Nzwisiso Panhau
“Kuchinja Zvisaririra”
Pasi pomusoro iwoyo, Le Monde yezuva yeFrance yakashuma chinoitika cheimwe nyanzvi yezvisaririra muIndia iyo “kwamakore 20 . . . sezviri pachena yakanyengedza shamwari dzayo pamusoro pamavambo ezvisaririra izvo iyo yakaendesa kwavari nokuda kwenzvero yavo.” Kunotaurwa kuti “kuchinja” kwacho kwakanga kwakaumbwa nokuvatumira zvisaririra zvakawanwa muUnited States, Africa, Czechoslovakia, uye British Isles, ichiti zvakanga zvawanwa muMakomo eHimalaya. Uyu musayendisiti akabudisa zviwanwa zvake munyaya dzinopfuura 300. Nyengedzo yacho yakaziviswa nomusayendisiti weAustralia kupfurikidza namagazini yesayenzi yeBritain Nature. Iye akashamisika ‘kuti kwaigona sei kuti uwandu hukuru hwakadaro hwezviwanwa zvinopanikirika hwakaramba husingadenhwi kwenguva refu yakadaro.’
Chikonzero chimwe chinobvira, mukuwirirana neLe Monde, wakanga uri mutemo wokunyarara unoteererwa nemitezo yakawanda yenzanga yesayenzi. Nyaya yacho yakataura kuti uku “kuchinja” zvisaririra “kwakaita asina maturo anodokuva maidi ose akaunganidzwa [anopfuura makore 20 apfuura] pamabwe eHimalaya.”
Sezvinooneka, ichi chinoitika chitsva chenyengedzo musayenzi hachipanikirisi nyika yose yesayenzi. Zvisinei, chinogovera humwe hufakazi hwokuti zvibvumikiso zvoruzivo rwezvisaririra apo zvinorwisaniswa noururami husingakundikani hwechinyorwa cheBhaibheri kazhinji kazhinji hazvisi chinhu kupfuura izvo muapostora Pauro akadana kuti “pokanidzano dze‘zivo’ isitongori zivo.”—1 Timotio 6:20, The New Jerusalem Bible.
“Akazara Neropa”
MuColombia, South America, shoroma dzemishonga dzine utsinye dzinobvumirana namajaya kuti vabvise vakwikwidzani kana kuti kudyara rutyo pakati pavezvamatongerwe enyika navanhu vose zvavo. Mumwe sicario akadaro, kana kuti muurayi anobhadharwa, akaudza vanyori venhau veTiempo, magazini yenhau yeSpain, kuti ‘kungouraya chete kwakaoma.’ Iye anonyaradza sei hana yake? Iye akatsanangura, kuti: “Ini ndinoziva kuti mumwe wemitemo yaMwari ndowokuti hausati uchifanira kuuraya, asi kwandiri inhau yomumwe munhu anofanira kuuraya kuti ararame. Ndinouraya nenzira yokutungamirirwa nehana yokuti ndinoda mari. Hamuoni here kuti ndiri kushanda nemhaka yokuti ndinofanira kurarama nenzira yakati? . . . Ndisati ndabuda kundouraya mumwe munhu, ndinonyengetera kuna Mwari nokuMhandara kuti vandidzivirire.”
Kunyange zvazvo rudzi urwu rwokupa zvikonzero zvisiri zvechokwadi pasina panikiro rungarambwa chose chose navafundisi veKaturike, vatungamiriri vechechi vakabvumidza rwisano yehondo “sebanza rokupedzisira rokugumisa udzvinyiriri huri pachena nohurefu.” Kana vafundisi vachifuratira masimba masimba nokuda kwokusaruramisira kwezvamatongerwe enyika, kunofanira kushamisa here kuti vaKaturike, kufanana nouyu sicario, vanoruramisira kuuraya nemhaka yokusaruramisira mune zvemari? Kushaisa simba Shoko raMwari kune ngozi sei!
Pausiku apo kusaruramisira kukurusa kwenguva yose kwakanga kwodokuitwa—kunobatanidza kusungwa, kutongwa, uye kuurawa kwaJesu Kristu—Jesu amene akaramba kurangarira masimba masimba orudzi rupi norupi. Iye akaudza Petro, kuti: “Vose vanoshandisa munondo vachaparara nomunondo.” (Mateo 26:52, Revised Standard Version, chinyorwa cheKaturike) Nenzira ine mufungo, avo vanotendeukira kumasimba masimba vangagona sei kukarira Mwari Wamasimba ose kuvateerera mumigariro ipi neipi, sezvo uporofita hwaIsaya huchiti nenzira yakajeka: “Kunyange zvazvo mukaita minyengetero yakawanda, handisati ndichizoteerera; maoko enyu akazara neropa”?—Isaya 1:15, RS, chinyorwa cheKaturike.
“Zvinhu zvaKesari Kuna Kesari”
Kunyange mitero chinetso chinowedzera munyika dzakawanda. MuSpain, somuenzaniso, pepanhau El Diario Vasco rinoshuma kuti vose vari vaviri vatengi navatengesi vane tsika yokuvanza namaune mutemo chaiwoiwo wokutenga nzvimbo. Nepo mutengi nomutengesi vangabvumirana pamutengo mumwe wokutenga chaikoiko, chitsama chakaderera zvikuru chinonyorwa papepa rinoratidza huridzi hwenzvimbo. Apo kuchinja kwacho kunongopedzwa bedzi, mutero unobhadharwa mukuwirirana noukoshi hwakanyorwa hwenzvimbo. El Diario Vasco inoshuma kutaura kwomunhu ane chiremera chokupupurira kusainwa kwamagwaro José María Segura Zurbano kwokuti nepo vanhu vane chiremera chokupupurira kusainwa kwamagwaro vasingatori rutivi zvomenemene munyengedzo, ivo vanoziva kuti ukoshi hwenzvimbo uhwo vanonyora hahusati huri hwechokwadi. Achitaura chinosiiwa chimwe kuuyu muitiro wokusatendeseka, Zurbano akati: “Munyika ino munhu ari wose nomuvakidzani wake anonyepa, vanosiiwa bedzi vachiva Zvapupu zvaJehovha. Apo ivo vanotenga kana kuti kutengesa, ukoshi [hwenzvimbo] uhwo vanozivisa izvokwadi chaiyoiyo.”
Zvapupu zvaJehovha zvinosanozivikanwa nokuda kwouzvokwadi hwazvo nokutendeseka. Izvo zvinoziva kuti Jehovha Mwari anokarira vabatiri vake kuratidzira mavara akadaro mukubata kwavo kwose. Mwari anovenga “rurimi runoreva nhema” uye “chapupu chinonyengera chinoreva nhema.” Panhau yokubhadhara mitero, Jesu Kristu akagadza mupimo wavateveri vake vechokwadi paakati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—Zvirevo 6:6-19; Marko 12:17, NW.