RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 10/1 pp. 20-23
  • ‘Ndinofanira Kubhapatidzwa Here?’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Ndinofanira Kubhapatidzwa Here?’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Izvo Rubhapatidzo Runobatanidza
  • Ndiani Anofanira Kubhapatidzwa?
  • ‘Ndichiri Muduku’
  • ‘Ndanyanyokura’
  • ‘Urwo Zvino Rwuri Kukuponesai’
  • VaKristu Vanofanira Kubhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Ndinofanira Kubhabhatidzwa Here?—Chikamu 1: Kubhabhatidzwa Kunorevei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Vechidiki—Magadzirira Here Kubhabhatidzwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 10/1 pp. 20-23

‘Ndinofanira Kubhapatidzwa Here?’

PAZVISARUDZO zvose zvatinokumbirwa kuita muupenyu, zvichida hapana chimwe chinokosha zvikuru kupfuura ichi: ‘Ndinofanira kubhapatidzwa here?’ Neiko ikoko kuchikosha kwazvo? Nemhaka yokuti chisarudzo chedu pamusoro pouyu mubvunzo chine chokuita zvakananga kwete bedzi pamararamire edu zvino asiwo pagarikano yedu isingagumi.

Wakanangana neichi chisarudzo here? Zvichida wave uchifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kwenguva yakati. Kana kuti vabereki vako vangave vave vachikudzidzisa Magwaro kubvira paucheche. Zvino wasvika panguva apo unofanira kuita chisarudzo pamusoro pechaunofanira kuita. Kuti uite chisarudzo chakarurama, uchafanira kunzwisisa izvo rubhapatidzo runobatanidza uye kuti ndivanaani vanofanira kubhapatidzwa.

Izvo Rubhapatidzo Runobatanidza

Rwakati fananei nomuchato, rubhapatidzo ndichinoitika chinokombesa ukama. Muchinoitika chomuchato, murume nomukadzi vanobatanidzwa vakatokudziridza ukama hwapedyo. Chinoitika chomuchato chinongoitawo zvacho kuti zvakabvumiranwa pachivande zvive pachena, ndiko kuti, kuti vaviri vavo zvino vopinda mumubatanidzwa chaiwoiwo weroorano. Chinozarurawo maropafadzo achafarikanywa navaviri uye chinounza mitoro yavanofanira kurarama mukuwirirana nayo muupenyu hwavo pamwe chete.

Mugariro wacho wakafanana chaizvo norubhapatidzo. Sezvatinofunda Bhaibheri, tinodzidza nezvezvinhu zvorudo izvo Jehovha akatiitira. Iye akatipa kwete bedzi upenyu hwedu nechinhu chiri chose chatinoda kuhutsigira asiwo Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kuti azarurire nzira rudzi rwomunhu runotadza kuti rupinde muukama Naye uye kuti ruwane upenyu husingagumi muparadhiso yapasi. Patinofunga pamusoro paizvozvi zvose, hatisundirwi kuchiito here?

Chii chatinogona kuita? Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, anotiudza, kuti: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze [danda rake rokutambudzira, NW] anditevere.” (Mateo 16:24) Hungu, tinogona kuva vadzidzi vaJesu Kristu, tichitevera muenzaniso wake mukubatira fariro dzaBaba vake, Jehovha. Kuita saizvozvo, zvisinei, kunoda ‘kuzviramba’ kwedu timene, ndiko kuti, kusarudza nenzira yokuzvipira kuisa kuda kwaMwari pamberi pokwedu timene; ikoku kunobatanidza kupa, kana kuti kutsaurira, upenyu hwedu kukuitwa kwokuda kwake. Kuzivisa ichi chisarudzo chokuzvidira nechomunhu oga, chinoitika chavose chinoitwa. Rubhapatidzo rwomumvura ndicho chinoitika ichocho chokuratidzira pachena tsauriro yedu kuna Mwari.

Ndiani Anofanira Kubhapatidzwa?

Jesu Kristu akarairidza vateveri vake kuti ‘vaende ndokuita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, vachivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, vachivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvaakanga avaraira.’ (Mateo 28:19, 20) Nenzira yakajeka, mwero wakati wokukura kwendangariro nomwoyo unodikanwa kuavo vanofanira kubhapatidzwa. Kupfurikidza nefundo yavo yomunhu oga yeShoko raMwari, vakasvika pakunzwisisa dikanwo yoku‘pfidza ndokutendeuka’ kubva mumararamire avo ekare. (Mabasa 3:19) Ipapo, vakaona dikanwo yokutora basa rokuparidzira evhangeri rakaitwa naJesu Kristu, vachiva vadzidzi vake. Zvose izvozvi zvakaitika pamberi penhano yorubhapatidzo.

Wakasvika paiyi nhano mukufambira mberi kwako kwomudzimu here? Unoshuva kubatira Mwari here? Kana zvakadaro, rangarira nokunyengetera nhauro yeBhaibheri yengomwa yeEtiopia, yakanyorwa muna Mabasa ganhuro 8. Apo mauporofita pamusoro paJesu Mesia akatsanangurirwa uyu murume, akanzvera ndangariro yake nomwoyo uye ipapo akabvunza, kuti: “Chinyiko chingadzivisa ndirege kubhapatidzwa?” Sezviri pachena pakanga pasina chinhu chaimudzivisa; naizvozvo akabhapatidzwa.—Mabasa 8:26-38.

Nhasi vakawanda vari kubvunza mubvunzo mumwe chetewo: “Chinyiko chingadzivisa ndirege kubhapatidzwa?” Somuuyo, vachangobva kuzvitsaurira 300 945 vakabhapatidzwa muna 1991. Ikoku kwakaunza mufaro mukuru kuvose vavanhu vaJehovha, uye vakuru muungano vanofara kubatsira vamwe vane mwoyo wakarurama kufambira mberi ndokusvitsa zvikwaniriso zvorubhapatidzo.

Kungava, zvisinei, kuti vakuru vari muungano yenyu vanokarakadza kuti umire. Kana kuti, kana uri pwere, vabereki vako vangakuraira kumira. Ipapoka chii? Usaodzwa mwoyo. Rangarira kuti kupinda muukama hwomunhu oga noWokumusorosoro inhau yakakomba zvikuru. Mipimo yakakwirira inofanira kusvitswa ndokuchengetwa. Naizvozvo teerera zvikarakadzo zvinopiwa ndokuzvishandisa nomwoyo wose. Kana usinganzwisisi zvizere zvikonzero zvinopiwa, usanyare, asi bvunza mibvunzo kutozosvikira wanzwisisa chaizvoizvo gadziriro yaunofanira kuita.

Pane rumwe rutivi, vamwe vanhu vangazengurira kuita nhano huru, sezvavanoidana kudaro. Uri mumwe wavo here? Chokwadika, kungava nezvikonzero chaizvoizvo nei uchifanira kusundira mberi tsauriro norubhapatidzo. Asi kana uchikwanirisa uye uchiri kurega, kwakanaka kuzvibvunza umene, kuti: “Chinyiko chingadzivisa ndirege kubhapatidzwa?” Nzvera nokunyengetera mugariro wako ndokuona kana kune chaizvoizvo chikonzero chakanaka chokuti usundire mberi kugamuchira kokero yaJehovha yokupinda muukama hwomunhu oga naye.

‘Ndichiri Muduku’

Kana uri munhu muduku, ungave uchifunga kuti, ‘ndichiri muduku.’ Ndokwechokwadi kuti chero bedzi vanhu vaduku vakaramba vachiteerera nokunzwa vabereki vavo vechiKristu ndokushandisa Magwaro napavanogona napo pose, vanogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha anovarangarira sa“vatsvene.” Kutaura idi, Bhaibheri rinotiudza kuti tendero youmwari yavabereki vakarurama inotambanukira kuvana vanotsamira pavari. (1 VaKorinte 7:14) Zvisinei, hakuna muganhu wezera unopiwa muBhaibheri pamusoro paapo iyi nhambo yokutsamira pane vamwe inoguma. Naizvozvo, kunokosha kuti pwere dzechiKristu dzirangarire zvakakomba mubvunzo, wokuti: ‘Ndinofanira kubhapatidzwa here?’

Bhaibheri rinokurudzira pwere kuti dzi‘yeuke Musiki wadzo Mukuru mumazuva oujaya hwadzo.’ (Muparidzi 12:1) Muna ikoku, tine muenzaniso womuduku Samueri, uyo “akanga achishumira pamberi paJehovha, somukomana.” Kunewo muenzaniso waTimotio, uyo kubvira paucheche akarangarira zvakakomba zvokwadi iyo amai vake naambuya vakamudzidzisa.—1 Samueri 2:18, NW; 2 Timotio 1:5; 3:14, 15.

Nenzira yakafanana nhasi, vanhu vaduku vakawanda vakatsaurira upenyu hwavo kuti vabatire Jehovha. Akifusa, ane makore 15 okukura, akataura kuti rumwe rutivi paMusangano Webasa rwakamubetsera kuita chisarudzo chake chokubhapatidzwa. Ayumi akabhapatidzwa apo akanga ava namakore gumi okukura. Aida kubatira Jehovha nemhaka yokuti akasvika pakumuda chaizvoizvo. Zvino ane makore 13 uye achangobva kuva nechinoitika chokuona mudzidzi wake weBhaibheri, uyo akasvikawo pakuda Jehovha, achibhapatidzwa pazera ramakore 12. Munun’una waAyumi Hikaru akabhapatidzwawo pazera ramakore gumi. “Vamwe vakati ndaiva muduku zvikuru,” iye anoyeuka, “asi Jehovha aiziva kunzwa kwandaiita. Ndakanga ndakatsunga kubhapatidzwa apo bedzi ndakasarudza kutsaurira upenyu hwangu kuti ndimubatire nezvose zvandaiva nazvo.”

Muenzaniso wavabereki chisakisowo, sezvinogona kuonekwa muchinoitika cheimwe hanzvadzi duku. Baba vayo vakarambidza mai vayo kufunda Bhaibheri nayo nehanzvadzi yayo nomunun’una. Ivo vaivarova nokupisa mabhuku avo. Asi nemhaka yetsungiriro yaamai vacho nokutenda, vana vaigona kuona ukoshi hwokubatira Jehovha Mwari. Uyu musikana muduku akabhapatidzwa pazera ramakore 13, uye hanzvadzi yake duku nomunun’una vakatevera muenzaniso wake.

‘Ndanyanyokura’

Wezvamapisarema akati: “Vatana navana, ngavarumbidze zita raJehovha.” (Pisarema 148:12, 13) Hungu, vanhu vakura vanofanirawo kuziva dikanwo yokutsigira kwavo Jehovha. Vamwe vanhu vakura, zvisinei, vanokombamira kudzivisa kuita chinjo. Vanorangarira kuti “kwakaoma kuti vanhu vakura vadzidze chimwe chinhu chitsva.” Bva, yeuka kuti Abrahama akatendeka akanga ane makore 75 okukura apo Jehovha akamuudza, kuti: “Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.” (Mabasa 7:3; Genesi 12:1, 4) Mosesi akanga ane makore 80 apo Jehovha akamuraira, kuti: “Budisa vanhu vangu . . . muEgipita.” (Eksodho 3:10) Ava varume navamwe vakanga vasanogadzikana mumararamire avo pavakakumbirwa naJehovha kuratidzira rudo rwavo nokuzvipira kwaari. Havana kuzengurira kupindura danidzo yaJehovha.

Zvakadiniko nhasi? Shizumu akanga ave ari muBuddha kwamakore 78 apo akavamba fundo yeBhaibheri. Mhuri yake yakamushora, isingambomubvumiri kufunda mumusha wake amene. Pashure pegore rimwe bedzi, iye akaona dikanwo yokuzvitsaurira amene kuna Jehovha, uye akabhapatidzwa. Neiko akaita chinjo yacho? Iye akati: “Kwamakore akawanda ndakanga ndanyengerwa norudzidziso rwenhema, uye ndaida kupfuurira kugamuchira zvokwadi inobva kuna Jehovha nokusingaperi.”

‘Urwo Zvino Rwuri Kukuponesai’

Nguva iri kupera. Upenyu, kubatanidza hwako, huri mungozi. Ndokwokukurumidzira kuti urangarire zvakakomba nhau yetsauriro kuna Jehovha nokuiratidzira kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura. Muapostora Petro akasimbisa ikoku kupfurikidza nokuti: “Urwo . . . zvino rwuri kukuponesaiwo, ndiko kuti rubhapatidzo.” Iye akatsanangurazve kuti rubhapatidzo “harusi kubviswa kwetsvina yenyama” (munhu aizova atoita izvozvo asati akwaniriswa nokuda kworubhapatidzo) “asi chikumbiro chinoitwa kuna Mwari chehana yakanaka.”—1 Petro 3:21, NW.

Asvitsa zvinodikanwa zvaJehovha, mudzidzi anobhapatidzwa anova nehana yakanaka. Kupfurikidza nokupfuurira kuita unani hwake mukubatira Jehovha, anofarikanya rugare rwendangariro negutsikano. (Jakobho 1:25) Kupfuura zvose, iye anogona kutarira mberi nechivimbo kuzvikomborero zvisingagumi zvinobva kuna Jehovha mutsika itsva ichauya. Iwoyo ngauve mugove wako sezvaunopindura zvakanaka mubvunzo wokuti: ‘Ndinofanira kubhapatidzwa here?’

[Mufananidzo uri papeji 21]

Somukomana, Samueri akashumira pamberi paJehovha

[Mufananidzo uri papeji 22]

Mosesi akanga ane makore 80 apo akatumwa naJehovha

[Mifananidzo iri papeji 23]

Nhasi vose vari vaviri vaduku navakuru vanobhapatidzwa vanogona kutarira mberi kuzvikomborero zvisingagumi mutsika itsva yaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe