RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/15 pp. 3-4
  • Kutaura Nendimi—Chishamiso Chinokura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutaura Nendimi—Chishamiso Chinokura
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Pane Chishuvo Nhasi Chechipo Chendimi?
  • Chii Chinowana Munhu?
  • Ndimi, Kutaura ne-
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Bhaibheri Rinotii Nezvekutaura Nendimi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chipo Chendimi Rutivi rwechiKristu Chechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Kutaura Nendimi—Kunobva Kuna Mwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/15 pp. 3-4

Kutaura Nendimi—Chishamiso Chinokura

“SIMBA rakanga radzora rurimi rwangu uye mashoko akangoyerera zvawo semvura. Wakanga uri mufaro wakadini! Kwakanga kune kunzwa kworucheno rukuru. Handina kutongova mumwe cheteyo chifo chenguva yacho,” akadaro mumwe uyo akava nechinoitika chechienzi chokutaura no“rurimi rusingazivikanwi.”

Ipapo une rondedzero yomunhu yechinoitika chake chokutanga chokutaura no“rurimi rusingazivikanwi.” ‘Asi ikoko chii?’ vamwe vangabvunza kudaro nenzira yakarurama. Kunonongedzera kumuitiro kana kuti chitendero chiri mumachechi akati kupfurikidza nacho varume navakadzi vanotaura kuva vanosundwa nomudzimu waMwari kuti vataure nemitauro yokumwe kana kuti yechienzi yavasingazivi.

Chishamiso chorudzidziso chinokura. Kwaichimborangarirwa sechinoitika chavatendi vePentecostal chete chete, kutaura nendimi zvino kunopfuura miganhu yamasangano amagamuchidzanwa kuti kubatanidze vaBaptist, vaEpiscopal, vaLutheran, vaMethodist, vaPresbyterian, uye vaRoma Katurike. Mugariro womunhu apo anenge ari muuyu mugariro wakarondedzerwa somufaro, manyemwe, kubatwa nomweya, uye kudzungaidzwa. Vamwe vanotoudana kuti chinoitika choupengo. Kune chakavanzika nembavarira zvakabatanidzwa nokutaura nendimi, kana kuti chipo chendimi.

Neiko Pane Chishuvo Nhasi Chechipo Chendimi?

Mubhuku rake Tongues of the Spirit, Cyril G. Williams anokarakadza kuti kungava ne“batano pakati pepfungwa yekundikano, uye chishuvo che‘ndimi.’” Iye anokurondedzera segadziriro yokusunungura nayo iyo ine “ukoshi hunorapa somuderedzi wenyanduko” uye “mupedzi werwisano yomukati.” Kangaidziko mubasa rechechi, dzvinyiriro yendangariro, kundikano mubasa, kufirwa, nyanduko dzomumba, kana kuti chirwere mumhuri zvinodudzwa sezvinhu zvinogovera kukutaura kwakadaro kwokufara.

Nenzira yakafanana, muThe Psychology of Speaking in Tongues, John P. Kildahl anotaura kuti “funganyo ndichinodikanwa nokuda kwokutanga simba rokutaura nendimi.” Kupfurikidza nenzvero yomunhu oga nokubvunzurudza kwokungwarira, kwakawanwa kuti “inopfuura 85% yavatauri nendimi yakanga yatambura njodzi yefunganyo yakarondedzerwa nenzira yakajeka inotangira kutaura kwavo nendimi.” Somuenzaniso, vamwe amai vaida kutaura nendimi kuti vagone kunyengeterera mwanakomana wavo akanga achirwara nekenza. Mumwe murume akavamba kutaura nendimi mukati menhambo yake yokusakwanisa kusarudza pamusoro pesimudzirwo yokubasa yakapiwa. Mumwe mukadzi akavamba kutaura nendimi mukati mevhiki pashure pokunge murume wake akumbanira Sangano rinobetsera Zvidhakwa kukunda udhakwa.

Chii Chinowana Munhu?

Mumwe uyo akanga ataura nendimi kwenguva yokutanga akashuma, kuti: “Ndakanzwa kupisa mandiri mose, uye kutonhora namadonhwe makuru edikita, kudedera norudzi rwakati rwoutera mumakumbo angu namaoko.” Kunobatanidzwa nechinoitika chokutaura nendimi, kunowanzova mufambiro wechienzi uyo vamwe vanowana kuva unokangaidza. Somuenzaniso, “mumwe musikana akadokukachidzwa nemate ake amene sezvo akatambarara pachigaro, mutsipa wake uri shure kwayo, zvitsitsinho zvake zviri pauriri, makumbo ake akaomarara.” Mukati momusangano mumwe weungano “mumwe murume akaita chamupidigori achibva kumugumo mumwe wechechi achienda kumumwe.”

“Nokuda kwavamwe vanhu,” anonyora kudaro Purofesa William J. Samarin, “kutaura nendimi mugariro wokubhapatidzwa muMudzimu Mutsvene.” Pasinako, ivo “vanoitwa kuti vanzwe vasina kuti kwanei.” Kunorangarirwawo “semhinduro kumunyengetero, vimbiso yorudo rwoumwari negamuchirwo.” Vamwe vakataura kuti kunovasiya vane kunzwa kwetsinhirano, mufaro, uye rugare zvomukati, uye vane “pfungwa huru zvikuru yesimba” uye “pfungwa yakasimba zvikuru yokuzivikanwa.”

Ko kutaura kwokufara ufakazi chaizvoizvo here hwokushanda kwomudzimu mutsvene? Ko chinoitika chacho chinotsauranisa munhu somuKristu wechokwadi here? Ko kutaura nendimi rutivi rwokunamata kunogamuchirika nhasi here? Iyi mibvunzo yakafanirwa neinopfuura mhinduro yokukurumidza. Neiko? Nemhaka yokuti tinoda kuti kunamata kwedu kuve netendero yaMwari nechikomborero.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe