Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Vakapwiswa muKathmandu
NYANZVI yokunyora mifananidzo yakavamba kutsvaka kwayo zvokwadi muBrittany, France, muna 1980. Iyo yakava nekurukurirano navaPentecostal ndokufunda marudzidziso okuMabvazuva—pasina gutsikano. Ipapo yakava nekurukurirano dzakati nomumwe weZvapupu zvaJehovha asi yakarega nokukurumidza. Iyo yakasangana neimwe nyanzvi yokunyora mifananidzo ndokuenda kundoshanda nokugara nayo.
Chinguvana pashure paikoku vaviri vasina kuroorana vakasarudza kushanyira Nepal. Vakaororwa zvikuru norunako norugare zvenyika iyoyo asi vakaodzwa mwoyo negadziriro yokugarisa vanhu mumapoka, iyo yakaratidzika kuva isina kururama kutsika yavo yokumadokero.
Pakudzokera kuFrance, mukadzi akakarakadza kushamwari yake kuti vafunde Bhaibheri pamwe chete, uye kushamisiko yake akabvuma. Vakaonana neChapupu chaakanga ava nekurukurirano nacho makore maviri pamberi pezvi. Mumavambo vaishandisa Bhaibheri bedzi, asi pakupedzisira vakabvuma kushandisa bhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi uye gare gare bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Mukati megore vakarega kushandisa mirimo.
Pashure pokushanyira Nepal zvakare kwemwedzi miviri, vaviri vakadzokera kuFrance uko vakapfuurira kufunda. Vakarega kusvuta nokuenda kumabhawa namakirabhu ousiku uye vakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, pavakapedza bhuku raKurarama Nokusingaperi, vakasarudza kurega kufunda.
Vakaenda zvakare kuNepal, uko vakagara muimba duku mujinga reMakomo eHimalaya. Rimwe zuva murume akura, akapfeka sutu netai, akagogodza pasuo ravo. Mukadzi wacho akanga ari oga mumba, uye akafunga kuti anofanira kuva ari mutengi wemifananidzo ari kushanya kuti aone mifananidzo yavo. Kushamisiko yake chakanga chiri Chapupu chaishanya nokuda kwomunhu akanga afunda navo muFrance. Nokukurumidza shamwari yake yakadzokera kumba, uye kurukurirano yamaawa maviri yakavapo somuuyo.
Mazuva mashomanene gare gare, vaviri vakapinda musangano weZvapupu zvaJehovha muKathmandu uye vakaororwa zvikuru nechitarisiko chakachena chaavo vaivapo. Vakacherekedza rudo rwouhama rumwe cheterwo nomufarwa zvavakanga vaona pamisangano muFrance. Vakacherekedzawo chinzwano chavanhu veNepal vaivapo, kunyange zvazvo ivava vakanga vabva mumapoka enzanga akasiana-siana. Zvino vakapwiswa kuti iri rinofanira kuva sangano raJehovha.
Mwedzi mumwe gare gare vakadzokera kuFrance uye nokukurumidza vakatangazve fundo yavo yeBhaibheri nokupinda misangano. Vakaroorana, vakavamba kugoverana mubasa rokupupurira, uye pakupedzisira vakabhapatidzwa. Murume wacho zvino ava mubatiri anoshumira, uye mudzimai wake anogoverana nguva dzose mubasa roupiona hwebetsero. Zvirokwazvo, avo vane mugariro womwoyo wakarurama vachabetserwa nomudzimu waJehovha kufambira mberi ndokuva vanamati vake.—Zvakazarurwa 7:15-17.
[Bhokisi/Mepu iri papeji 9]
NEPAL
Chiv. chavagari vemo - 17 712 221
Chiv. Chapamusoro Chavaparidzi cha 1990 - 63
Goverwo, Muparidzi 1 ku - 281 146
Avhareji Yavaparidzi Mapiona - 10
Chiverengero cheUngano - 1
Avhareji yeFundo dzeBhaibheri - 107
Chiv. Chavapindi veChirangaridzo - 220
[Mepu]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
NEPAL
INDIA
[Mufananidzo uri papeji 9]
Chiono chapamusika muKathmandu, Nepal