Vakabvumikisa Bhaibheri Kuva Renhema Here?
KO MASAYENDISITI navatsoropodzi veBhaibheri vakabvumikisa chaizvoizvo here kuti Bhaibheri rine mhosho nengano? Usati wabvuma kuti vakadaro, unofanira kuyeuka kuti kunyange zvazvo nyanzvi dzakawanda dzichipa mirangariro yadzo nenzira yakananga neine chiremera, hadzina kururama nguva dzose. Kazhinji kazhinji pfungwa dzadzo dzinotsamira pahwaro husakasimba.
Mirangariro Inopanikirika
Somuenzaniso wokutaura kunonzwika kuva kune chiremera kwakaitwa nomutsoropodzi weBhaibheri, rangarira izvo S. R. Driver akataura pamusoro pebhuku raDhanieri. Mukuwirirana namagamuchidzanwa, iri bhuku rakarangarirwa kuva rakanyorwa naDhanieri amene muBhabhironi muzana ramakore rechitanhatu P.N.V. (Dhanieri 12:8, 9) Asi Driver akataura kuti rakanyorwa gare gare zvikuru kupfuura ipapo. Neiko? “Chitendiso” chimwe chakapiwa chakanga chiri chokuti bhuku racho rine mashoko echiGiriki, uye Driver akati: “Aya mashoko, kungasimbiswa nenzira ine chivimbo, aisagona kuva akashandiswa muBhuku raDhanieri kutoti iro rakanga ranyorwa pashure pokuparadzirwa kwepesvedzero dzechiGiriki muAsia kupfurikidza norukundo rwaAlexander Mukuru.” Alexander akaita rukundo rwake munenge muna 330 P.N.V.
Kutaura kwaDriver kwaisagona kuva kwakananga zvikuru kupfuurako. Bva, kuti akutsigire, iye anongodudza bedzi mashoko matatu echiGiriki, ose mazita ezviridzwa. (Dhanieri 3:5) Sezvo maGiriki aiva neonano yapedyo neAsia yokumadokero kuvambira pakuvamba munhau yakanyorwa, munhu upi noupi anogona sei kutaura zvakasimba kuti zviridzwa zvine mazita echiGiriki zvaisashandiswa muBhabhironi muzana ramakore rechitanhatu P.N.V.? Hwaro husakasimba zvakadini hwokupanikira nahwo nguva nokunyorwa zvebhuku raDhanieri!
Mumwe muenzaniso kubatwa kwamabhuku mashanu okutanga eBhaibheri. Mukuwirirana namagamuchidzanwa, aya anotaurwa kuva akanyorwa zvikurusa naMosesi munenge muna 1500 P.N.V. Zvisinei, vatsoropodzi vanotaura kuti vanoona mitoo yakasiana yokunyora mumabhuku acho. Uyewo, ivo vanotaura kuti Mwari pane dzimwe nguva anonongedzerwa kwaari nezita rake, Jehovha, uye pane dzimwe nguva neshoko rechiHebheru nokuda kwa“Mwari.” Kubva mucherechedzo dzakadaro ivo vanogumisa kuti aya mabhuku eBhaibheri chaizvoizvo mubatanidzwa wezvinyorwa zvakanyorwa panguva dzakasiana ndokuiswa muchimiro chokupedzisira pane imwe nguva pashure pa 537 P.N.V.
Iyi rondedzero inodavirwa zvikuru, bva hakuna munhu akatsanangura chikonzero nei Mosesi aisagona kunongedzera kuMusiki nezvose zviri zviviri saMwari uye saJehovha. Hakuna munhu akabvumikisa kuti iye aisagona kunyora mumitoo yakasiana kana akanga achibata nhau dzakasiana-siana, kunyora panguva dzakasiana muupenyu hwake, kana kuti kushandisa manyuko apakuvamba zvikuru. Uyezve, sezvo John Romer akataura mubhuku rake Testament—The Bible and History, kuti: “Chirambidzo chikuru kuuyu mutoo wose wokukamuranisa ndechokuti kusvikira kuzuva rino hakuna chidimbu chimwe zvacho chorugwaro rwakare chakawanwa chokubvumikisa kuvapo kwezvinhu zverondedzero zvamagwaro akasiana-siana anodiwa kwazvo nounyanzvi hwazvino uno.”
Murangariro mukuru wavatsoropodzi vazhinji veBhaibheri unotsanangurwa neCyclopedia yaMcClintock naStrong: “Vaongorori . . . vanotangira pamurangariro wokuti maidi enhau ari seri kwenhauro maidi omuzvarirwo chose chose, akafanana murudzi namamwe maidi anozivikanwa kwatiri. . . . Ko munyori anotaura seidi chinoitika chiri kunze kwemitemo inozivikanwa yeChisiko here? Ipapo . . . chinoitika chinofungidzirwa [hachina] kuitika.”
Nokudaro, vazhinji vanorangarira kuti manenji aisagona kuva akaitika, sezvo iwo ari kunze kwemitemo inozivikanwa yechisiko. Nenzira yakafanana, mauporofita anosvika kure anofanira kuva asingabviri, sezvo vanhu vasingagoni kuona kure munguva yemberi. Nenji ripi neripi rinofanira kuva ngano kana kuti rungano. Uporofita hupi nohupi hwakazadzikwa nenzira yakajeka hunofanira kuva hwakanyorwa pashure pezadziko yahwo.a Nokudaro, vamwe vanotaura kuti mauporofita ebhuku raDhanieri akazadzikwa pakasvika zana ramakore rechipiri P.N.V. uye kuti bhuku racho naizvozvo rinofanira kuva rakanyorwa panguva iyeyo.
Asi rudzi irworwu rwokurangarira runotsamira panyaya yokutenda: kuti Mwari haapo, kana kuti kana iye aripo, haasati achitongopindira munhau yavanhu. Zvirokwazvo, pfundo rose reBhaibheri nderokuti Mwari aripo uye anoshingaira munhau yavanhu. Kana ikoku kuri kwechokwadi—uye hufakazi hunoratidza kuti ndokwechokwadi—hwakawanda hwehwaro hwokutsoropodza Bhaibheri kwazvino uno kunoitwa kuti kusashande.
Ko Sayenzi Yazvino Uno Yakaratidza Bhaibheri Kuva Risina Kururama Here?
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezvokutaura kwokuti sayenzi yakaratidza kuti hatigoni kudavira Bhaibheri? Zvokwadi ndeiyi, apo Bhaibheri rinobata pane yatinodana kuti sayenzi, nguva zhinjisa charinotaura hachisati chiri chisiri mutsinhirano neizvo masayendisiti azvino uno anodzidzisa.
Somuenzaniso, Bhaibheri rinopa mirairo inoshanda zvikuru ine chokuita noutsanana nehosha dzinopomeranwa. Bhuku rinonzi Manual of Tropical Medicine rinotsinhira, richiti: “Hakuna munhu anogona kukundikana kuororwa nenyevero dzokungwarira dzoutsanana dzenhambo yaMosesi. . . . Ichokwadi kuti kurongwa kwehosha kwakanga kwakapfava zvikuru—[ndiko kuti] kuva nezvirwere zvakakomba, zvinonzi ‘denda’; uye zvirwere zvenguva refu, zvine rudzi rwakati rwokufunuka, zvinonzi ‘maperembudzi’—asi mitemo yorumano zvikuru kwazvo yokuparadzanisa sezvingabvira zvikuru yakaita zvakanaka zvakawanda.”
Rangarirawo kutaura kweBhaibheri, kunoti: “Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.” (Muparidzi 1:7) Ikoku kunonzwika sokurondedzerwa kwedenderedzwa remvura kunowanwa mumabhuku anofundwa nhasi. Nzizi dzinoendesa mvura mugungwa, umo iyo inopwa uye inotakurwa muchimiro chamakore ichidzokera panyika, kuzodonha semvura kana kuti sinou ndokumhanya ichidzokera munzizi.
Nenzira yakafanana, mhedziso dzamasayendisiti dzokuti makomo anokwira ndokuwa uye dzokuti pane imwe nguva makomo anhasi akanga ari pasi pamagungwa akare inotsinhirana namashoko edetembedzo owezvamapisarema, anoti: “Mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo, makomo akakwira, mipata yakaderera; ikaenda kunzvimbo kwamakaigadzirira.”—Pisarema 104:6, 8.
Mumwe munyori akati: “Vanyori vose veTestamende Yekare vairangarira Pasi sendiro yakati sandara, uye ivo pane dzimwe nguva vainongedzera kushongwe dzaifungidzirwa kuritsigira.” Kunyanguvezvo, ikoku hakusati kuri kwechokwadi. Isaya akataura nezve“Uyo agere pamusoro pedenderedzwa rapasi.” (Isaya 40:22, NW) Uye Jobho akati nezvaIyeyu: “Unotatamura rutivi rwokumusoro pasine chiro, unoturikira nyika pasine chinhu.” (Jobho 26:7) Kurondedzerwa kwapasi sechinhu chakaurungana chakaturikwa muchadenga chisina tsigiro inooneka kunonzwika kuva kwazvino uno nenzira inoshamisa.
Mhindumupindu
Zvakadiniko nezvepokanidzano iri pakati peBhaibheri nerondedzero yemhindumupindu?b Encyclopædia Britannica inoshuma, kuti: “Rondedzero yemhindumupindu inogamuchirwa navoruzhinji zvikuru venzanga yesayenzi.” Asi Bhaibheri rinodzidzisa, mumutauro wakapfava zvakakwana kunzwisiswa muzera rapamberi pesayenzi, kuti upenyu muuyo wokusika kwakananga kwakaitwa naMwari uye kuti marudzi makuru akasiana-siana oupenyu haana kushanduka-shanduka asi akasikwa.—Genesi 1:1; 2:7.
Vezvemhindumupindu havasi vasina kufanana navatsoropodzi veBhaibheri. Ivo vane pwiso dzakasimba uye vanotaura ivo vamene nenzira ine chiremera. Asi vashomanene vakatendeseka zvakakwana kubvuma kuti rondedzero yemhindumupindu ine utera. Mumwe anoonesa kuti: “Muenzaniso waDarwin wemhindumupindu . . . , uchiva zvikuru kurondedzerwa kwokuitazve kwenhau, . . . haubviri kusimbisa nokuedza kana kuti necherechedzo yakananga sekwenguva dzose musayenzi . . . Uyezve, rondedzero yemhindumupindu inobata nenhevedzano yezvinoitika zvechienzi, mavambo oupenyu, mavambo oungwaru uye zvichingodaro. Zvinoitika zvechienzi hazvidzokoreki uye hazvigoni kuiswa kurudzi rupi norupi rwenzvero yokuedza.” (Evolution: A Theory in Crisis, rakanyorwa naMichael Denton) Mumwe anotaura nezve“idi remhindumupindu.” Kunyanguvezvo, iye anoonesa chitambudzo chikuru mukubvumikisa iri “idi”: “Apo unotsvaka zvikochekedzo pakati pamapoka makuru emhuka, iwo haasati achingovapo zvawo.”—The Neck of the Giraffe, rakanyorwa naFrancis Hitching.
Vanogona Kuziva Zvakawanda Sei?
Hwakawanda hwoufakazi hwemhindumupindu hunopiwa navoruzivo rwamatombo uye voruzivo rwezvisaririra zvekare—masayendisiti anofunda nguva yakare yakapfuura yapasi. Zvinetso zvinotarisanwa nazvo naaya masayendisiti hazvisi zvisina kufanana nechinetso chinotarisana nacho navoruzivo rwemitumbi yomudenga. Nebetsero yamarudzi akasiana-siana amaturusi, voruzivo rwemitumbi yomudenga vanotarira mwaranzi inobva kure zvikuru kunyeredzi, nyika dzomudenga, makwara enzou, uye mitumbi inoshamisa yakadai samaquasar. Vachishandisa zvikurusa mashoko anowanika, ivo vanoita rondedzero pamusoro pezvinhu zvikuru zvakadai sorudzi rwenyeredzi namavambo echisiko chapose pose. Ivo havawanzova nebanza rokunzvera rondedzero dzavo asi apo vanodaro, uye kazhinji kazhinji ivo vanodziwana dzisina kukwana kana kuti dzisina kururama zvakajeka.
Muzivi wemitumbi yomudenga yenhepfenyuro Gerrit Verschuur akanyora, achiti: “Kuongorora nyika dzomudenga kweU.S. kwemisi ichangobva kupfuura iyi kwakazivisa ushoma hunokatyamadza hwezivo chaiyoiyo pamusoro pezviri mukati mechisiko chapose pose. Kumusoro pedyo, Mars akava akasiana zvikuru nechinhu chipi nechipi chataigona kuva takafananidza tiri pasi. . . . Hakuna woruzivo rwemitumbi yomudenga akakarira kuti nharaunda dzaJupiter dzaizova nomugadzirirwo unoshamisa chose wakadaro . . . Saturn akagovera zvishamiso zvikurusa apo makamera aVoyager akazivisa mhete dzakarukwa, mwedzi inopindirana uye mhete duku dzinopfuura 1 000. . . . Chiri chechokwadi nezvechadenga chinoratidzika kuva chechokwadi nezvezvinhu zvomuenzaniso zvomurabhoratori zvakapikichwa mukukudza kunowedzera nguva dzose. Kuongorora zvikuru kumwe nokumwe kunozivisa mashoko asingakarirwi chose chose ayo anotikatyamadza uye anochinja zvitendero zvedu zvakare.”
Voruzivo rwamabwe, voruzivo rwezvisaririra zvakare, uye vamwe vanogovera chakawanda che“chitendiso” chemhindumupindu, kufanana navoruzivo rwemitumbi yomudenga, vanoitira hanya zvinoitika nezvinhu zviri kure zvikuru—kwete mudaro asi mumakore. Sezvo voruzivo rwemitumbi mudenga vachivimba nokuda kwamashoko avo nechiedza chisina kujeka chinobva kumadaro asingafungidziriki, aya mamwe masayendisiti anomanikidzirwa kuvimba nezvisaririra zvakapukunyuka netsaona zvichibva munguva yakare iri kure yenyika yedu. Nenzira isingadzivisiki, kufanana navoruzivo rwemitumbi yomudenga, aya mamwe masayendisitiwo anofanira kuva asina kururama mudzakawanda dzemhedziso dzavo.
Unogona Kudavira Bhaibheri Here?
Nokudaro, vanhu vanofunga havadikanirwi kutyiswa nemirangariro youngwaru kusvikira pamuuyo wokuti haugoni kudavira Bhaibheri. Zvisinei, ikoku makuri kumene hakusati kuchibvumikisa kuti iwe unogona kuridavira. Nokuda kwaikoko, unofanira kuita izvo vazhinji vavatsoropodzi veBhaibheri vasina kuita—kuzvizarurira umene Bhaibheri, uye kurirava nendangariro yakazaruka. (Mabasa 17:11) Makore akati apfuura, munyori wamanyoro weAustralia, uyo aisiva mutsoropodzi weBhaibheri, akabvuma, achiti: “Kwenguva yokutanga muupenyu hwangu ndakaita riri kazhinji kazhinji basa rokutanga romushumi: ndakanzvera maidi angu. . . . Uye ndakakatyamadzwa, nemhaka yokuti izvo ndakanga ndichirava [munhauro dzeEvhangeri] yakanga isiri ngano uye rwakanga rwusiri rungano rwenhau yechisiko. Kwakanga kuri kushuma. Nhauro dzokutanga nedzechipiri dzezvinoitika zvinoshamisa. . . . Kushuma kuno mufungo, uye mufungo iwoyo uri muEvhangeri.”
Tinokukurudzira kutevera muenzaniso wake. Zviravire umene Bhaibheri. Apo unorangarira uchenjeri hukuru hweBhaibheri, nzira iyo mauporofita aro anozadzikwa nayo, uye chinzwano charo chinoshamisa, uchaziva kuti inopfuura kungova muunganidzwa chete wengano dzisiri dzesayenzi. (Joshua 23:14) Apo unozvionera umene nzira iyo uchenjeri hweBhaibheri hunogona kuchinja nayo upenyu hwako nokuda kwezviri nani, hausati uchizotongova nepanikiro yokuti Bhaibheri iShoko raMwari. (2 Timotio 3:16, 17) Hungu, unogona kudavira Bhaibheri!—Johane 17:17.
[Mashoko Omuzasi]
a Vadzidzi vazhinji veBhaibheri vanoziva kuti iyi rondedzero yakaipa, sezvo Magwaro echiGiriki, akanyorwa muzana ramakore rokutanga N.V., achinyora zadziko yamauporofita akawanda aMagwaro echiHebheru, ayo sezvinobvumikiswa akanyorwa mazana amakore apamberi. Somuenzaniso, zadziko yomuzana ramakore rokutanga youdzame hwose hwaDhanieri 9:24-27 hwakanyorwa muMagwaro echiGiriki kana kuti zvimwe navezvenhau venyika.
b Nokuda kwekurukurirano yakazara yemhindumupindu ichirwisana nechisiko, ona bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? rakabudiswa muna 1985 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kwakaomera voruzivo rwezvisaririra zvekare kunzwisisa chakaitika munguva yekare iri kure sezvakwakaitira voruzivo rwemitumbi yomudenga kunzwisisa rudzi rwezvinhu zviripo munharaunda dziri kure dzechadenga