RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 11/1 pp. 8-9
  • Kuenda kuShiro—Vana Vakanaka Navakaipa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuenda kuShiro—Vana Vakanaka Navakaipa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • “Akaramba Achikura Jehovha Ainaye”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Mukomana Akataura Achimiririra Jehovha
    Famba naMwari Neushingi
  • Samueri Anotsigira Kunamata Kwechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 11/1 pp. 8-9

Zviono Zvomunyika Yakapikirwa

Kuenda kuShiro—Vana Vakanaka Navakaipa

APO unofunga nezvamaguta, mataundi, kana kuti nzvimbo dzeNyika Yakapikirwa, varume vakati navakadzi vakatanhamara vanouya kundangariro yako here? Zvimwe kwakadaro, nokuti nhauro zhinjisa dzeBhaibheri dzinobatanidza vakura. Asi zvakadiniko navana shure panguva iyoyo? Unovafungidzira muzviono here?

Chiono chiri pamusoro apa chinogona kutibetsera kuisa ndangariro panhauro dzinobatanidza pwere, dzimwe dzadzo dzaiva mienzaniso yakaisvonaka nokuda kwamaKristu uye vamwe vavo vaiva mienzaniso inonyevera. Gomo rakatenderera riri pakati sezviri pachena inzvimbo yeShiro.a

Sezvingabvira unoyeuka kuti apo Israeri akapinda muNyika Yakapikirwa, vakatanga kuwana tabhernakeri yaMwari paGirgari pedyo neJeriko. (Joshua 4:19) Asi apo nyika yacho yakanga ichikamuraniswa, iyi tende inoyera—nzvimbo yapakati yokunamata kwaIsraeri—yakatamisirwa pano kuShiro. (Joshua 18:1) Ikoku kwakanga kuri anenge makiromita 30 kuchamhembe kweJerusarema munharaunda ine makomo yaEfraimi. Varume navakadzi vanobva muna Israeri wose vaienda kuShiro; mapoka makuru avanhu aigona kuungana mumupata kumaodzanyemba kwouko sezvingabvira tabhernakeri yaiva. (Joshua 22:12) Unogona kuisa muchiono vana vachiuya muno here?

Vamwe vakadaro. Muenzaniso wakatanhamara zvikurusa watinofanira kuziva nezvawo akanga ari Samueri muduku. Vabereki vake, Erikana naHana, vaigara mutaundi raiva mumakomo kumadokero. Gore rimwe nerimwe vaiuya pano, zvichida vachiuya navamwe vana vakaberekwa nomumwe mudzimai waErikana. Pakupedzisira Jehovha akakomborera Hana nomwanakomana, uyo akanzi Samueri. Pashure penguva yakati vabereki vake vakamuunza kuti agare paShiro kuti agogona kubatira patabhernakeri nomuprista mukuru Eri.—1 Samueri 1:1–2:11.

Mukomana wacho akanga ane mabasa okuita paimba yaMwari, uye anofanira kuve akava namabanza mazhinji okufamba mumakomo ari pedyo. (1 Samueri 3:1, 15) Mamwe awo akanga akaitwa muchinjiri uye akazara nemiorivhi, sezvinooneka pamufananidzo uri papeji 9. Cherekedza nharireyomurindi duku yamatombo. Varimi vakaparadzana kana kuti vafudzi vaigona kuramba vakarinda vari panharireyomurindi yakadaro, asi unogona kufungidzira muduku Samueri achikwira kuti atarirewo. (Enzanisa na 2 Makoronike 20:24.) Iyoyi yaizova nzvimbo yakaisvonaka yokurindira mhuka dzomusango.

Shure panguva iyoyo, kwakanga kune miti mizhinji kupfuura zvino, kunyange masango umo mhuka dzomusango dzaifamba-famba. (Joshua 17:15, 18) Tinoziva ikoku kubva muchinoitika chakaitika apo Erisha akanga ava muporofita mukuru waMwari. Erisha akanga achikwira achibva Jeriko akananga Bheteri, naizvozvo akanga ari munzvimbo iyoyi, makiromita gumi namatanhatu kumaodzanyemba kweShiro. Kugamuchirwai kwaaizowana kubva kuvanhu veBheteri, iyo yakanga yava nzvimbo yapakati yokunamatwa kwemhuru yendarama? (1 Madzimambo 12:27-33; 2 Madzimambo 10:29) Sezviri pachena vakura vakanga vachishora muporofita waJehovha, uye chimiro chavo chinoratidzika kuva chakaenda pavana vavo.

Madzimambo Wechipiri 2:23, 24 inotiudza kuti boka repwere rakaseka muporofita waMwari, richiti: “Iwe nyamhanza, kwira, iwe nyamhanza, kwira!” Mukupindura, Erisha “akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo.” Mapere iwayo eSiria aigona kuva anotyisa pakuvhundutswa kana kuti apo vana vawo vairatidzira kuva vatyisidzirwa. (2 Samueri 17:8; Zvirevo 17:12; 28:15) Mwari akaashandisa kuita ruramisiro youmwari paavo vaishora zvikuru vamiriri vake uye nokudaro vaishora Jehovha amene.

Kuti mwana angasangana nemhuka dzomusango dzakadaro mumakomo akapoteredza Shiro kunofanira kutibetsera kunzwisisa zvikuru kutenda uko vabereki vaSamueri vakaratidza mukumuunza kuzobatira patabhernakeri.

Mumwe munamati wechokwadi akanga aratidza pakuvamba zvikuru kutenda kwakafanana nokuzvipira—Mutongi Jefta. Iye aigara munyika yamakomo yeGireadhi parutivi rwokumabvazuva rweJoridhani. Achishingairira Jehovha mukurwisana navavengi vaAmoni, Jefta akapika kuti wokutanga weimba yake anobuda kundosangana naye aizobairwa kuna Jehovha. Mwanasikana wake mhandara akabvumikisa kuva iyeyo. Naizvozvo akaunza mwana wake bedzi kunzvimbo tsvene yaMwari paShiro, apo iye akagara ndokubatira nokutendeka kwamakore.—Vatongi 11:30-40.

Kuzvipira kwokutendeka uko Samueri nomwanasikana waJefta vakaratidzira munharaunda yeShiro zvamazvirokwazvo musiano wakaisvonaka nomuenzaniso wakashata wepwere dzinopandukira 42 idzo dzakatuka muporofita waJehovha muruwa rumwe cheterwu.—Enzanisa na 1 VaKorinte 10:6, 11.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwomufananidzo mukuru zvikuru, ona 1992 Karenda yeZvapupu zvaJehovha.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]

Safari Zoo, Ramat-Gan, Tel Aviv

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe