Masekete—Chii?
FEBRUARY 28, 1993—vanotarisira kuchengetwa kwomutemo vanopfuura zana vakavhozhokera komboni yezvivako yaiva navarume, vakadzi, uye vana vakawanda. Donzo racho rakanga riri rokunzvera zvombo zvisiri zvapamutemo nokusunga tsotsi raifungidzirwa. Vanotarisira vacho, zvisinei, vakashamiswa apo mabara akawanda akauya achivhiririka kwavari achibva mukati mezvivako. Ivo vakapfurawo.
Iyi rwisano yakasiya vane gumi vafa uye vanoverengeka vakuvadzwa. Mukati mamazuva 50 akatevera, mazana avanotarisira kuchengetwa kwomutemo vehurumende akakomba komboni yacho vane zvombo zvakakwana kurwa hondo duku. Mangange acho akaguma nerwisano yakasiya vanhu 86 vafa, kubatanidza vana vanenge 17.
Asi ndiani akanga ari muvengi? Ihondo yenyongori dzinotengesa mirimo here? Iboka ramagandanga here? Aiwa. Sezvaungaziva, “muvengi” wacho rakanga riri boka ravazvipiri vorudzidziso, mitezo yesekete. Ngwavaira yavo yakaita kuti nzanga isina kutanhamara pamapani epakati peTexas, U.S.A., ive nzvimbo yengwariro yamarudzi ose. Zvinobudisa nhau zvakazadza masaisai emhepo nepeji rakatsikirirwa nemishumo yakawanda, kamuraniso, uye tsinhiro pamusoro pengozi dzamasekete anonyanyisa.
Vanhu vakayeuchidzwa nezvezvinoitika zvekare umo mitezo yesekete yakatungamirirwa kurufu navatungamiriri vayo: kuponda kwaManson kwa 1969 muCalifornia; kuzviuraya kwavazhinji kwa 1978 kwemitezo yesekete muJonestown, Guyana; chibvumirano chokuponda nokuzviuraya cha 1987 chakarongwa nomutungamiriri wesekete Park Soon-ja weKorea, icho chakaguma norufu rwemitezo 32. Nenzira inokosha, vazhinjisa vaava vanhu vaitaura kuti maKristu uye vaiti vanotenda Bhaibheri.
Nenzira inonzwisisika, vazhinji vanoremekedza Bhaibheri seShoko raMwari vanokatyamadzwa nokushandiswa zvisakafanira kusina nyadzi kwaMagwaro kunoitwa naaya masekete. Somuuyo, mumakore apfuura mazana amasangano akatangwa nokuda kwedonzo rokuongorora masekete nokufumura miitiro yawo ine ngozi. Nyanzvi pamusoro pomufambiro wamasekete dzinodeya kutaura kuti kuuya kwemireniyumu itsva mumakore mashomanene kungatanga kuwanda kwamasekete. Imwe magazini yenhau yakataura kuti mukuwirirana namapoka anorwisana namasekete, kune zviuru zvamasekete “zviriko zvakagadzirira kudzora muviri wako, kudzora ndangariro yako, kushatisa mweya wako. . . . Mashomanene akashongedzwa nezvombo asi mazhinjisa anorangarirwa kuva ane ngozi. Iwo achakunyengedza ndokukutorera mari nezvinhu, kukuroodza nokukuviga.”
Sekete Chii?
Shoko rokuti “sekete” rinoshandiswa nokusangwarira navazhinji vangasaziva zvizere nezverevo dzaro. Kuti vadzivise nyongano, vamwe vafundisi vanodzivisa zvomenene kushandisa shoko racho.
The World Book Encyclopedia inotsanangura kuti “mumagamuchidzanwa, shoko rokuti sekete rainongedzera kuchimiro chipi nechipi chokunamata kana kuti kuchengeta kwomuitiro.” Kupfurikidza nomupimo iwoyo, masangano ose orudzidziso angagona kurongwa samasekete. Zvisinei, mushandiso yakapararira nhasi, shoko rokuti “sekete” rine revo yakasiana. Enisaikoropidhiya imwe cheteyo inotaura kuti “chifo chapakati pama 1900, kuzivikanwa kwamasekete kwakachinja revo yeshoko racho. Nhasi, shoko racho rinoshandiswa kumapoka anotevera mutungamiriri mupenyu uyo anosimudzira dzidziso itsva nedzisingagamuchirwi nemiitiro.”
Ichisimbisa kushandiswa kwakakurumbira kweshoko racho, magazini yeNewsweek inotsanangura kuti masekete “anowanzova mapoka maduku, anonyanyisa ane mitezo inowana kuzivikanwa kwayo nedonzo kumunhu mumwe, ane simba rechienzi.” Nenzira yakafanana, magazini yeAsiaweek inotaura kuti “shoko racho [sekete] rimene harina kujeka, asi kazhinji kazhinji rinoratidzira chitendero chitsva chorudzidziso chakavakirwa pamutungamiriri ane simba rechienzi, uyo anowanzozvizivisa amene kuva Mwari anotaurwa somunhu.”
Mutauro wakashandiswa muchisarudzo chavose che 100th Congress of the State of Maryland, U.S.A., unopawo revo yokuzvidza yeshoko rokuti sekete. Chisarudzo chacho chinotaura kuti “sekete iboka kana kuti sangano rinoratidzira kuzvipira kwokunyanyisa kumunhu kana kuti pfungwa uye rinoshandisa unyanzvi hunopesvedzera husina tsika hwenyengetedzo nokudzora kuti rifambisire mberi nharidzano dzavatungamiriri varo.”
Nenzira yakajeka, masekete anowanzonzwisiswa kuva mapoka orudzidziso ane mirangariro nemiitiro zvokunyanyisa zvinobonderana nechinogamuchirwa nhasi somufambiro wenzanga womuzvarirwo. Kazhinji kazhinji anoita mibato yawo yorudzidziso pachivande. Akawanda eaya mapoka esekete anozviparadzanisa amene zvomenemene munzanga. Kuzvipira kwawo kumutungamiriri wohunhu anozvizivisa amene sezvingabvira kuchava kusina kutsamira pamigariro uye kwakakwana. Kazhinji kazhinji ava vatungamiriri vanoganza kuva vakasarudzwa nenzira youmwari kana kuti kunyange kuva voumwari ivo vamene mumugariro.
Panhambo nenhambo, masangano anorwisana namasekete nezvinobudisa nhau zvakanongedzera kuZvapupu zvaJehovha sesekete. Chiverengero chakati chenyaya dzamapepanhau emisi ichangobva kupfuura iyi chinobatanidza Zvapupu namapoka orudzidziso anozivikanwa nokuda kwemiitiro yawo inopanikirika. Asi kwaizova kwakarurama here kunongedzera kuZvapupu zvaJehovha seboka rorudzidziso duku rinonyanyisa? Mitezo yesekete kazhinji kazhinji inozviparadzanisa imene neshamwari, mhuri, uye kunyange nzanga yose zvayo. Ndozvakwakaita here neZvapupu zvaJehovha? Zvapupu zvinoshandisa unyanzvi hunonyengera nohusina tsika kuwana mitezo here?
Vatungamiriri vamasekete vanozivikanwa kuva vanoshandisa mitoo inopesvedzera kuti vadzore ndangariro dzavateveri vavo. Pane ufakazi hupi nohupi here hwokuti Zvapupu zvaJehovha zvinoita ikoku? Kunamata kwazvo kunovanzwa here? Izvo zviri kutevera nokunamata mutungamiriri wohunhu here? Nenzira yakananga, Zvapupu zvaJehovha isekete here?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Jerry Hoefer/Fort Worth Star Telegram/Sipa Press