Vaiti Vezvakaipa
TSANANGURO yeBhaibheri yebasa ramadhemoni muzvinhu zvomunhu inopindura mibvunzo mikuru pamusoro pezvakaipa iyo nezvisizvo yaizova isingapinduriki. Rangarira, somuenzaniso, uku kutaura kunobva muInternational Herald Tribune pamusoro pehondo inopfuurira muBalkans: “Boka reEuropean Community ravanzveri rakagumisa kuti [varwi] vakabata chibharo vakadzi navasikana vechiMuslim vanosvika ku 20 000 . . . sorutivi rwomuitiro une nhevedzano wokuvhundutsa wakarongedzerwa kutyisidzira, kuodza mwoyo ndokuvatandanisa mumisha yavo.”
Imwe nhau iri mumagazini yeTime yakaedza kubata netsananguro: “Pane dzimwe nguva, majaya muhondo angabata chibharo kuti afadze vakuru vawo, vakuru vakuru vawo, uye kuwana rudzi rwakati rwetendero yababa nomwanakomana. Chibharo chibvumikiso chomusengwa kukutyisa kweboka racho. Jaya rinodisa kuita zvinhu zvinotyisa zvikuru rakadzora hana yaro yomunhu oga kuti ribatanidze namadonzo okusabvumirana pane zvisina kufanira eboka. Murume anosimbisa ruvimbiko rwake muutsinye.”
Asi neiko “madonzo okusabvumirana pane zvisina kufanira eboka” akaipa zvikuru kupfuura hana dzomunhu mumwe nomumwe dzemitezo yaro? Somunhu mumwe nomumwe, anodokuva munhu ari wose anoshuva kurarama norugare nomuvakidzani wake. Naizvozvo neiko, munguva dzehondo, vanhu vachibata chibharo, vachitambudza, uye vachiurayana? Chikonzero chikuru ndechokuti masimba amadhemoni anoshanda.
Kunzwisisa basa ramadhemoni kunogoverawo mhinduro kuicho vamwe vanodana kuti “chinetso chomufundisi.” Chinetso chacho ndechenzira yokuyananisa nayo kutaura kutatu: (1) Mwari ane simba rose; (2) Mwari ane rudo uye akanaka; uye (3) zvinhu zvinotyisa zvinoitika. Vamwe vane murangariro wokuti kunobvira kuyananisa kuviri kupi nokupi kwokutaura ikoku, asi kutatu kwose hakutongogoni kuyananiswa. Shoko raMwari rimene rinopa mhinduro, uye mhinduro iyoyo inobatanidza midzimu isingaoneki, vaiti vezvakaipa.
Mupanduki Wokutanga
Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari amene mudzimu. (Johane 4:24) Pashure penguva yakati iye akava Musiki wamamirioni avamwe vanhu vomudzimu, vanakomana vengirozi. Muchiono, mubatiri waMwari Dhanieri akaona ngirozi dzine mamirioni ane zana. Vanhu vose vomudzimu avo Jehovha akasika vakanga vakarurama uye vari mutsinhirano nokuda kwake.—Dhanieri 7:10; VaHebheru 1:7.
Gare gare, apo Mwari “akateya pasi,” ava vanakomana vengirozi vaMwari “vakadanidzira nomufaro pamwe chete” uye “vakavamba kupururudza.” (Jobho 38:4-7, NW) Asi mumwe wavo akatanga chishuvo chokuzvitorera amene kunamatwa kwaiva kwoMusiki nenzira yakarurama. Kupfurikidza nokupandukira Mwari, iyi ngirozi yakazviita imene satani (kureva “mushori”) uye dhiabhorosi (kureva “mucheri”).—Enzanisa naEzekieri 28:13-15.
Achishandisa nyoka muEdheni kutaura kumukadzi wokutanga, Evha, Satani akamunyengetedza kusateerera murairo wakananga waMwari wokusadya muchero womuti wakati waiva mubindu. Pashure pezvo, murume wake akamukumbanira. Nokudaro, vaviri vokutanga vohunhu vakakumbanira ngirozi mukupandukira Jehovha.—Genesi 2:17; 3:1-6.
Nepo zvinoitika muEdheni zvingaratidzika kuva chifundo chakananga mukuteerera, nhau mbiri dzetsika dzinokosha dzakamutswa imomo naSatani. Yokutanga, Satani akaita nharo kana kutonga kwaJehovha pazvisikwa zvake kwaishandiswa nenzira yakarurama uye nefariro dzavo dzakanakisisa. Zvichida vanhu vaigona kuita basa riri nani rokuzvitonga vamene. Yechipiri, Satani akapanikira kana zvisikwa zvakangwara zvipi nezvipi zvaizoramba zvakatendeka uye zvakavimbika kuna Mwari apo kuteerera kwakaratidzika kuva kusingaunzi betsero dzokunyama.a
Kunzwisiswa kwakajeka kwenhau dzakamutswa muEdheni, pamwe chete nezivo yamavara aJehovha, kunotibetsera kunzwisisa mhinduro ku“chinetso chomufundisi,” ndiko kuti kuyananisa kuvapo kwezvakaipa namavara aMwari esimba norudo. Nepo kuri kwechokwadi kuti Jehovha ane simba risina muganhu uye ndiye rudo rumene runotaurwa somunhu, iyewo akachenjera uye akarurama. Iye anoshandisa aya mavara mana nedzikamo yakakwana. Nokudaro, iye haana kushandisa simba rake risingadzivisiki kuti aparadze vapanduki vatatu kamwe kamwe. Ikoko kungadai kwakava kwakarurama asi kwete hako kwokuchenjera kana kuti kworudo. Kupfuurirazve, haana kungokanganwira zvake ndokukanganwa, nzira iyo vamwe vangarangarira kuti chingadai chakava chisarudzo chorudo. Kuva akaita ikoko kungadai kusina kuva kwokuchenjera kana kuti kwakarurama.
Nguva yakadikanwa yokupedza nhau idzo Satani akamutsa. Kwaizotora nguva kubvumikisa kana vanhu vaigona kuzvitonga vamene zvakafanira vakazvimirira pana Mwari. Kupfurikidza nokubvumidza vapanduki vatatu kupfuurira kurarama, Jehovha akaitawo kuti kubvirire zvisikwa kugoverana mukubvumikisa kuva kwenhema kutaura kwaSatani kupfurikidza nokubatira Mwari nokutendeka mumigariro yakaoma.b
Jehovha akanga ataura zvakajeka kuna Adhama naEvha kuti kana vakadya muchero wakarambidzwa, vaizofa. Uye vakafa, kunyange zvazvo Satani akanga avimbisa Evha kuti haasati. Sataniwo akatongerwa rufu; munguva ino iye anopfuurira kutsausa rudzi rwomunhu. Kutaura idi, Bhaibheri rinoti: “Nyika yose iri musimba rowakaipa.”—1 Johane 5:19, NW; Genesi 2:16, 17; 3:4; 5:5.
Dzimwe Ngirozi Dzinopanduka
Isati iri nguva refu pashure pezvinoitika muEdheni, dzimwe ngirozi dzakakumbanira kupandukira uchangamire hwaJehovha. Bhaibheri rinoti: “Zvino vanhu vakati votanga kuwanda panyika, vachiberekerwa vanasikana, vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvitsaurira pakati pavose vavakada kuva vakadzi vavo.” Namamwe mashoko, idzi ngirozi dza“kasiya pa[dza]ifanira kugara [mudenga]” ndokuuya kupasi, dzikapfeka chimiro chohunhu, uye dzakafarikanya mifarwa yokunyama navakadzi.—Genesi 6:1, 2; Judhasi 6.
Nhauro yacho inopfuurira pana Genesi 6:4, kuti: “Panguva iyo kwakanga kuna [vaNefirimi, NW] varefu kwazvo panyika, napashurewo, kana vanakomana vaMwari vakapinda kuvanasikana vavanhu, ivo vakavaberekera vana. Ndivo vaiva vanhu vane simba, vakare vakanga vakakurumbira.” Ava vanakomana vomubatanidzwa vakazvarwa navakadzi uye vakaberekwa nengirozi vakanga vakasimba zvechienzi, “vanhu vane simba.” Ivo vakanga vari varume vane masimba masimba, kana kuti Nephi·limʹ, shoko rechiHebheru rinoreva “avo vanoparira vamwe kuwira pasi.”
Kunokosha kuti izvi zvinoitika gare gare zvakaratidzirwa mungano dzepepuko dzakare. Somuenzaniso, nhau yeBhabhironi yamakore 4 000 inorondedzera mabasa anopfuura omunhu aGilgamesh, munhu akafanana namwari ane simba, ane masimba masimba ane “ruchiva rusina [kusiya] mhandara kumudiwa wake.” Mumwe muenzaniso, unobva mungano yechiGiriki, ndiHercules anopfuura wohunhu (kana kuti Heracles). Akazvarwa kuna Alcmene, munhu, uye akaberekwa namwari Zeus, Hercules akatanga nhevedzano yezviito zvamasimba masimba pashure pokuuraya mudzimai wake navana muupengo. Kunyange zvazvo ngano dzakadaro dzakakanganiswa zvikuru sezvo dzakapfuura dzichibva pachizvarwa kuenda kuchizvarwa, dzinowirirana neizvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pavaNefirimi navanababa vavo vengirozi vanopandukira.
Nemhaka yepesvedzero yengirozi dzakaipa navanakomana vadzo vanopfuura vohunhu, pasi rakazadzwa kwazvo namasimba masimba zvokuti Jehovha akasarudza kuparadza nyika kupfurikidza namafashamo makuru. VaNefirimi vakaparara pamwe chete navanhu vose vasina umwari; vapukunyuki bedzi vohunhu vakanga vari Noa akarurama nemhuri yake.—Genesi 6:11; 7:23.
Zvisinei, ngirozi dzakaipa hadzina kufa. Panzvimbo pezvo, dzakabvisa miviri yadzo yohunhu ndokudzokera kunzvimbo yemidzimu. Nemhaka yokusateerera kwadzo, hadzina kubvumirwa kudzoka mumhuri yaMwari yengirozi dzakarurama; uyewo hadzina kubvumidzwazve kupfeka miviri yavanhu sezvadzakaita muzuva raNoa. Zvisinei, dzakapfuurira kushandisa pesvedzero inoparadza muzvinhu zvorudzi rwomunhu, muchiremera cho“mutongi wamadhemoni,” Satani Dhiabhorosi.—Mateo 9:34, NW; 2 Petro 2:4; Judhasi 6.
Vavengi Vorudzi Rwomunhu
Satani namadhemoni nguva dzose vave vachiuraya uye vane utsinye. Satani, kupfurikidza nemitoo yakasiana-siana, akauraya zvipfuyo zvaJobho ndokuuraya vazhinjisa vavabatiri vake. Tevere, akauraya vana gumi vaJobho kupfurikidza nokuparira “dutu guru” kuti riparadze imba yavakanga vari mairi. Pashure paikoko, Satani akarwadzisa Jobho na“maronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.”—Jobho 1:7-19; 2:3, 7.
Madhemoni anoratidza chimiro chendangariro chakaipa zvakafanana. Muzuva raJesu, iwo aitorera vanhu kutaura kwavo nokuona. Akaparira mumwe murume kuzvicheka amene namabwe. Akakandira mumwe mukomana pasi ndo“kumubvundisa zvikuru.”—Ruka 9:42; Mateo 9:32, 33; 12:22; Marko 5:5.
Mishumo inobva munyika yose inoratidza kuti Satani namadhemoni vakaipa sakare. Vamwe vanhu vanovarova nechirwere. Vamwe vanovanetsa kupfurikidza nokuvatorera hope kana kuti kupfurikidza nokuvapa zviroto zvinotyisa kana kuti kupfurikidza nokuvashatisa muvatano. Vamwezve vakavapengesa, kuvapondesa, kana kuti kuita kuti vazviuraye.
Vachashivirirwa Kwenguva Yakareba Zvikuru Sei?
Satani namadhemoni ake havasati vachizoshivirirwa nokusingaperi. Nechikonzero chakanaka Jehovha akavabvumira kuvapo kutozosvikira zuva redu, asi zvino nguva yavo yava pfupi. Pakuvamba muzana rino ramakore, nhano huru yakaitwa yokuganhurira nzvimbo yavo yomubato. Bhuku raZvakazarurwa rinotsanangura, kuti: “Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri [Jesu Kristu akamutswa] navatumwa vake vakarwa neshato [Satani], shato ikarwa ina vatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.”—Zvakazarurwa 12:7-9.
Chii chakanga chiri muuyo? Nhauro yacho inopfuurira, kuti: “Saka farai kudenga nemi munogarako!” Ngirozi dzakarurama dzaigona kufara nemhaka yokuti Satani namadhemoni ake vakanga vachisiri mudenga. Asi zvakadiniko nezvavanhu pasi pano? Bhaibheri rinoti: “Mune nhamo nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, wakatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.”—Zvakazarurwa 12:12.
Mukutsamwa kwavo Satani navaduku vake vakatsunga kuparira nhamo huru seinobvira pamberi pomugumo wavo wava pedyo. Muzana rino ramakore kwakava nehondo mbiri dzenyika uye hondo duku dzinopfuura 150 chifo chomugumo wehondo yenyika yechipiri. Mumashoko edu makauya zvitsama zvamashoko zvinoratidzira masimba masimba echizvarwa chino: “hondo yokushandisa utachiona,” “Kuuraya kukuru,” “minda yokuuraira,” “misasa yokubatira chibharo,” “vaurayi vanouraya nyajambwa pashure pomumwe,” uye “bhomba.” Nhau dzakazadzwa nenyaya dzemirimo, kuponda, kubhomba, kudyiwa kwenyama yavanhu navarwere vendangariro, kuuraya vakawanda, nzara, uye kutambudza.
Mashoko akanaka ndookuti izvi zvinhu ndezvechinguvana. Munguva yemberi iri pedyo, Mwari acharwisanazve naSatani namadhemoni ake. Achirondedzera chiono chakabva kuna Mwari, muapostora Johane akati: “Zvino ndakaona mutumwa achiburuka kudenga, ane kiyi yegomba rakadzika-dzika, neketani huru muruoko rwake. Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore ane gumi ramazana, akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore ane gumi ramazana apera.”—Zvakazarurwa 20:1-3.
Pashure paikoko, Dhiabhorosi namadhemoni ake vacha“sunungurwa chinguva chiduku,” uye ipapo vachaparadzwa nokusingaperi. (Zvakazarurwa 20:3, 10) Iyoyo ichava nguva inoshamisa zvakadini! NaSatani namadhemoni ake vabviswa nokusingaperi, Jehovha achava “zvinhu zvose kumunhu ari wose.” Uye munhu ari wose acha“wana [zvirokwazvo] mufaro wavo mukuru murugare rukuru.”—1 VaKorinte 15:28; Pisarema 37:11, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Ikoku kwakajekeswa gare gare apo Satani akati nezvomubatiri waMwari Jobho: “Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu ungazviisira upenyu hwake. Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mapfupa ake nenyama yake, ipapo uchakushorai pachena.”—Jobho 2:4, 5.
b Nokuda kwekurukurirano ine udzame yechikonzero nei Mwari achibvumidza uipi, ona bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Ko munhu oga anosakisa zvinhu zvakadai here, kana kuti simba rakaipa, risingaoneki rinogoverana mhaka yacho here?
[Kwazvakatorwa]
Matsime amafuta ari kutsva muKuwait, 1991: Chamussy/Sipa Press
[Mufananidzo uri papeji 7]
Ichava nguva inoshamisa zvakadini apo madhemoni anenge asati achanetsazve rudzi rwomunhu!