Iwe Unoyeuka Here?
Wakanzwisisa here kurava zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi? Eya, ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:
▫ Chii chingagona kusanodeya kufananidzirwa namaropafadzo akawedzerwa ebasa akapiwa kuvaNetinimi navanakomana vavabatiri vaSoromoni pakudzokera kwavo vachibva muutapwa muBhabhironi?
Nhasi, sezvo vakasarira vaIsraeri womudzimu pasi pano vanopfuurira kuderera, mamwe makwai anopfuurira kuwedzera. Vamwe vaava vakafanana namakwai, kufanana navaNetinimi navanakomana vavabatiri vaSoromoni, zvino vakagoverwa mitoro inorema mutarisiro yavakasarira. (Isaya 61:5)—4/15, mapeji 16-17.
▫ Chii chakareva muporofita Zefania apo akati: “Zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha”? (Zefania 2:2, 3)
Kuti munhu upi noupi adzivirirwe mukati me“dambudziko guru” riri kuuya, hakusati kuri chinoitika chokuti ukaponeswa kamwe, waponeswa nguva dzose. (Mateo 24:13, 21) Kuvandika pazuva iroro kuchatsamira pakupfuurira kwomunhu kuita zvinhu zvitatu: Anofanira kutsvaka Jehovha, kutsvaka kururama, uye kutsvaka unyoro.—5/1, mapeji 15-16.
▫ Mikaeri “uchasimuka” mupfungwai mu“nguva yomugumo”? (Dhanieri 12:1, 4)
Chifo chokugadzwa kwake saMambo muna 1914, Mikaeri ave aka“simuka” nokuda kwavanhu vaJehovha. Asi nokukurumidza Mikaeri “uchasimuka” mupfungwa chaiyo zvikuru—soMumiriri waJehovha kuti abvise uipi hwose mupasi uye soMununuri wavanhu vaMwari.—5/1, peji 17.
▫ Mufarwa wechokwadi unotsamira pachii?
Mufarwa wechokwadi unotsamira paukama hwedu hunokosha naJehovha, tendero yake, uye chikomborero chake. (Zvirevo 10:22) Nokudaro, mufarwa wechokwadi haugoni kuwanwa pasina teerero kuna Jehovha nokuzviisa pasi pokuda kwake kwokufara. (Ruka 11:28)—5/15, mapeji 16, 19.
▫ Apo Jesu akaita manenji ake okuporesa, kutenda kwaidikanwa here kuakaporeswa?
Mwero wakati wokutenda waidikanwa kuvazhinji kuti vauye kuna Jesu kuti vaporeswe. (Mateo 8:13) Zvisinei, hakuna kubvumwa kwokutenda kwaidikanwa kuti Jesu aite manenji ake, zvakadai saapo iye akaporesa chirema chaisaziva kuti akanga ari Jesu. (Johane 5:5-13) Jesu akatodzorera nzeve yakagurwa yomubatiri womuprista mukuru, uyo akanga ari pakati peboka ravavengi vaJesu. (Ruka 22:50, 51) Aya manenji akaitwa nesimba romudzimu mutsvene waMwari, kwete nemhaka yokutenda kwomunhu anorwara.—6/1, peji 3.
▫ Chii chinomirirwa no“rutava” rwakataurwa nezvarwo mumuenzanisiro waJesu pana Mateo 13:47-50?
“Rutava” runomirira chishandiswo chapasi chinotaurwa kuva ungano yaMwari uye icho chinounganidza “hove.” Icho chakabatanidza zvose zviri zviviri chiKristudhomu neungano yamaKristu akazodzwa, vapashure vachiva vakapfuurira kuunganidza ‘hove dzakaisvonaka,’ munhungamiro yengirozi, mutsinhirano naMateo 13:49.—6/15, peji 20.
▫ Ndedzipi dziri dzakati kuti dzenheyo idzo vatongi muna Israeri vaifanira kushandisa mukuita migove yavo?
Ruramisiro yakaenzana nokuda kwavapfumi navarombo, kusasarura kwakaoma, uye kusagamuchira fufuro. (Revhitiko 19:15; Dheuteronomio 16:19)—7/1, peji 13.
▫ Chii icho vakuru vanofanira kuedza kuwana kupfurikidza nokutonga?
Donzo rimwe kuwana maidi enhau yacho, vachiita ikoku norudo. Apo iwaya anozivikanwa bedzi, vakuru vanofanira kuita chipi kana chipi chinodikanwa kudzivirira ungano nokuchengeta mukati mayo mipimo yakakwirira yaJehovha nokuyerera kwakasununguka kwomudzimu waMwari. Kutonga kwacho kuponesawo, kana kuchitongobvira, mutadzi akapinzwa mungozi. (Enzanisa naRuka 15:8-10.)—7/1, mapeji 18-19.
▫ Nei fungidziro dzine chokuita nevatano isiri yapamutemo dzichikuvadza kwazvo?
Nemhaka yamashoko aJesu ari pana Mateo 5:27, 28, vose avo vanopinda nguva dzose mufungidziro dzevatano isiri yapamutemo vane mhaka yokuita upombwe mumwoyo yavo. Uye kune ngozi chaiyoiyo yokuti fungidziro dzakadaro dzingatungamirira kuutere.—7/15, peji 15.
▫ Jehovha angatibetsera munzirai kurangarira miedzo yedu nenzira yakafanira naizvozvo ndokuitsungirira?
Magwaro angaunzwa kungwariro yedu navatendi biyedu kana kuti mukati mefundo yeBhaibheri. Zvinoitika zvakaitwa kupfurikidza nenhungamiro yaMwari zvingatibetsera kuona chokuita. Ngirozi dzingagoverana mukutitungamirira, kana kuti tingagamuchira nhungamiro kupfurikidza nomudzimu mutsvene. (VaHebheru 1:14)—7/15, peji 21.
▫ Ko Dare reNicaea muna 325 N.V. rakatanga kana kuti rakasimbisa dzidziso yoUtatu here?
Aiwa, Dare reNicaea rakangoenzanisa bedzi Mwanakomana naBaba mukuva “vorudzi rumwe.” Pfungwa yokuti Baba, Mwanakomana, uye mudzimu mutsvene mumwe nomumwe vaiva Mwari wechokwadi—Mwari wavatatu mune mumwe—haina kutangwa nedare iroro kana kuti naMadzibaba eChechi apakuvamba zvikuru.—8/1, peji 20.
▫ Ko Jobho akanga ari munhu akatendeka bedzi kuna Jehovha mukati menhambo yaakararama here? (Jobho 1:8)
Aiwa, bhuku raJobho rimene rinoratidzira kuti Erihu akagamuchirwa naMwari. Uyewo, mukati menguva Jobho akararama, kwaiva navaIsraeri vakawanda vaigara muEgipita, uye hapana chikonzero chokufunga kuti vose ivava vakanga vasina kutendeka uye vasingagamuchiriki kuna Mwari.—8/1, peji 31.