Vazivisi Voumambo Vanoshuma
MuNun Kwamakore 25 Pakupedzisira Anodzidza Zvokwadi
BHAIBHERI rakadeya kutaura kuti “boka guru” rinobva mumarudzi ose raizouya ndokunamata patembere yomudzimu yaJehovha. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Ikoku kuri kuitika nhasi, uye tinofara kuona kuti vazhinji, nebetsero yezvokwadi yaMwari, nokudaro vari kudambura ngetani dzorudzidziso rwenhema. Zvinoitika zvinotevera zvinoratidzira ikoku.
◻ Mumwe mukadzi muRoma, Italy, anorondedzera, kuti: “Kubva panguva yandakanga ndiri muduku chishuvo changu chikurusa chakanga chiri chokuti ndive munun, sezvo ndaishuva nomwoyo wangu wose kubatira Mwari. Ndakakwanisa kuzadzika gwinyiro rangu pazera ramakore 32, pana December 8, 1960, pandakaita mhiko dzangu dzokutanga dzokuteerera, urombo, uye rucheno. Mugove wangu wakanga uri wokutarisira masikati nousiku vana vanenge 30 varombo navakaraswa avo vaiva nherera kana kuti vana vavasungwa. Ndakawana gutsikano mumugove wangu.
“Kutenda kwangu kwakazungunutswa pashure pamakore gumi ebasa apo kakavadzano yakamuka mukati mesangano racho. Ndakashamisika kuti nei, kana Mwari akanga achititungamirira, aizobvumidza kakavadzano dzakadaro nenyongano muimba yake amene.”
Munun wacho akanga ane mukoma aigara muFrance uye aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye akapupurira kumunun kupfurikidza netsamba ndokumutumira New World Translation of the Holy Scriptures. Munun wacho anorondedzera, kuti: “Pashure pamakore 23, iyoyo yakanga iri onano yangu yokutanga neShoko raMwari.” Pakanga pari panguva iyeyo paakagamuchira fundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Iye anoti: “Sezvandakafambira mberi mufundo yacho, ndakasvika pakuziva Jehovha Mwari uye zvinodikanwa zvake pamwe chete namavara ake anoshamisa. Ndakanzwa zvakaipa zvikuru apo ndakadzidza kuti iye haatenderi kushandiswa kwemifananidzo, sezvo sangano racho rakanga rakazara nezvifananidzo zvoukuru huri hwose norudzi. Ndakanzwisisa kuti kana ndaida kufadza Jehovha, handaigona kugara munzvimbo iyoyo. Pashure pamakore 25 ebasa rokuzvipira sanun, ndakanga ndawana zvokwadi pakupedzisira. Naizvozvo pana October 1, 1985, ndakapa ziviso yangu yokuenda, kukushamiswa zvikuru kwavakuru vangu.
“Hama dzangu nehanzvadzi vane rudo vakandibetsera mose muri muviri mumudzimu nomunyama. Ndichionga Jehovha nesangano rake, ndakabhapatidzwa pana August 30, 1986, uye ndakatanga kufamba munzira inoenda kuupenyu husingaperi.”
Jehovha Anokomborera Chishuvo Chowechiduku Chokubatira Mwari
◻ Mumwe mudzidzisi wapachikoro muBrazil uyo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha akacherechedza apo akanga achiruramisa mapepa echikoro kuti mumwe mudzidzi ane makore 14 okukura akanyora nezvechishuvo chake chokudzidza zvizhinji pamusoro paMwari. Iye akatanga fundo yeBhaibheri nomudzidzi wacho, asi sezvo musikana akafambira mberi, mhuri yake yeKaturike yakarambidza fundo yacho ndokuparadza mabhuku ake. Mudzidzi muduku akavamba kufunda Bhaibheri mukati menguva yokuzorora yechikoro, asi akawanikwa. Naizvozvo fundo yakapfuuridzirwa netsamba. Nokukurumidza, kunyanguvezvo, mhuri yakawana tsamba dzake ndokudzipisa. Baba vakavamba kumumanikidza kuenda kuMisa. Iye akaenda asi akatora kopi yeNharireyomurindi yokurava mukati momunamato, achivanza pakati pamapeji ebhukwana rechechi. Ikoku kwakapfuurira kwemwedzi mitanhatu, kutozosvikira rimwe zuva iye akaverevedza mumusha make kuti aende kuHoro yoUmambo. Mukati momusangano baba vake vakaoneka pasuo ndokuudza hama kuti dziudze mwanasikana wavo kuti vaizomurova paanenge asvika kumba. Nhamburiko dzehama dzokurangarira naye hadzina kubetsera.
Zuva rakatevera, achifara nokunyemwerera, iye akaenda kundoona hama. Akadziratidza mavanga mazhinji aiva pamuviri wake apo baba vake vakanga vachangobva kumurova. Nei, ipapoka, akanga achifara? Pashure pokubva paHoro yoUmambo, baba vacho vakanga vabvunza vanhu vanoverengeka mutaundi, kubatanidza meya, pamusoro betsero nokuipa kwokuva kwomwanasikana wavo mumwe weZvapupu zvaJehovha. Meya akataura kuti Zvapupu zvakanga zviri vanhu vakanaka, vakafanirwa nechivimbo. Iye akawedzera kuti zvaiva netsika dzakaisvonaka uye kuti kwaizova kwakanaka zvikuru kuva nomwana ane mipimo iyoyi, iyo yakanga yakakwirira zvikuru kupfuura iyo yepwere dzose hadzo.
Pasinei zvapo naikoku, musikana wacho akarohwa. Asi baba vacho vakamuudza kuti vakanga vachimurova nemhaka yokuti akanga abva pamba asina mvumo. Uye ivo vakati vaizomurova zvakare kana akazomborega kudzidza Bhaibheri kana kuti kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha! Mwanasikana wacho zvino ava muparidzi anoshingaira, uye vamwe vemhuri yake vari kuratidza fariro muzvokwadi.
Zvirokwazvo, Jehovha anokomborera vaduku avo vane chishuvo chapachokwadi chokumubatira, sokuratidza kunoita ichi chinoitika.—Pisarema 148:12, 13.