RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 2/15 p. 29
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Une Murangariro waMwari Wezvinwiwa Zvinodhaka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Ivai Nemaonero Akanaka Pakunwa Doro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 2/15 p. 29

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ MuKristu anofanira here kudzivisa kofi netii nemhaka yokuti izvo zvine mushonga unopinda muropa caffeine?

Bhaibheri haridudzi kofi kana kuti tii. Asi charinotaura chinogona kubetsera muKristu kusarudza kana iye achizonwa kofi kana kuti tii.

Mushonga caffeine unogona kutapura ndangariro nomuviri. Mamirioni amakapu ekofi netii anonwiwa zuva nezuva, kuchitungamirira Dr. Melvin Konner kuti: “[Caffeine], kutaura idi, ingava mushonga unoshandiswa zvikuru unotapura ndangariro munyika.” Iyo inogona kuwedzera kusvinurira, kukwidza mwero womunhu weadrenaline, uye kukurumidzisa kufamba kweropa nokushandiswa kwezvokudya mumuviri. Kuti iyo mushonga makuri kumene hakusati kuchisimbisa kana muKristu achifanira kudzivisa zvinwiwa zvine caffeine (kofi, tii, zvinwiwa zvecola, maté) kana kuti (zvokudya zvakadai sechokoreti).

Chinodhaka mushongawo unogona kutapura ndangariro nomuviri, bva chii chinotaura Magwaro pamusoro pacho? Bhaibheri rinobvuma kuti waini (kana kuti zvimwe zvinwiwa zvinodhaka) inogona kuita kuti “mwoyo womunhu anofa ufare” kana kuti kuchinja chimiro chendangariro chomweya unotambudzika. (Pisarema 104:15, NW; Zvirevo 31:6, 7) Shoko raMwari harisati, kunyanguvezvo, richiratidzira kuti vanamati vechokwadi vanofanira kudzivisa zvinwiwa zvose zvine chinodhaka. Icho Bhaibheri rinoshurikidza kushandiswa kusina mwero hwechinodhaka—udhakwa.—Dheuteronomio 21:18-21; Zvirevo 20:1; Hosea 4:11; 1 VaKorinte 5:11-13; 1 Petro 4:3.

Zvakadiniko, zvisinei, nezvokutaura kwokuti munhu angava anopindwa muropa necaffeine? Vazhinji vanonwa nguva dzose kofi, tii, kana kuti maté vanokudziridza mwero wakati wokutapurwa, kunyange zvazvo kuchikurukurwa kana ikoku kuri kupindwa muropa kwenzvero yechokwadi. Vanenge vanonzwa zviratidzo zvokurega, zvakadai somusoro unorwadza kana kuti kusvotwa, kana vakanyimwa mwero wavo wenguva dzose wecaffeine. Pano zvakare, yeuka murangariro weBhaibheri wezvinwiwa zvinodhaka. Kunyange zvazvo vanhu vazhinji vakapindwa muropa nechinodhaka, hachirambidzwi kumaKristu kana chikanwiwa nomwero. Jesu akanwa waini; iye akatoita waini nenzira yenenji pamabiko omuchato.—Mateo 26:29; Johane 2:3-11.

Zvisinei, muKristu angarangarira kuti angada zvake kusapinda mungozi yokuva anotsamira pacaffeine. Kana kunyimwa kunwa kwake kwenguva dzose caffeine kuchimuita asingatani kushatirwa (“asingatani kugumbuka”), iye angarangarira kurega caffeine seratidzirwo yo“kuzvidzora.” (VaGaratia 5:22, 23) Sezvo Bhaibheri risingadudzi kurega zvinwiwa zvine caffeine, chisarudzo pamusoro pekofi kana kuti tii chinofanira kuitwa nomunhu oga. Kuva nomwero kwakafanira kana muKristu achinwa chimwe nechimwe.—Enzanisa naTito 2:2.

Kuva nomwero kukuruwo kunhau yengozi dzinobvira dzoutano. Kune ngozi dzakawanda dzinotaurwa dzokunwa nguva dzose mwero mikuru yecaffeine (ingava inobva mukofi, tii, zvinwiwa zvecola, kana kuti zvimwe zvinwiwa kana kuti zvokudya). Bva, nokuda kwefundo imwe neimwe inobatanidza ngozi youtano yakati necaffeine, imwe inoratidzika kuva inonongedzera kuzvakapesana.

Kuva nomufungo kwokuva nomwero kunosimbiswa neizvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pouchi. Ihwo chinhu chomusikirwo, uye chiito chokuhudya sezvokudya zvinonyandura simba ndechomuzvarirwo (mukupesana nokufemera utsi mumapapu). (1 Samueri 14:26, 27; Mateo 3:4) Zvisinei, unogona kurwara nokunyanyohudyisa. Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, kuti urege kumiswa mwoyo nahwo, ukahurutsa.”—Zvirevo 25:16, 27.

Vamwe vanhu havatongogoni kudya uchi hupi nohupi. Zvakafanana, nokuda kwezvikonzero zvoutano vamwe vangafanira kudzivisa chinodhaka, caffeine, zvinogadzirwa nomukaka, kana kuti zvimwe zvokudya nezvinwiwa. Vamwe vangadzivisa zvinhu zvakadaro kupfurikidza nechisarudzo chomunhu oga kana kuti nemhaka yokutapurika kwomunzvimbomo kwakapararira zvikuru, vasingadi kugumbura munhu upi noupi. Ikoku kunotiyeuchidza nezvetsinhiro yomuapostora Pauro inoti: “Kana zvokudya zvichigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama nokusingaperi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.”—1 VaKorinte 8:13.

Somuuyo, mumwe nomumwe ngaite mutsinhirano nechisarudzo chake amene pasina kurangarira kuti chisarudzo chake chinofanira kuiswa pavamwe. Pauro akanyora, achiti: “Unodya ngaarege kuzvidza usingadyi; usingadyi ngaarege kupa mhosva unodya; nokuti Mwari wakamugamuchira. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe munhu mhosva?”—VaRoma 14:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe