Kuparidzira Pamusha Nomusha muSpain
JESU KRISTU akafamba “namaguta nemisha, achidzidzisa, achingoenda Jerusarema.” (Ruka 13:22) Kuti vaite ushumiri, Jesu navadzidzi vake vakaparidzira kwete bedzi “mumaguta” asiwo “mumisha.” Kunyange zvazvo kungadai kwakava kuri nyore zvikuru kupa ngwariro pamaguta, havana kufuratira misha yakawanda yaiva muruwa.a
Zvapupu zvaJehovha muSpain zvakatarisana nedenho yakafanana neiyo yakanangana naJesu. Kare sa 1970, kwakanga kune nharaunda huru dzendima yomumaruwa yakanga isina kubatwa yakagadzirira kucheka. (Mateo 9:37, 38) Mazana emisha iri mumakomo anonaya mvura yakawanda okuchamhembe, pamipata yapakati yakaoma, uye mumhenderekedzo yegungwa akanga asina kutongosvikwa neshoko roUmambo.
Zvapupu zveSpain zvaJehovha zvakanga zvakatsunga kuita nhamburiko huru kuti zviendese mashoko akanaka kuidzi nharaunda. Asi neiko vanhu vari muidzi nharaunda vaifanira kumirira kwenguva refu kudaro kuti vanzwe shoko roUmambo? Uye vakagamuchira sei?
Kuzivikanwa Pamutemo Kunonyandura Kupupurira Mumaruwa
Basa reZvapupu zvaJehovha muSpain rakanga rave rakarambidzwa chifo chomugumo wehondo yevagari vemo muna 1939. Mukati mama 1950 nama 1960, Zvapupu zvinoshingaira zvakaparidzira nokungwarira mumaguta, umo kuvapo kwazvo kwakanga kuchicherekedzwa zvishoma. Apo basa razvo pakupedzisira rakanyoreswa pamutemo muna 1970, kwakanga kune vaparidzi voUmambo vanenge 10 000 muSpain. Vanodokuva vose vavo vaigara mumaguta namataundi makuru, asi misha yeSpain yaidawo kunzwa shoko roUmambo. Ndiani aizogonana nedenho yacho?
Muma 1970 nhimbe yakatangwa yokusvika nharaunda dzose dzepeninsula namashoko akanaka. Unodokuva mwedzi uri wose kuvambira muna 1973 kusvikira muna 1979, zviziviso chaizvo zvinoratidzira kushaiwa munharaunda dzakasiana-siana dzenyika zvakaoneka muHushumiri Hwedu hwoUmambo, chinyorwa chebasa chomwedzi nomwedzi cheungano dzeZvapupu zvaJehovha. Mhuri zhinji dzinodisa nedzinogamuchira dzakapindura kudana kwacho uye dzakazvipira kubatira kwakanga kune kushaiwa kukuru zvikuru.
Chaiwoiwo muenzaniso waRosendo nomudzimai wake, Luci. Vakatumirwa samapiona chaiwo (vaparidziri voUmambo venguva yakazara) kumusha wokuredza uri kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweSpain uye ipapo vakasarudza kugara munharaunda yacho apo vakava vabereki. “Ndinofanira kubvuma kuti takapfuura nomunguva dzakaoma zvikuru,” anobvuma kudaro Rosendo. “Basa rokunyika rakanga rakaoma kuwana, asi taivimba nebetsero yaJehovha uye hatina kutongova nenzara kana kuti kushaya nzvimbo yokugara. Kwakanga kwakakufanira zvamazvirokwazvo.” Mumakore akapfuura, vakakwanisa kubetsera mukuumbwa kweungano ina muiyi nharaunda yeSpain.
‘Tsvaka Wakafanirwa’
Jesu akaudza vadzidzi vake ku“tsvaka” vanhu vakafanirwa muguta rimwe nerimwe kana kuti musha. (Mateo 10:11, NW) Munharaunda dzomumaruwa dzeSpain, kutsvaka kwacho kunoda shingairo nokuita nhano yokutanga, sezvakawanwa naÁngel, imwe hama inobva kuAlcoy (Alicante). Akanga achangobva kupedza kushanyira mimwe misha mumusha weMasías apo akanzwa kurira kwejongwe richikukuridza. Akafunga kwaari amene kuti, “Kana kune jongwe, kunofanira kuva nemba kune imwe nzvimbo—imba yatafuratira.” Pashure pokutsvaka-tsvaka, Ángel akawana nzira yaikwira napamukwingwiziri wejinga regomo uye pakupedzisira kuimba iri yoga.
Paiyi imba yapapurazi maigara José naDolores, hanzvadzi nehanzvadzi vokunyama vaiva namakore aiva muma 60. Vakasanoteerera uye kamwe kamwe vakabvuma chikarakadzo chefundo yeBhaibheri. Zvisinei, kwakanga kusiri nyore kufunda naava vanhu vanozvininipisa, sezvo vaisagona kurava kana kuti kunyora, uye chinhu chiri chose chaifanira kushandurwa kubva muchiSpanish kupinda mururimi rwechiValencia, mutauro bedzi wavainzwisisa. Kupfuurirazve, vakanangana nechishoro chakati chaibva kuvavakidzani vavo. Pasinei hapo neidzi mhinganidzo, vose vari vaviri José naDolores vakafambira mberi muzvokwadi, kunyange zvazvo kupinda misangano kwakareva rwendo rurefu mumakomo. Pakupedzisira, vakakwanirisa nokuda kworubhapatidzo, uye vose vari vaviri vanopfuurira kubatira Jehovha nokutendeka.
Rosendo naLuci, vadudzwa pakuvamba zvikuru, vanoyeuka nzira iyo mumwe munhu akaoma mitezo aiva muimba iri yoga pedyo neMoaña, kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweSpain, akagamuchira nayo zvokwadi. Zita rake rakanga riri María. Apo akatanga kutaura kuZvapupu, aisagona kurava kana kuti kunyora uye akanga ave akaganhurirwa pamubhedha kwamakore nemhaka yokuve akarohwa neporiyo somwana. Imba yake yakanga iri anenge makiromita maviri kubva mumugwagwa waiva pedyo zvikurusa. Kunyanguvezvo, akanga achidisa kufunda Bhaibheri, uye kutsunga kwake kubatira Jehovha kwakakurumidza kuva pachena. María akadzidza kurava nokunyora ndokuvamba kupinda misangano, somuuyo wenhamburiko dzokuzvipira dzeungano. Hama dzaimutakura mamita ane mazana maviri kubva pamba pake kuenda kukanzira kasina kukurwa uko vaimudzikisa nokungwarira mumotokari. Pasinei hapo nechishoro chokutanga chakabva mumhuri yake, akafambira mberi kusvikira kupfundo rorubhapatidzo. Nemhaka yechivimbo icho fambiro mberi yake yomudzimu yakamupa, zvino akadzidza kutyaira motokari yakagadziridzwa zvikuru uye akapedza kosi yedzidzo huru. “Kukwanisa kubetsera vanhu vakafanana naMaría kunoita kuti kurega zvimwe zvinhu kupi nokupi kuve kwakakodzera,” anotsanangura kudaro Rosendo.
Varavi veBhaibheri Vanogamuchira Nokudisa
Muma 1970 Bhaibheri kwenguva yokutanga rakava rinowanika kuna vanhu vose muSpain. VaSpain vazhinji vakatenga kopi, uye vamwe vakavamba kurava Magwaro. Pilar, anobva kuMedina del Campo (Valladolid), akanga achitorava Bhaibheri apo Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kuuya kutaundi rake muna 1973. Zvaaiva muKaturike, akanga achingwarira kusagamuchira mabhuku kuZvapupu, asi aida kunzwisisa Bhaibheri. Somuuyo, akabvuma kuva nekurukurirano dzevhiki nevhiki kupindura mibvunzo yake yeBhaibheri.
Ichishandisa zvakanaka mabhuku akabudiswa neWatch Tower Society, hanzvadzi piona iyo yakashanyira Pilar yakakwanisa kupindura mibvunzo yake mizhinji. Aororwa nezvaakanga achidzidza, Pilar pashure pamavhiki anoverengeka akabvuma kufunda Bhaibheri achishandisa bhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi. Asati apedza fundo yake yebhuku raZvokwadi, akapedza kurava Bhaibheri rose uye akapwiswa kuti akanga awana zvokwadi. Akava Chapupu chokutanga muMedina del Compo, iyo zvino ine Horo yoUmambo yakaisvonaka neungano yavaparidzi 63.
Zvapupu zveSpain zvichiri kuwana vanhu vano“ziva chinodikanwa chavo chomudzimu” uye vanorava Bhaibheri nguva dzose munhamburiko yokunzwisisa kuda kwaMwari. (Mateo 5:3, NW) Pepi, aichimbova muKaturike uyo akambodzidzisa katekisimo muruwa rweZumaia (kuchamhembe kweSpain), akanga achiparidzira mumusha uri pedyo apo akasangana nomuprista woruwa.
“Pepi, uri kupambadza nguva yako,” muprista akamuudza kudaro. “Muuyu musha weItziar, munongova navanhu vaviri bedzi—vanyakuroorana—vanoda zvomudzimu. Vamwe vose vasara vanongoenda kuchechi nemhaka yetsika.”
“Eya,” akapindura kudaro Pepi, “kana mune vanhu vaviri vanoda zvomudzimu, vachava Zvapupu zvaJehovha.”
Pepi akapfuudzira basa rake rokuparidzira paimba neimba pamwe chete nezvimwe Zvapupu kusvikira musha wacho wapedzwa. Uye chokwadi, muimba iri yoga, hama dzakawana vanyakuroorana vamene avo muprista akanga adudza. Vakanga vachirava Bhaibheri asi havana kurinzwisisa. Vakagamuchira nokudisa fundo yeBhaibheri, vakakurumidza kufambira mberi, uye vakabhapatidzwa muna April 1991.
Vamwe vanhu vane mwoyo wakatendeseka vakadzidza zvokwadi kupfurikidza nokurava vari voga mabhuku akavakirwa paBhaibheri akabudiswa neWatch Tower Society. Somuenzaniso, Zvapupu zvokuAlmadén (Ciudad Real) zvakanga zvichiparidzira mutaundi duku reCiruelas (Badajoz) apo zvakawana mumwe mukadzi uyo akasanoteerera shoko razvo. Nemhaka yefariro yake yaiva pachena, zvakamukarakadzira fundo yeBhaibheri yapamusha. Akaramba, zvisinei, achitaura kuti mumwe murume akwegura akanga achitomupa zvidzidzo zveBhaibheri. Vamwe vanhu vanoverengeka munharaunda yacho vakadudzawo chinhu chimwe chetecho. Kuda kuziva kwadzo kwanyandurwa, hama dzakabvunza pamusoro pomurume akwegura wacho. Dzakawana kero yake ndokumushanyira.
Kushamisiko yadzo dzakawana kuti muMadrid uyu murume, ainzi Felipe, akanga awana bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Pashure pokurirava rose, akanzwisisa kuti wakanga uri mutoro wake kugoverana mashoko akanaka navavakidzani vake. Nokudaro, akanga ave achishandisa bhuku racho kuvapa zvidzidzo zveBhaibheri. Hama dzakaita gadziriro dzokufunda naye. Mumwe mukadzi uyo iye aifunda naye Bhaibheri akabvumawo fundo. Kunyange zvazvo ava namakore 80 ezera uye asingafarikanyi utano hwakanaka, Felipe ari kuita fambiro mberi yakanaka muzvokwadi.
Fungira Mano Dzakaipa Dzinokurirwa
Ndima dzomumaruwa dzinopa zvinetso zvakati zvechienzi. Magamuchidzanwa orudzidziso nokutenda mashura kazhinji kazhinji zvine simba munzvimbo dzakadaro, uye vanhu vazhinji vanogara mumaruwa vane nyumwiro yakasimba yo“rudzidziso rutsva.” Vamwe vagari vomumusha vanotapurika zvikuru pamusoro peizvo vavakidzani vavo nehama dzokunyama vangafunga kana vakachinja rudzidziso rwavo. Asi simba reShoko raMwari rinogona kukurira zvinetso zvakadaro ndokuchinja upenyu hwomunhu. Ikoku kwakanga kwakadaro mumusha wokuredza weCangas de Morrazo kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweSpain.
Roberto, mugari wemo wouyu musha, akandoshanda kugungwa pazera ramakore 14 nemhaka yokuti aishuva kuzvimirira. Upenyu hwake somufambisi wezvikepe zvinotakura shavo hwakamupinza mubatano navamwe vafambisi vezvikepe vaduku avo vainyanyonwisa uye vaishandisa mirimo kupfuudza maawa oushoma aipedzerwa mugungwa. Nokukurumidza, Roberto akavawo anonyanyonwisa nomupindwi muropa nemirimo.
Pashure penguva yakati Roberto akadzokera kumusha asi akanga asingakwanisi uye asingadi kurega tsika dzake dzakashata. Kuti awanire mari kupindwa muropa kwake nemirimo, akava mbavha uye akaguma ava mutorongo panhambo nhanhatu dzakasiana. Apo akanga ava namakore 18, akanwa unodokuva muvhenganiswa unouraya wewaini nemirimo inoshandiswa kupedza funganyo. Vanachiremba vakaponesa upenyu hwake, asi akarasikirwa nokushandiswa kwamaoko ake namakumbo. Akabuda muchipatara ava akaoma maoko namakumbo. Kunyange kuganhurirwa kuchigaro chine mavhiri hakuna kumuita kuti arege tsika yemirimo. Akaodzwa mwoyo norudzidziso, uye mirimo yairatidzika kuva zvose zvaaiva nazvo kuita kuti upenyu huve hwakafanira kurarama—kusvikira makore matatu gare gare apo akashanyirwa neZvapupu zvaJehovha.
Kudzidza pamusoro pouporofita hweBhaibheri hwakazadzikwa kwakabetsera Roberto kukurira panikiro yake. Kugamuchirwa kwoushamwari kwaakawana paHoro yoUmambo kwakamupwisa kuti rudzidziso rwechokwadi rwunoita kuti upenyu hwavanhu huve hune revo zvikuru. Mukati memwedzi mipfumbamwe, Roberto akanga akurira kupindwa muropa kwake nemirimo uye akabhapatidzwa. Pasinei hapo nokuremara kwake munyama kwakakomba, ave achibatira sapiona kwamakore masere. Avewo ari mukuru weungano kwamakore maviri apfuura. Francisco, mumwe wedzaichimbova shamwari dzake, akaororwa kwazvo nechinjo muupenyu hwaRoberto zvokuti iyewo akava Chapupu uye zvino mubatiri anoshumira. Chinjo inoshamisa muuyu mupindwi muropa aifungidzirwa seasingarapiki yakabetsera vanhu vomunzvimbo iyoyo kunzwisisa zviri nani rudzi rwebasa redu. Mumwe mukadzi akatounza mwanakomana wake muduku akapindwa muropa nemirimo kuHoro yoUmambo kundoona kana Zvapupu zvaigona kumurapa.
Kunzvera Bhaibheri nokuda Kwezvokwadi
Kazhinji kazhinji, vanhu vanogara mumaruwa vanoonga zvokwadi zvakadaro zvokuti ikoku kazhinji kazhinji kunonyadzisa vakachenjera mune zvenyika. (1 VaKorinte 1:26, 27) Adelina, mumwe mukadzi anonyara wezera rapakati, ndomumwe waava vanoonga. Aiwanzorangarira zvakakomba kutenda kwake kwechiKaturike. Mangwanani mamwe namamwe asingakundikani aipfugama kuti anyengetere, achitaura vanaBaba Vedu vanoverengeka navanaRumbidzai Maria. Ainangidzira minyengetero yake kuna “musande” akasiana zuva rimwe nerimwe revhiki—kuti ave nechokwadi chokuti inenge mimwe minyengetero inonzwiwa.
Apo Adelina akavamba kufunda Bhaibheri, akanangidzira shingairo imwe cheteyi kukutenda kwake kwakanga kuchangobva kuwanwa. Kunyange kunyara kwake hakuna kumudzivisa, kunyange zvazvo nguva yokutanga iye nomurume wake vakaenda kuHoro yoUmambo, kwakavatorera maminiti gumi kuti vawane ushingi hwakakwana hwokupinda. Vangova mukati bedzi, zvisinei, akasanoteerera. Pane imwe nhambo, akadzidza pamusoro poKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu. Iyi nhau yakamufadza, uye apo akadzokera kumusha, aida kurava zvakawanda pamusoro payo muBhaibheri rake. Asi iye kana kuti murume wake havana kuziva uko mashoko acho aigona kuwanwa, kunyange zvazvo vakafunga kuti akadudzwa pane imwe nzvimbo mubhuku raZvakazarurwa. Naizvozvo Adelina akavamba kurava Zvakazarurwa usiku ihwohwo uye akaramba achirava kusvikira pakupedzisira asvika paganhuro 20 mumaawa apakuvamba amangwanani.
Pane imwe nhambo, Adelina akadzidza kuti kwakanga kwakafanira kuti murume amirire mudzimai wake mumunyengetero. Kunyange zvazvo akanga achidisa kunyengetera, murume wake akanga asingazivi chokutaura mumunyengetero. Usiku ihwohwo humene, Adelina akasarudza kutsvaka mirairidzo muBhaibheri. Panguva yechipiri mumangwanani, akamutsa murume wake kuti amuudze kuti akanga awana Mateo ganhuro 6, iyo inorangarira nhau yomunyengetero muudzame. Pashure pokurava mirairidzo yaJesu, murume wake pakupedzisira akataura munyengetero nokuda kwavo vari vaviri. Zvino vose vari vaviri Adelina nomurume wake Zvapupu zvaJehovha.
Kukohwa Kwakaisvonaka
Pashure paanodokusvika makore 25 okupupurira mumaruwa kwaiitwa navabatiri vanoshingaira vaJehovha, kona riri rose reSpain rakanzwa mashoko akanaka. Sezvakwaiva kwechokwadi neAsia Minor muzana rokutanga ramakore, ‘shoko raJehovha riri kuendeswa munyika yose.’ (Mabasa 13:49) Somuuyo, zviuru zvavagari vomumisha zvakagamuchira zvakanaka.
MuSpain nokune dzimwe nzvimbo, kuparidzira zvakakwana munharaunda dzomumaruwa kunoda shiviriro nokuzvibaira. Asi sezvo kuda kwaMwari kuri kwokuti ‘marudzi ose avanhu aponeswe,’ Zvapupu zvaJehovha zvinofara kutsvaka vanhu vanoonga. (1 Timotio 2:4) Uye sokuratidzira kunoita zvinoitika zvichangobva kududzwa, Jehovha akatusa zvikuru nhamburiko dzakashandiswa kuparidzira pamusha nomusha muSpain.
[Mashoko Omuzasi]
a Josephus akaverenga kuti kwakanga kune hwerengedzo ya“maguta nemisha” 204 muGarirea, uye iye akarondedzera nharaunda yacho seine “misha yakawanda zvikuru.”
[Mepu iri papeji 23]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
FRANCE
PORTUGAL
SPAIN
BALEARIC ISLANDS
CANARY ISLANDS
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]
Vilac, Lérida
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]
Puebla de Sanabria, Zamora
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]
Casarabonela, Málaga
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]
Sinués, Huesca
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
Lekeitio, Vizcaya