Kokorodzano Dzinofadza Dzinosimudzira Kudzidzisa Kwoumwari
NHASI, nyika iri kutambura nokuwanda kwamashoko. Muterevhizheni nenhepfenyuro, mumabhuku kana kuti kupfurikidza nekomupiyuta, mune mugove unodokuva usingagumi wezivo painodokuva nhau ipi kana ipi inofungidzirwa. Zvakare, vanhu vanorwara ndokufa. Utsotsi, nzara, uye urombo zviripo kupota nyika yose, uye kangaidziko dzemirangariro dzinotapura vakawanda kupfuura nakare kose. Zivo yose inowanika yakundikana kururamisa zvinhu. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti rudzi rwomunhu rwakafuratira uchenjeri hwaMwari.
Kwakakodzera sei, ipapoka, kuti “Kudzidzisa Kwoumwari” wakanga uri musoro wakasarudzwa nokuda kwekokorodzano dzemisi ichangobva kupfuura dzeZvapupu zvaJehovha! Purogiramu yacho yakayeuchidza avo vaivapo kuti idzidziso bedzi inowanika muShoko raMwari, Bhaibheri, iyo ine ukoshi chaihwoihwo, hunoponesa upenyu.
Kokorodzano yokutanga yakatanga paChina, June 3, muUniondale, New York, U.S.A. Kuvambira ipapo zvichienda mberi, purogiramu yacho yakapiwa mumaguta akasiana-siana munyika imwe pashure peimwe, ichiguma munyika dzeAfrica neSouth America.
Masikati Ezuva Rokutanga
Zuva rimwe nerimwe rakanga rine musoro waisimbisa rutivi rwokudzidzisa kwoumwari. Somuenzaniso, purogiramu yezuva rokutanga yakanga yakavakirwa pamusoro unoti “Kuziva Kudzidzisa Kunobva Kuna Mwari.” (Johane 7:17) Uyu mufungo wakakudziridzwa zvakanaka sezvo zuva racho rakafambira mberi.
Pashure perwiyo nomunyengetero, sachigaro wekokorodzano akazarura purogiramu yacho nehurukuro yaiva nomusoro unoti “Kudzidzisa Kwoumwari Kunotiunganidza Pamwe Chete.” Akaratidza kuti vanhu vaJehovha vakabatanidzwa nokudzidza nzira Dzake uye kufamba mumakwara Ake. (Mika 4:1-5) Kudzidzisa kwoumwari kunosimbisa chinzwano chavo. Vakokorodzani vakakurudzirwa kufarira ushamwaridzani hwavo hwakabatana.—Pisarema 133:1-3.
Gare gare zvishomanene mumasikati, misangano yenguva dzose yeungano yakakurukurwa muhurukuro yokusiirana yaiva nomusoro unoti “Misangano Inotirairidza Pamusoro Penzira dzaJehovha.” Mukurukuri wokutanga akayeuchidza vakokorodzani kuti apo tinosangana pamwe chete, tinokudza Jehovha uye nokudaro tinogamuchira chikomborero Chake. Mukurukuri akatevera akasimbisa dikanwo yokutora rutivi mumisangano. Mukuita kudaro, tinorumbidza Jehovha pachena, tinoratidzira kutenda kwedu, uye tinosimbisa kutenda kwavamwe. Mukurukuri wechitatu muhurukuro yokusiirana akaratidza dikanwo yokushandisa zvatinodzidza pamisangano. Tinofanira kuva “vaiti veshoko, uye kwete vanzwi bedzi.”—Jakobho 1:22, NW.
Kwakatevera kurukurirano yakaisvonaka yokuimba rumbidzo kuna Jehovha. Rwiyo rwomwoyo wose rutivi runokosha rwokunamata kwedu. Iyi hurukuro yakateverwa nehurukuro chaiyo, “Kudzidzisa Kwoumwari Kunokunda.” Musoro wakaisvonaka zvakadini! “Jehovha ndiye Manyuko okudzidzisa kwakanakisisa munhu upi noupi anogona kugamuchira,” akadaro mukurukuri wacho. Ipapo, pashure pekurukurirano pfupi yenenji rouropi hwomunhu, akati: “Tinofanira kushandisa mano edu okufunga zvikurukuru kugamuchira kudzidzisa kwoumwari. Iko kwoga kunoguma nouchenjeri hwechokwadi.” Ndokwechokwadi sei!
Mangwanani Echipiri
“Rambai Muchipfekedza Kudzidzisa kwoMuponesi Wedu, Mwari” ndiwo wakanga uri musoro wezuva rechipiri rekokorodzano. (Tito 2:10) Iyi nheyo yakatanhamara muhurukuro yaiti “Kudzidzisa Kwoumwari Kunorwisana Nedzidziso Dzamadhemoni.” Hungu, madhemoni ane dzidziso dzawo. (1 Timotio 4:1) Seizvo mukurukuri akatsanangura, kudzidzisa kwoumwari kunokunda “uchenjeri” hwaSatani kupfurikidza nokufumura dzidziso dzenhema nenzira dzamanomano dzaDhiabhorosi. Nemhaka yaikoku, maKristu ane 4 500 000 ane mwoyo wakarurama haachisiri varanda murima raSatani.—Johane 8:32.
Zvakare, tinofanira kuramba tichidzivisa Satani. Ikoku kwakasimbiswa nehurukuro yaiti “Uri Kudzivisa Mudzimu Wenyika Here?” Mudzimu wenyika ino unouraya. Unokurudzira tsika dzakashata, murangariro wokupandukira chiremera, uye chishuvo chokuchiva zvinhu zvokunyama. MuKristu anofanira kuzvinzvera amene nguva dzose. Achine mipimo yakakwirira here kana toreva nezveizvo anotarira, anoteerera, kana kuti anorava? Nenzira inokurudzira, mukurukuri wacho akati: “Tinokurumbidzai, hama, hanzvadzi, uye vaduku, nokuda kwenhamburiko yapachokwadi yamuri kutoshandisa muna ikoku.”—1 Johane 2:15-17.
Kune chimwe chinhu chinokuita kuve kwakaoma kudzivisa mudzimu wenyika. Chii ichocho? Tose zvedu hatina kukwana. Chokwadi, Jesu akafira zvivi zvedu, asi tichiri vanofanira kurwisa kombamiro kuchivi. Ikoku kwakarangarirwa muhurukuro yaiti “Kurwisa Kubata Kwechivi Panyama Yakawa.” Pakati pezvimwe zvinhu, mukurukuri wacho akataura kuti tinogona kuwina kurwisana kwedu nechivi kana tikapfeka hunhu hutsva ndokudzivisa chinhu chipi nechipi chinogutsa miitiro yedu yokutadza.
“Ita Kudzidzisa Kwakanaka Nzira Yako Youpenyu” wakanga uri musoro wehurukuro yakatevera. Vamwe vanonyanyoitira hanya utano hwomuviri. Kutaura chokwadi, kunyanguvezvo, utano hwomudzimu hunokosha zvikuru kwazvo. Mukurukuri akasimbisa dikanwo yokurangarira zvakakomba mitoro yedu muna ikoku, uye akanga aine shoko rinokurudzira zvikuru nokuda kwavakadzi vechiKristu. Akati: “Tinoonga zvikuru vose vari vaviri hanzvadzi dzakura nehanzvadzi duku avo vakadzikama zvakanaka mushingairo yavo nokuda kwoushumiri uye mukutarisira kwavo mitoro yomunhu oga.” Hungu, uye tose zvedu tinoonga Jehovha nokuda kwokudzidzisa kwakanaka kunotiparadzanisa nenyika.
Yakagumisa purogiramu yamangwanani yakanga iri hurukuro yaiti “Kudzidzisa Kwoumwari Kunozivisa Donzo Roupenyu.” Mukurukuri wacho akati: “Pane imwe nguva, anodokuva munhu ari wose anoshamisika, ‘Chii chiri donzo roupenyu?’” Nezvibvumikiso zvakasimba, akabvumikisa kuti Bhaibheri bedzi rinopa mhinduro chaiyoiyo kumubvunzo iwoyo. Ipapo, mukurukuri wacho akaratidza kuti zvipikirwa zvinoshamisa zvaMwari zvinotipa nomutoo unobudirira donzo muupenyu. Sezvingabvira, vakawanda muvateereri vakanga vachifunga kuti, ‘Iyi ndiyo zvomenemene vanhu vari mundima yangu vanoda kunzwa.’ Mutumbi Unodzora wakabvuma. Bhurocha idzva, rine musoro unoti Chii Chiri Donzo Roupenyu? rakabudiswa pamugumo weiyi hurukuro. Munhu ari wose akafadzwa sei! Kutindika kwapakati pezuva kwakagovera banza rokutarira chinyorwa chitsva.
Masikati Echipiri
Hurukuro yokutanga mumasikati yakanga ine musoro unonyaradza unoti “Kandira Funganyo Dzako Dzose Pana Jehovha.” Zvinhu zvakawanda zvinoparira funganyo; bva, Shoko raMwari rinotaura kuti tinofanira kukandira funganyo dzedu dzose paari. (1 Petro 5:6, 7) Chokwadi, zvimwe zvinetso zvinopfuurira, uye muna ikoku mukurukuri wacho akakurudzira, kuti: ‘Iva anoshivirira. Mirira Jehovha. Davira zvakasimba kuti kutevera Bhaibheri ndiko nguva dzose kwakanakisisa. Kana tikachengeta mwoyo yedu yakanangidzirwa pana Jehovha, tichafarikanya “rugare rwaMwari” runopfuura mufungo wose.’—VaFiripi 4:6, 7.
Hurukuro ina dzakatevera dzakaratidza kuti kudzidzisa kwoumwari kunoshanda kuupenyu hwemhuri. Yokutanga, “Kuita Roorano Mubatanidzwa Unogarisa,” yakayeuchidza vakokorodzani kuti mumeso aJehovha roorano haisati ichifanira kurangarirwa segadziriro inogona kubviswa, sokurangarirwa kwainoitwa navakawanda vari munyika. Zvisinei, kuita kuti roorano ibudirire, tinofanira kutevera nhungamiro yaJehovha. Akatiita. Naizvozvo, Shoko rake rakafuridzirwa rine zano rakanakisisa reroorano rinowanika.
Hurukuro yaiti “Shanda Nesimba nokuda Kworuponeso Rwemhuri Yenyu” yakakurukura denho dzokutarisira mhuri muidzi nguva dzinotambudza. (2 Timotio 3:1) Vabereki vanodzidzisa vana vavo utsanana hwomuviri, tsika dzakanaka, mashandire, uye nzira yokuva nayo vane rupo uye vanoitira hanya vamwe. Chinokosha zvikuru, vanofanira kudzidzisa vana vavo kuva vabatiri vakazvipira vaJehovha.—Zvirevo 22:6.
Mukurukurirano yakatevera, “Vabereki, Vana Venyu Vanoda Ngwariro Chaiyo,” mukurukuri akayeuchidza vakokorodzani nezvedikanwo yokurumbidza vana, nepo vasati vachiramba kuona utera hwavo. Vabereki vanofanira kuva vakasvinurira zvikuru kombamiro kukusatendeseka, kudisa zvenyika, kana kuti udyire.
Zvikurukuru vakokorodzani vaduku vakateerera nokungwarira hurukuro yaiti “Pwere—Idzidziso Dzaani Dzamunoteerera?” Zvinhu zvakaomera maKristu maduku nhasi. Kuwirirana nenyika kuri nyore, asi ikoku kunotungamirira kurufu. Kunyange zvazvo kusarudza kunamatirana nokudzidzisa kwoumwari kuchida ushingi nokuda kwomunhu muduku, kunounza zvikomborero zvikuru zvino uye upenyu husingaperi hunouya.—1 Timotio 4:8.
Zuva rechipiri rakaguma nechinoitika chinofadza Pwere Dzinorangarira Musiki Wadzo Zvino. Musumo, mutungamiri wacho akaidza vanhu vaduku vari musangano raMwari “hondo youbati ushe hwaMwari yakabatikana nokuvimbika mubasa rokuzvipira kuna Jehovha Mwari naMambo wake akagadzwa wokudenga, Kristu Jesu.” Akawedzera, kuti: “Vanhu vedu vaduku vari zvamazvirokwazvo kuita chimwe chinhu chakanaka!” Chinoitika chakaratidza zvakajeka kuti kana mubereki akarovedza mwana zvakanaka, kuchabetsera mwana apo anokura ndokubatira Jehovha ari oga.
Mangwanani Ezuva Rechitatu
Musoro wezuva rechitatu wakanga uri “Rambai Muchidzidzisa Vanhu Vamarudzi Ose.” (Mateo 28:19, 20) Vakokorodzani pasina panikiro vakakarira zano rakakodzera nguva pabasa rokuparidzira, uye havana kuodzwa mwoyo. Hurukuro yokusiirana yaiva nomusoro unoti “Kuita Nomufaro Basa Redu Rokuparidzira Nokudzidzisa” yakasimbisa kutsunga kwavo kuramba vachigoverana mubasa rokupupurira. Hurukuro yokuzarura yakakurukura shanyo dzokutanga; yechipiri, shanyo dzedzokerero; uye yechitatu, fundo dzeBhaibheri. Vafundisi kupota nyika vakanga vakokwa kuti vadzokere kumusha nokupinda kokorodzano nemhuri dzavo neshamwari. Mudzimwe nzvimbo, vafundisi vakagoverana muurwu rutivi rwepurogiramu. Kwaifadza kugamuchira nzwisiso mubudiriro yavari kuva nayo mumigove yavo. Yakatevera, “Kusvika Munhu Ari Wose Namashoko Akanaka” yakarangarira muuyo wokupupurira kwamasanga.
Mangwanani acho akaguma nehurukuro yorubhapatidzo, iri nguva dzose pfundo guru pakuungana kukuru kweZvapupu zvaJehovha. Mukokorodzano pashure pekokorodzano, mapoka makuru avachangobva kuzvitsaurira akamira pamberi pamapoka akaungana ndokupindura nechivimbo kuti hungu kumibvunzo miviri yakanangidzirwa kwavari. Ivo ipapo vakabatanidzwa pachena. Ufakazi hwakasimba zvakadini hwetapuro huru yokudzidzisa kwoumwari!
Masikati Ezuva Rechitatu
Purogiramu yamasikati yakavamba nekurukurirano huru yaMagwaro. Zvapupu zvaJehovha zvakarovedzana namashoko aMateo ganhuro 24 naRuka ganhuro 21. Ko vamwe vakafunga here kuti hapana chinhu chitsva chaigona kutaurwa pamusoro paaya maganhuro eBhaibheri? Vakanga vasina kururama sei! Hurukuro dzaiti “Chii Chichava Chiratidzo Chokuvapo Kwenyu?” uye “Tiudzei, Izvi Zvinhu Zvichavapo Rini?” dzakatungamirira vakokorodzani mukurukurirano inoshamisa yezvikamu zvamaganhuro maviri iwayo ndokugovera tsananguro dzinowirirana nenguva dzedzimwe ndima. Paiva nekurukurirano dzine upenyu pashure porusando rwacho sezvo vakokorodzani vakaenzanisa zvinonyorwa kuona kana vakanga vanzwisisa mapfundo acho. Pasina panikiro, mibvunzo yakawanda ichapindurwa apo aya mashoko anobudiswa muNharireyomurindi.
Musoro wefundo yeBhaibheri wakapfuuridzirwa muhurukuro yaiti “Mhinduro Dzinorairidza Kumibvunzo Yako yeBhaibheri.” Ipapo purogiramu yakarereudzira ngwariro kunhau yakasiana. Gore ra 1993 rakaratidzira kuchengetwa kwegore negore kwechi 50 kwokuvapo kweWatchtower Bible School of Gilead. Hurukuro yaiti “Makore Makumi Mashanu Okurovedza Vafundisi Nomubato zveGilead” yakaratidza vakokorodzani zvakaitwa mukati menhambo iyoyo. Kana paiva navafundisi vapi navapi vaivapo mukati mehurukuro yaiti “Zvakapedzwa Nokuparidzira Evhangeri Mumunda Wenyika Yose,” vakakokwa kuzogoverana zvimwe zvezvinoitika zvavo navateereri. Kunzwa nhauro dzavafundisi kwaifadza!
Hurukuro yakatevera, “Chikonzero Nei Zvapupu zvaJehovha Zvichiramba Zvakarinda,” yakanga iri imwe nhau yedzidzo. Yakaratidza kuti maKristu akanga ave akarinda kubva muzana rokutanga ramakore N.V. kusvikira zvino. Ikoko kwakatungamirira kukumwe kushamisika. Pakuvamba muhurukuro yakatevera, yaiva nomusoro waiti “Vazivisi voUmambo Vanoshingaira Mupasi Rose,” mukurukuri akasimudza vhoriyamu hombe (apo yaitowanika mumutauro womunzvimbomo) ndokuti: “Mufaro kuzivisa pano nhasi kubudiswa kweiri bhuku idzva, rino musoro unoti Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom.” Bhuku racho rine nhauro ine udzame yenhau yomuzuva razvino uno yeZvapupu zvaJehovha. Rinotaura nhau inofadza yetsungiriro, kutsunga, uye rubudiriro, richipa ufakazi hwakasimba hwomudzimu waJehovha unoshanda pavabatiri vake.
Mangwanani Echina
Rakanga ratova zuva rokupedzisira rekokorodzano yacho. Musoro wezuva racho, “Kuzvibetsera Timene Kupfurikidza Nokudzidzisa Kwoumwari,” wakavimbisa mugumo wakaisvonaka kupurogiramu yacho. (Isaya 48:17) Mumangwanani ngwariro yavakokorodzani yakarovererwa pahurukuro yokusiirana yehurukuro nhatu dzine simba. Yaiva nomusoro unoti “Shoko Renyevero Rakafuridzirwa raJeremia—Nokuda Kwenguva Yakapfuura Nenguva Ino,” hurukuro yacho yokusiirana yaiva nekurukurirano yendima nendima yaJeremia maganhuro 23, 24, uye Jer 25. Ishoko rine simba zvakadini aya maganhuro anaro! Israeri asina kutendeka wezuva raJeremia anofanira kuva akadedereswa nenyevero dzake dzakajeka, dzakafuridzirwa nenzira youmwari. Nyika yose yakadedera zvinotova zvikuru apo nyevero idzodzo dzakazadzikwa. Ko zvinhu zvakasiana here nhasi? Nyangwe napaduku zvapo. Zvapupu zvaJehovha zvinoparidzira noushingi mashoko aMwari orutongeso. Pakupedzisira, iyi tsika yose yezvinhu ichatofanira kutarisana namabasa orutongeso aJehovha. Ikoko kuchareva ruparadziko rwachose chose nokuda kwenyika yaSatani.
Svondo mangwanani akaguma nechinoitika chechipiri, Musanyengerwa kana kuti Kuseka Mwari. Nenzira yakajeka, chakaratidza kutidzivirira kunogona kuita kudzidzisa kwoumwari kubva pakutapurwa namavhidhiyo anoshatisa nenziyo uye pamurangariro wokudyara nyongano pakati pamaKristu biyedu. Pakuguma kwechinoitika chacho, sachigaro akanokora aya mashoko anonyandura mufungo omumwe wavatambi: “Hatisi vasingatapurwi nepesvedzero yenyika. Kana tikasadzivisa, nyika inogona kushatisa kufunga kwedu nomutoo wamanomano. Uye kana tikaramba takatendeka kana kuti kwete kuchatsamira paicho tave tichidyara.” Ndokwechokwadi sei!
Masikati Okupedzisira
Kokorodzano yacho yakanga ichiswedera nokukurumidza kumugumo sezvo mukurukuri akaenda kuchikuva kundokurukura hurukuro yavose, yaiva nomusoro unoti “Kudzidzisa Kunobetsera nokuda Kwenguva Dzedu Dzinotambudza.” Nenzira yakajeka uye ine mufungo, akazivisa zvinetso zvikuru zvinotitapura nhasi ndokuonesa nzira dzakati idzo kudzidzisa kwoumwari kunogona kutibetsera nadzo kufarikanya upenyu huri nani. Akataura kuti kana tiri kutevera kudzidzisa kwapaMagwaro zvino, tichakwanisa kukutevera nokusingaperi munyika itsva yaJehovha.
Pashure pokupetwa kwechidzidzo chevhiki nevhiki cheNharireyomurindi, yakanga yava nguva yehurukuro yokupedzisira. Mukurukuri akapfuura nokukurumidza mumapfundo makuru epurogiramu yamazuva mana ndokuyeuchidza vakokorodzani nezvezvinyorwa zvitsva. Akazivisawo kuti kaseti yevhidhiyo yechipiri munhevedzano yeThe Bible—A Book of Fact and Prophecy yaizokurumidza kubudiswa. Kutaura idi, kaseti yevhidhiyo iyoyo, ino musoro unoti The Bible—Mankind’s Oldest Modern Book, yava kuwanika zvino muchiNgezi. Mishumo inoorora yakaraviwa yakabva kunzvimbo uko kune njodzi dzakakomba, zvakadai seBosnia neHerzegovina. Mukugumisa, mukurukuri akarava mashoko aMuparidzi 12:13, (NW): “Mhedziso yenhau, chinhu chiri chose zvachanzwiwa, ndeyokuti: Itya Mwari wechokwadi uye chengeta mirairo yake. Nokuti iwoyu ndiwo musengwa wose womunhu.”
Chiyeuchidzo chakaisvonaka zvakadini! Ngatiraramirei zuva apo rudzi rwomunhu rwose rwucharumbidza Murairidzi wedu Mukuru, Jehovha, uye kuteerera kudzidzisa kwake kwoumwari.
[Mifananidzo iri papeji 24, 25]
“Kudzidzisa Kwoumwari” kokorodzano muMoscow neKiev dzakaguma nomufaro mukuru
[Mifananidzo iri papeji 26, 27]
1. Kupfurikidza nokubhapatidzwa, vakawanda vakaratidzira tsauriro yavo kuna Mwari
2. Mukokorodzani ane makore 100 okukura akafadzwa nokugamuchira chinyorwa chitsva
3, 4. Zvinoitika zvinonyandura mufungo zvakaongwa zvikuru
5. Vafundisi vakabvunzurudzwa pakokorodzano vakasimbisa betsero dzokudzidzisa kwoumwari