RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 10/1 pp. 24-25
  • Kupenya Sezvivheneko Munyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupenya Sezvivheneko Munyika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Chikoro chaMapiona muCentral African Republic
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 10/1 pp. 24-25

Kupenya Sezvivheneko Munyika

MUNYIKA yashatiswa noushati nouipi hwetsika, maKristu echokwadi mupasi rose anofanira kuva manyuko echiedza. Iwo anofanira kuva zvivheneko munyika yakasviba. (VaFiripi 2:15) Zviuru zvakawanda zvinodisa kuita ikoku samapiona, kana kuti vaparidzi venguva yakazara. Chiverengero chikuru chavo chakapedza makore marefu chiri muiri basa uye vakatuswa kupfurikidza nokuona vanhu vamarudzi ose vachiita chinjo muupenyu hwavo kuti vave vadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu.—Mateo 28:19.

Kuti zvikurudzire aya mapiona kupfuurira ari muiri basa rinoyera nokuvandudza muunyanzvi hwawo hwokudzidzisa, Zvapupu zvaJehovha zvakaronga Chikoro cheBasa roUpiona. Ikosi yakavakirwa paBhaibheri yamazuva gumi yakarongedzerwa kubatsira mapiona munzvimbo nhatu: kufamba naJehovha savateveri vaJesu Kristu; kuva norudo rwakawanda nokuda kwesangano rose rehama; kupenya sezvivheneko munyika.

Chikoro chaMapiona muCentral African Republic

MuBangui, dzimbahwe reCentral African Republic, vadzidzi 48 navaraidzi 2 vakaungana mukati maAugust 1991. Vadzidzi vaizogamuchira miraidzo nezvikarakadzo zvinoshanda zvebasa ravo. Chiiko chaifadza kwazvo pamusoro pekirasi yeBangui?

Kutanga, 21 vavadzidzi vakanga vachiri kupinda chikoro chokunyika. Vachiri muchikoro, ivo vakakwanisa kuwanira nzvimbo basa roupiona hwenguva dzose. Ivo vakashandisa mwedzi yavo yezororo, kupera kwavo kwevhiki kwakasununguka, uye masikati kuparidzira nokudzidzisa.

Ava vanhu vaduku vakaona ukoshi hwokubatira Musiki wavo zvino. (Muparidzi 12:1; enzanisa na 1 VaKorinte 7:29.) Rinokosha rakanga riri idi rokuti 12 vavo vaiva navabereki vasingatendi. Pamusha vaiva voga muzvokwadi. Vakomana vaduku vaviri, mukoma nomunun’una, vakamanikidzirwa nababa vavo kubva pamusha nemhaka yokutenda kwavo. Varoorani vaduku vomuungano vakabvumira ava vakomana vaviri kugara navo.

Zvakanga zvakasiana naMichée naSulamithe Kaleb. Vose vari vaviri mapiona uye ivo vanoendawo kuchikoro, asi vabereki vavo Zvapupu zvaJehovha. Kutaura idi, baba vavo vakanga vari mudzidzi mukirasi imwe cheteyo!

Ungano dzomuBangui dzakatora rutivi muchikoro chachowo, bedzi munzira yakasiana. Idzo dzakatarisira zvinodikanwa zvokunyama, zvakadai sezvokudya. Mari, pamwe chete nehuku, shuga, mupunga, uye manioc zvakapiwa kudyisa kirasi yacho.

Mapoka omukicheni akarongwa neungano dzapedyo kuti agadzire zvokudya zvakapfava asi zvinonaka. Central African Republic yakakurumbira nokuda kwengunza, zvokudya munhu ari wose anoonga. Mabikirwo acho? Mashizha emanioc, mafuta omuchindwi, hanyanisi, gariki yakawanda, zvitsama zvikuru zvedovi, uye shiviriro yokurega zvichiibva zvikuru. Boka rimwe nerimwe raiva nenzira yaro rimene chaiyo yokuzvigadzirira. Yakanga iri budiriro huru; hapana munhu aigona kuramba kudya.

Kunze kweBangui dzimwe kirasi mbiri dzakaitwa, imwe muBouar uye imwe muBambari, kuchisvitsa hwerengedzo yavadzidzi ku 68. Mukati mamakore maviri apfuura, Central African Republic yakaona wedzero muchiverengero chamapiona. Mukati maJanuary 1992 kwaiva namapiona enguva dzose 149 uye mapiona chaiwo 17 pamwe chete namapiona ebetsero 78. Ikoku kwakaguma nomubato wakawedzerwa munyika yacho yose nezviverengero zvitsva zvapamusoro muvaparidzi, maawa, shanyo dzedzokerero, uye fundo dzeBhaibheri. Apo kunenge kune vashandi vakawanda, kukohwa kunowedzerwa.—Isaya 60:21, 22; Mateo 9:37, 38.

Kuonga kwedu kunoenda kuna Jehovha Mwari nokuda kweidzi gadziriro nokusangano rake rapasi nokuda kwokuronga idzi kirasi. Idzo dzinobetsera vadzidzi navaraidzi zvakafanana kupenya sezvivheneko munyika ino ine rima.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Vadzidzi vechikoro chamapiona vane makumi maviri nomumwe vachiri muchikoro chapamusoro

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ava vakomana vaviri vaifanira kubva pamusha nemhaka yezvokwadi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe