RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/15 p. 31
  • Kudzokera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokera
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/15 p. 31

Kudzokera

‘IYE akataura kwavari nemienzanisiro.’ Bhaibheri nokudaro rinosuma mienzanisiro inokosha mitatu yaJesu pamusoro pengoni—gwai rimwe rakarasika, drakema rakarasika, uye mwanakomana anopambadza.—Ruka 15:3-32.

Nyaya mbiri dzomuNharireyomurindi yaApril 15, 1991, dzakakamuranisa mienzanisiro iyoyo ndokubetsera varavi vazhinji kuona kuti ngoni dzinogona sei kutambanudzwa nhasi. Ngwariro huru yaiva pavafudzi vomudzimu mukuita nhano yokutanga yokuonana navanhu vakadzingwa asi vangaita chimwe chinhu kushanyo dzomutsa. Chii chave chiri muuyo weidzi nyaya nomuitiro mutsva?

Nokukurumidza pashure pokunge magazini yacho yabudiswa, mumwe murume munyika yeWashington, U.S.A., akanyora, kuti: “Chibvumikiso chomutsa worudo mukuru waJehovha chasvika mutsamba yangu nhasi. Ndigere pano nemisodzi mumaziso angu nomufaro mumwoyo mangu pamusoro pegadziriro negadziridzo zvakagoverwa noWokumusorosoro. Mwari akarurama zvirokwazvo bedzi anogona kugovera betsero nokuda kwaavo vakafanana namakwai vakarasika. . . . Hungu, ndakadzingwa asi ndava munzira kukudzorerwa.” Muna October iye akadzorerwa.

Asi zvakadiniko neshanyo dzinoitwa navakuru vaviri veungano? Mumwe mudzimai wechiKristu akanyora, kuti: “Mashoko haagoni kuratidzira kunzwa kwandinoita. Murume wangu ave akadzingwa kwaanenge makore 13. Vakuru vakamushanyira, sezvakakarakadzwa munyaya yacho. Usiku hwapfuura kwenguva yokutanga mumakore akawanda, iye akaenda kumumwe wemisangano. Iye zvino ari kuedza kuchinja upenyu hwake ndokudzokera.”

Sezvo vatariri vanofambira vanoshanyira ungano pashure peungano, vanoona miuyo. Mumwe mutariri wedunhu akanyora misi ichangobva kupfuura iyi, kuti:

“Apo Nharireyomurindi yaApril 15, 1991, yakabudiswa, vazhinji vakashamisika kuti gamuchiro yacho yaizova yakadini kuvakuru vanoita onano. Mhinduro yazova pachena zvikuru.

“Mudunhu redu, ungano ina dzokupedzisira idzo ndakashanyira dzakapupurira kudzokera kuHoro dzoUmambo kwavanhu vapfumbamwe. Kunyange zvazvo mumwe bedzi akadzorerwa, vamwe vasere vari kuita fambiro mberi yakaisvonaka. Vakuru neungano zvinofadzwa nokuona zvibereko zvemibato yavo nouchenjeri hwokushandisa nhungamiro dzoumwari.

“Tinofarira iyi gadziriro yakaisvonaka, yengoni. Sokutsinhira kwakaita imwe hanzvadzi yakadzorerwa, ‘Ndakanga ndisina ushingi hwokudzokera ndoga, sezvo ndainzwa ndakashurikidzwa pamberi paJehovha. Asi apo vakuru vakashanya, yakanga iri kurudziro yandaida kuti ndidzokere.’ Mbavarira yake yakakurudzira zvikuru ungano.”

Kunyange kana vazhinji vanoshanyirwa vasingaiti chimwe chinhu, zvakanaka zviri kuitwa zvamazvirokwazvo nouku kutanga kuita chimwe chinhu kwengoni. Nokudaro, kutanga muna September vakuru muungano imwe neimwe vachahwirudzura mazita aavo vari mundima vakadzingwa uye vacharonga kushanyira vose vanganzwa kuti vangaita chimwe chinhu kungoni dzinotambanudzwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe