RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 6/1 p. 3
  • Bhaibheri—Idzvene Chaizvoizvo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri—Idzvene Chaizvoizvo Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Akanyora Bhaibheri?
  • Mwari Akafuridzira Sei Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Ndiani Akanyora Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Vaitungamirirwa Nomudzimu Mutsvene”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhaibheri—Bhuku Redu Guru Rinofundwa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 6/1 p. 3

Bhaibheri—Idzvene Chaizvoizvo Here?

VANHU vangani nhasi vanorangarira Bhaibheri sedzvene, Shoko raMwari? Muzera rino repanikiro, vazhinji vanorirangarira kuva risingachawirirani nomusi nerisingakodzeri, vachipanikira kuti iro idzvene zvirokwazvo. Kunyange vamwe vavatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu vanodzidzisa kuti Bhaibheri rakazadzwa nengano norungano. Vanopanikira ‘kana kududzira kweBhaibheri nhau kuri uko munhu akangwara anogona kubvuma.’—The Interpreter’s Dictionary of the Bible, Volume 2, peji 611.

Nyanzvi dzakatanhamara dziri kudyara mbeu dzepanikiro pamusoro pokukodzera kwokunongedzera kuBhaibheri seShoko raMwari. Imwe yakataura kuti “kana mumwe achida kushandisa kutaura kwakafanana nokuti Shoko raMwari, kutaura kwakakodzera nokuda kweBhaibheri kwaizova kwokuti Shoko raIsraeri, Shoko ramaKristu apakuvamba akatanhamara.” (The Bible in the Modern World, rakanyorwa naJames Barr) Chii chaunofunga? Bhaibheri iShoko raMwari here? Idzvene chaizvoizvo here?

Ndiani Akanyora Bhaibheri?

Kunyorwa kwaGenesi, bhuku rokutanga reBhaibheri, kunotaurwa nenzira yegamuchidzanwa kuti kwakaitwa naMosesi, muHebheru akararama makore 3 500 akapfuura. Mukuwirirana neBhaibheri rimene, vanhu vanenge 40 vanobva mumifambiro yakasiana-siana youpenyu vakagoverana mukunyora asara ose aMagwaro, kuchiguma nomuunganidzwa wamabhuku 66, kana kuti zvikamu zviduku, zveBhaibheri. Zvisinei, ava vanhu havana kuzvirangarira vamene kuva vanyori chaivoivo veBhaibheri. Mumwe munyori akati: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timotio 3:16) Mumwe akanyora nezvavanyori veBhaibheri, kuti: “Vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa no[mudzimu, NW] mutsvene.”—2 Petro 1:21.

Ikoku kunoisa vanyori muboka ravanhu vanonyora, kana kuti vanamabharani, vanodzorwa, kana kuti vanotungamirirwa, naMwari. Mukuwirirana neBhaibheri, munyori kazhinji kazhinji aibvumirwa kusarudza mashoko ake amene mukutaura mashoko akagoverwa nenzira youmwari. (Habhakuki 2:2) Ndicho chikonzero nei mune mitoo yakawanda yokunyora muBhaibheri rose. Asi kunyora kwaitungamirirwa nguva dzose naMwari.

Sezvinobvumwa, kutaura kwavanyori ivava kuti vakafuridzirwa nenzira youmwari hakusati kuri makuri kumene chibvumikiso chokuti Bhaibheri ishoko roumwari roMusiki kurudzi rwomunhu. Kunyanguvezvo, kana Wokumusorosoro ari Munyori weBhaibheri kana kuti kwete kunofanira kuonekwa nenzira yakajeka pakunzverwa kwokungwarira nokusina kwakwakarerekera kwebhuku racho rimene. Bhaibheri rinopa ufakazi hwokunyorwa kwoumwari here? Chaizvoizvo, tinogona here kutaura nechivimbo kuti Bhaibheri idzvene?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe