Ndivanaani Vanodavira Midzimu Yakaipa?
IWE unodavira here kuti midzimu isingaoneki inogona kupesvedzera upenyu hwako? Vazhinji vaizopindura naaiwa akasimba. Nepo vachibvuma kuvapo kwaMwari, ivo vanonyomba mufungo wavaiti vanopfuura vohunhu vezvakaipa.
Kusadavira midzimu kwakapararira munyika yokuMadokero murutivi kuri nemhaka yepesvedzero yechiKristudhomu, icho kwamazana amakore chakadzidzisa kuti pasi rakanga riri musimboti wechisiko chose, riri pakati pedenga nehero iri pasi pevhu. Mukuwirirana neiyi dzidziso, ngirozi dzaifarikanya mufaro wedenga apo madhemoni aitarisira zvinoitika zvehero.
Sezvo zviwanwa musayenzi zvakaparira vanhu kuramba pfungwa dzisina kururama pamusoro pomugadzirirwo wechisiko chose, kudavira zvisikwa zvomudzimu kwakava kwechinyakare. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Somuuyo wemukiro yaCopernicus yezana ramakore rechi 16 (yakavakirwa parondedzero dzenyanzvi yemitumbi yomuchadenga yePoland Copernicus), umo . . . Pasi rakanga risati richaonwa somusimboti wenyika asi, panzvimbo pezvo, senyikawo zvayo yezuva nemitumbi yokudenga inoritenderera iyo iri rutivi ruduku zvikuru rwegwara renzou muchisiko chose chinoratidzika kuva chisina mugumo—mirangariro yengirozi namadhemoni haina kuzoratidzikazve kuva yakafanira.”
Nepo vazhinji vasingadaviri midzimu yakaipa, kune mamirioni anodaro. Ngirozi dzakawa dzinotanhamara mumarudzidziso akawanda, ose ari maviri omunguva yakapfuura nenguva yazvino. Kunze kwebasa radzo savashatisi voumudzimu, idzi ngirozi dzakashata dzinoonwa savaiti vengwavaira, zvakadai sehondo, nzara, uye kudengenyeka kwapasi, pamwe chete navasimudziri vechirwere, zvirwere zvendangariro, uye rufu.
Satani Dhiabhorosi, mudzimu wakaipa mukuru muchiKristu nechiJudha, anonzi Iblis namaMuslim. Murudzidziso rwakare rwechiPersia rwechiZoroaster, iye anooneka saAngra Mainyu. Murudzidziso rwechiGnostic, urwo rwakabudirira mumazana amakore rechipiri nerechitatu N.V., iye airangarirwa kuva Demiurge, shoko rakapiwa kuna mwari ane godo naakaderera kwaari vazhinji vorudzi rwomunhu vaipa kunamata vasingazivi.
Midzimu yakaderera yezvakaipa inotanhamara zvikuru mumarudzidziso okuMabvazuva. VaHindu vanodavira kuti vaasura (madhemoni) vanoshora vadeva (vanamwari). Vanotyiwa zvikuru pakati pavaasura ndivarakshasa, vanhu vakaipa zvikuru vanopfuka kumakuva.
VaBuddha vanonzwisisa madhemoni samasimba ane hunhu ayo anodzivisa munhu kuwana Nirvana, ruparadziko rwechishuvo. Muedzi mukuru pakati pawo ndiMara, ane vanasikana vake vatatu Rati (Chishuvo), Raga (Mufarwa), uye Tanha (Rufambo).
Vanamati vechiChina vanoshandisa mwoto mikuru, matochi, uye makiriketi kudzivirira kuei, kana kuti madhemoni omusikirwo. Marudzidziso echiJapan anodavirawo kuti kune madhemoni akawanda, kubatanidza tengu anotyisa, midzimu inosvikira vanhu kutozosvikira yadzingwa nomuprista.
Pakati pamarudzidziso asina mutauro wakanyorwa eAsia, Africa, Oceania, uye maAmerica, zvisikwa zvomudzimu zvinodavirwa kuva zvinobetsera kana kuti zvinokuvadza mukuwirirana nemigariro nechimiro chayo chendangariro chikuru. Vanhu vanonamata iyi midzimu kuti vadzivise ngwavaira nokugamuchira nyasha.
Wedzera kuna izvozvi zvose fariro yakapararira mumashiripiti nokushandisa midzimu, uye kuri pachena kuti kudavira midzimu yakaipa kune nhau refu neinopararira. Asi kune mufungo here kudavira kuti zvisikwa zvakadaro zviripo? Bhaibheri rinotaura kuti zviripo. Zvisinei, kana izvo zviripo, neiko Mwari achizvibvumira kupesvedzera munhu kusvikira kukuvadziko yake?