Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Ngirozi midzimu, isina miviri yenyama, naizvozvo neiko muchidziratidza mumienzaniso sedzine mapapiro? Iri rinongova chete gamuchidzanwa rorudzidziso here?
Tinowanzoratidzira ngirozi dzine mapapiro nemhaka yerondedzero dzokufananidzira dzinowanwa muBhaibheri.
Wakarurama mukutaura kuti zvisikwa zvomudzimu hazvina miviri yenyama ine namapapiro chaiwoiwo—kana kuti zviso, maoko, tsoka, kana kuti mamwe mativi omuviri. Bva, paimwe nhambo, apo ngirozi dzakaoneka kuvabatiri vaMwari, dzinofanira kuva dzakatarisika savanhu venguva dzose, nokuti dzainzi dzakadaro nokukanganisa.—Genesi 18:2, 22; 19:1; Vatongi 6:11-22.
Pane dzimwe nguva, zvisinei, vanhu vakagamuchira zviono zvengirozi ndokuzvirondedzera. Muporofita Ezekieri akaona “zvisikwa zvipenyu zvina,” uye muchiono chapashure, iye akazivisa izvozvi sengirozi dzeboka rinozivikanwa samakerubhi. (Ezekieri 1:5; 9:3; 10:3) Imwe neimwe yeidzi ngirozi yaiva namapapiro mana, ayo akaratidza masimba adzo okupindura nokukurumidza munzira ipi neipi kumirairo yaMwari. “Hazvina kutsauka pakufamba kwazvo, asi chimwe nechimwe chairuramira mberi pakufamba kwacho . . . Kwaida kufamba [mudzimu, NW] ndiko kwazvaifamba, hazvina kutsauka pakufamba kwazvo.”—Ezekieri 1:6, 9, 12.
Asi ngirozi dzaionwa muchiono nguva dzose hadzina kutarisika zvimwe chetezvo. Zvisikwa zvengirozi zvinonzi maserafimi izvo Isaya akaona zvaiva namapapiro matanhatu. (Isaya 6:1, 2) Pakanga pachitova nemisiano pakati pezviono zvaEzekieri. Muchokutanga, ngirozi dzaiva netsoka, maoko pasi perimwe nerimwe ramapapiro mana, uye zviso zvina (chakafanana nechiso chomunhu, shumba, nzombe, uye gondo). Muchiono chake chakatevera, chimwe chezviso chakanga chakafanana nekerubhi panzvimbo penzombe, zvichida kuratidzira simba guru ramakerubhi. Muchimwezve chiono chapashure chenyerenyetedzo dzetembere yokufananidzira, Ezekieri akaona makerubhi aingova nezviso zviviri chete, chimwe chomunhu uye chimwe chacho cheshumba. (Ezekieri 1:5-11; 10:7-17; 41:18, 19) Munzvimbo Tsvene Tsvene yetabhernakeri, pamwe chete netembere yakavakwa naSoromoni muJerusarema, makanga mune makerubhi ane mapapiro maviri. Iwaya akanga ari pachifunhiro chendarama chechivigiro chinonzi areka yesungano. Makerubhi maviri endarama akanga akatarisana, uye ose ari maviri akanga ane mapapiro maviri akatambanudzirwa paAreka. (Eksodho 25:10-22; 37:6-9) Pamusoro peAreka (uye chifunhiro chayo) mutembere yaSoromoni paiva namakerubhi maviri makuru zvikuru akafukidzwa nendarama, rimwe nerimwe richiva namapapiro maviri akatambanudzwa.—1 Madzimambo 8:6-8; 1 Makoronike 28:18; 2 Makoronike 5:7, 8.
Josephus akanyora, kuti: “Kana ari makerubhi [iwayo] amene, hakuna munhu anogona kutaura kana kufungidzira zvaakanga akaita.” Nokudaro, dzimwe nyanzvi navanyori vemifananidzo vanovakira kuratidzira kwavo ngirozi (zvikuru makerubhi) painonzi mifananidzo yekare yeNear Eastern yavamwari muchimiro chemhuka dzina mapapiro. Asi nhungamiro yakavimbika zvikuru itsinhiro yaEzekieri yokuti ayo iye akaona “akanga akafanana nomunhu wapasi.” (Ezekieri 1:5, NW) Naizvozvo apo ngirozi dzokudenga dzinoratidzirwa muzvinyorwa zvedu, tinowanzodziratidzira zvikurukuru savanhu muchimiro. Tinodziratidzira dzine mapapiro nemhaka yerondedzero dzeBhaibheri dzengirozi dzakasiana-siana sedzine mapapiro uye nemhaka yetsinhiro pamusoro po“kubhururuka” kwengirozi.—Zvakazarurwa 14:6; Pisarema 18:10.
Pakupedzisira, peji 288 yaRevelation—Its Grand Climax At Hand! inoratidzira chisikwa chokudenga china mapapiro, chine korona pamusoro pacho uye kiyi muruoko rwacho. Ikoku iratidzirwo yakajeka yaZvakazarurwa 20:1, (NW): “Ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga ine kiyi yegomba rakadzika-dzika nengetani huru muruoko rwayo.” Tinonzwisisa iyi ngirozi ine kiyi kuva Jesu Kristu akapiwa mbiri. Muenzanisiro wacho unomuratidza ane mapapiro kuwirirana neidi rokuti ngirozi dzinoonwa muchiono kazhinji kazhinji dzaiva namapapiro.