RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 3/1 pp. 30-31
  • Vafundisi veMicronesia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vafundisi veMicronesia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 3/1 pp. 30-31

Vafundisi veMicronesia

KUNYANGE zvazvo vakaparadzaniswa nenzvimbo hombe dzePacific Ocean inoratidzika kuva isingagumi, vafundisi veMicronesia vachiri kukwanisa kuungana pamwe chete gore rimwe nerimwe nokuda kwo“kubatanazve kwemhuri.” Uye ndokupi uko ava vaparidzi veevhangeri vose vanobva muzvitsuwa zvakapararira vanosangana? Nenzira yakakodzera, panzvimbo iyo hurumende yomunzvimbomo yakatumidza kuti Jehovah Street—kero yehofisi yebazu yeGuam yavanobatira pasi payo.

Muna June 1992, vafundisi 56 vakaungana pabazu kuti vapinde “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa. Kuseka nekurukurirano yokufara zvakazadza mhepo sezvo vakamutsidzira ushamwari hwenguva refu ndokusakurira hutsva. Senguva dzose, ivo vakazvironga vamene pamatanho eHoro yoUmambo nokuda kwepikicha yeboka uye ipapo vakagara pasi pamatafura matatu marefu amadyo kuti vagoverane zvokudya zvavafundisi zvegore negore, zvakasimbiswa gore rino neshanyo yaAlbert Schroeder, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora.

Nokuda kwavazhinji vavafundisi vacho, uku kuungana kwegore negore muGuam ndiro banza ravo bedzi rokusiya misha yavo miduku yomunzvimbo dzapasi dzinopisa. Uye iyoyi miduku. Ebeye Island, chimwe cheMarshall Islands, yakaumbwa namahectare 32 bedzi. Musha wavafundisi weMajuro muMarshalls nomusha weKiribati muGilbert Islands yose iri miviri iri pamaatoll marefu, akasunha asingasviki makiromita 0,8 kufara. Naizvozvo vafundisi vanoita rwendo rwavo runofadza zvikurusa kuGuam.

Nepo murangariro wokuparidzira pachitsuwa chiri kure chomunzvimbo dzapasi dzinopisa uchinzwika kuva unofadza, chaizvoizvo idenho vashomanene vakashongedzerwa kusangana nayo. Nenzira inofadza, vanomwe bedzi vavafundisi 56 vanobva kuWatchtower Bible School of Gilead. Vazhinjisa vakabva kuHawaii kana kuti Philippines uko vakanga vari vashumiri mapiona vakatorovedzana noupenyu munzvimbo dzapasi dzinopisa, uye ivo vakaenda zvakananga vachibva kunyika dzokumusha kwavo vachienda kumigove yavo youfundisi.

Nemhaka yokuti zvitsuwa zveMicronesia zviri pedyo kwazvo neequator, vafundisi vanorwisana nokupisa kukuru nokudziya kuti vasvike vagari vemo namashoko akanaka. Kurukurirano inogona kuva kunyange denho huru zvikuru. Chitsuwa chimwe nechimwe kana kuti boka rezvitsuwa rine mutauro waro rimene—mimwe isingazivikanwi kwazvo zvokuti haina kumbonyorwa muduramashoko—uye kungava makore muuyi mutsva asati agona kutaura zvakanaka. Kuti ribetsere vanhu vari muidzi tsika dzomuchitsuwa dzakasiana-siana kunzwisisa Bhaibheri, bazu reGuam rinotsikirira mabhuku mumitauro 11, mipfumbamwe yayo inotaurwa chose chose muMicronesia.

Zvimwe zvitsuwa zviri zvoga kwazvo zvokuti zvinogona kusvikwa bedzi neigwa. Musha wavafundisi weTol muChuuk (Truk) uri pachitsuwa chakadaro, uye vafundisi ipapo vanotsamira pamapanel ezuva kugovera magetsi kwamaawa mashomanene chete zuva rimwe nerimwe.

Pamwe chete, mune misha yavafundisi 14 muMicronesia mose, iyo inobatanidza nharaunda inenge nyika yeUnited States. Pavanhu vanopfuura 400 000 vanogara munharaunda macho, 1 000 vaparidzi vamashoko akanaka, vakarongwa muungano 20 namapoka ari oga matatu.

Nepo vanhu veMicronesia kazhinji kazhinji vane ushamwari zvikuru, tsika dzomunzvimbomo dzorudzidziso nedzvinyiriro yemhuri zvinodzivisa vazhinji kugamuchira zvokwadi yoUmambo hwaMwari. Naizvozvo kunyange zvazvo basa rokuparidzira riri kubudirira (vaparidzi voUmambo ivavo 1 000 vari kuitisa fundo dzeBhaibheri dzinopfuura 2 000), dzimwe ungano namapoka zvinoramba zviri duku. Somuenzaniso, panongova navaparidzi vashanu bedzi pachitsuwa cheTinian, vaparidzi vanomwe chete pachitsuwa cheNauru, uye ungano dzomuYap, Kosrae, uye Rota dzine vaparidzi vasingasviki 40 chimwe nechimwe. Kunyanguvezvo, vamwe vafundisi vakarambira mumigove yavo kwamakore anopfuura 20. Zvikurukuru, vose vatanhatu vari pachitsuwa cheBelau vave varipo kwaanenge makore 12.

Nokuda kwaavo vanotsungirira, tuso ihuru. Pane mabanza ezuva nezuva okushamiswa norunako rwechisiko chaJehovha. Zvitsuwa zvine uswa hwakasvibira zveMicronesia zvakapararira kufanana namabwe anokosha maduku egirini mhiri kwakasvibira kwePacific. Makiromita emhenderekedzo dzegungwa dzisina kutsvikinyidzirana vanhu namacoral reef akazara nehove dzakaisvonaka zvinokwezva vanofarira kutupira vane zvokufemesa pasi pegungwa kuti vanzvere dzakati kuti dzenzvimbo dzakanakisisa dzokutupira munyika. Uye pamugumo wezuva rimwe nerimwe, pane chiono chinoshamisa chokuvira kwezuva pagungwa.

Tuso hurusa, zvisinei, iropafadzo yokubatira Jehovha kupfurikidza nokuudza vamwe pamusoro pezvipikirwa zvake zvinoshamisa zvenguva yemberi. Nemhaka yokuti vafundisi veMicronesia vanopfuurira kusvasvavirira tuso iyoyo, vari kuzadzika mashoko aIsaya 42:12, anoti: “Ngavakudze Jehovha, vaparidzire pazviwi kurumbidzwa kwake.”

[Mepu/Mufananidzo uri papeji 31]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Barrigada, Guam

Santa Rita, Guam

Koror, Belau

Chuuk (Truk) Islands

Tarawa, Kiribati

Kosrae

Ebeye

Marshall Islands

Majuro

Kolonia, Pohnpei

Songsong, Rota

Saipan

Yap

MICRONESIA

MELANESIA

CAROLINE ISLANDS

PACIFIC OCEAN

PHILIPPINES

NEW GUINEA

EQUATOR

[Mufananidzo]

Vafundisi vanoungana muGuam, June 1992

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe