukurusa zvino hunoratidzika kuva chinhu chechigarire muchaunga chazvino uno. Kunyange dzinonzi nyika dzakapfuma dzenyika dziri kutambura nomutoro mukuru wourombo. Mukuwirirana neThe Globe and Mail yeToronto, Canada, kunofungidzirwa kuti “chikamu chimwe chezvitatu chavaCanada vose chichatambura pane imwe nguva mukati moupenyu hwavo apo vanenge vava vezera rakafanira rokushanda.” Pepanhau racho rinowedzera kuti “kuputsika kwemhuri ndichimwe chezvikonzero zvikuru zvourombo, uye muitiro wacho wakawedzera mumakore achangobva kupfuura.”
Kushandisa mirimo zvisakafanira ndichimwe chiratidzo chechaunga chinoshata. Chii chinogona kuita rudzi rwomunhu pamusoro pako? Sezviri pachena, zvishomanene zvikuru. Mamirioni anopfuurira kutambura kushata kwomuviri, kwendangariro, uye kwetsika somuuyo wakananga wokushandisa kwavo zvisakafanira mishonga inokotsirisa. Uye chinetso chacho chiri kupararira nokukurumidza zvikuru.
Vasayendisiti vanoratidzika kuva vari kurasikirwa nehondo yokurwisana nehosha. Chokwadi, ruzivo rwazvino uno rwawina hondo dzakawanda. Bva, mimwe miitiro yesayenzi mairi imene yakaparira kutanga kwehosha itsva dzisingarapiki dzezvisingaoneki zvinoparira hosha zvine ngozi.
Hurumende dzavanhu hadzigoni kumisa kupunzwa kwakapararira kwamaruramiro avanhu. Somuenzaniso, pasinei zvapo nezvipikirwa zvakawanda nemitemo yakaumbwa kudzivisa uranda, kunofungidzirwa kuti kupota nyika vanhu vanopfuura mamirioni ane zana rimwe vanomanikidzirwa kushanda mumigariro youranda chose chose.
Asi neiko nhungamiro yavanhu yakundikana? Rangarira izvi zvinhu. Nhungamiro yavanhu inobva kuvanhu—vanhu vane ganhuriro dzakakomba. Ruzivo rwavo rwokuzviwanira muupenyu rupfupi zvikuru uye kazhinji kazhinji rwakaganhurirwa netsika dzakati kana kuti mhoteredzo. Zivo yavo yakaganhurirwawo. Nhungamiro ipi kana ipi yavanopa inoratidzira ganhuriro idzodzo. Seizvo muapostora Pauro akataura, “vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23.
Chaizvoizvo zvakawanda zvikurusa zvezvinetso nezvitambudzo izvo rutivi rukuru zvikuru rworudzi rwomunhu rwuri kutambura muuyo wakananga kana kuti usina kunanga wokufuratira nhungamiro yaMwari. Ndokupi, kunyanguvezvo, uko nhungamiro yakadaro inogona kuwanwa? Mwari anotigovera sei nhungamiro nhasi? Nyaya inotevera icharangarira mhinduro dzacho.