Rucheno Rwetsika Ndirwo Runako Rwepwere
“Fara hako, iwe jaya, pa[upwere hwako, “NW”], . . . famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.”—MUPARIDZI 11:9.
1, 2. (a) Jehovha anodei nokuda kwepwere? (b) Neiko huri upenzi kutsvaka chipi kana chipi chinofadza kumwoyo wako nameso?
“UPWERE, mbavarira, uye unyoro zvakafanana namazuva echirimo. Panzvimbo pokunyunyuta . . . nezvenguva yavo pfupi, vanoedza kuzvifarikanya.” Akanyora kudaro mudetembedzi weGermany wezana ramakore rechi 19. Mashoko iwayo ezano kwamuri vaduku anodzokorora ayo akanyorwa zviuru zvamakore pamberi pezvi mubhuku reBhaibheri raMuparidzi: “Fara hako, iwe jaya, [paupwere hwako, NW], mwoyo wako ngaukufadze namazuva oujaya hwako [kana kuti, umhandara]; famba nenzira dzomwoyo wako, napakuona kwameso ako.” (Muparidzi 11:9a) Naizvozvo Jehovha Mwari haasati zvake achiva nomurangariro wakaipa wechinofadza kuzvishuvo zvoupwere. Iye anoda kuti mufarikanye zvakazara simba noumhare zvoupwere hwenyu.—Zvirevo 20:29.
2 Ikoku kunoreva here, kunyanguvezvo, kuti iwe unogona kutsvaka chipi kana chipi chinofadza kumwoyo wako nameso? Nyangwe! (Numeri 15:39; 1 Johane 2:16) Rugwaro runopfuurira kuti: “Asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose [zvinotsvakwa zvaunosarudza kugutsa zvishuvo zvako].” (Muparidzi 11:9b) Hungu, iwe haugoni kunzvenga miuyo yezviito zvako; vaduku, kufanana navakuru, vanotongwa naJehovha.—VaRoma 14:12.
3, 4. (a) Kuchengeterei mupimo wakakwirira worucheno rwetsika? (b) Idzvinyiriroi iripo pauri yokurashikirwa nechimiro chako chakachena naMwari, uye mibvunzoi inomutswa?
3 Kugamuchira rutongeso rwakanaka rwaJehovha kunotungamirira kwete bedzi kuupenyu husingaperi asi kuushamwari hwapedyo naMwari zvino. Iwe unofanira, zvisinei, kuchengeta mupimo wakakwirira worucheno rwetsika. Pisarema 24, ndima 3 kusvikira ku 5, rinokutaura neiyi nzira: “Ndiani ungakwira mugomo raJehovha? Ndiani ungamira panzvimbo yake tsvene? Uyo una maoko akachena, nomwoyo wakanaka kwazvo; usingasimudziri mwoyo wake kune zvisina maturo, nousina kupika nhema. Iye uchapiwa mukomborero naJehovha, nokururamiswa naMwari muponesi wake.” Hungu, iwe wakaisvonaka mumeso aJehovha apo unochengeta rucheno rwetsika.
4 Bva, kune dzvinyiriro yenguva dzose pauri yokurasikirwa nechimiro chako chakachena naMwari. Sezvo aya mazuva okupedzisira anoenda kumugumo kwawo, kune wedzero huru yomufambiro woutere nepesvedzero dzisina kuchena. (2 Timotio 3:1-5) Denho yokuchengeta rucheno rwetsika haina kutongova huru zvakadai nokuda kwepwere. Ko iwe uri kunangana nenzira inobudirira nedenho yacho here? Ko iwe uchapfuurira kuita saizvozvo here?
Denho Yaunotarisana Nayo
5. Ipesvedzeroi dzisina kuchena dzinoita kuti kuve kwakaoma kuchengeta chimiro chakachena pamberi paMwari?
5 Zvinobudisa mashoko zvevaraidzo zvinodenha pwere nezvinhu izvo zvinosaidzira parutivi chiri chakanaka ndokurumbidza chiri choutere zvikuru kwazvo. Somuenzaniso, pakubudiswa kweimwe munhevedzano yamafirimu amasimba masimba anotyisa, mumwe mutsoropodzi webhaisikopo akanyora, kuti: “Kukavaniswa kwevatano inokatyamadza, kuponda kunokatyamadza, uye zvakashata zvinokatyamadza mumwero mikuru ndiwo muitiro weiyi pikicha. Kana iyo ine vapindi vazhinjisa, ichayeuchidza imwe derero hombe muushati . . . hwomupimo mumabhaisikopo.” Dzinowedzerwa kumabhaisikopo akadaro ndidzo nziyo dzine mashoko akajeka mune zvevatano namapurogiramu eterevhizheni anorumbidza vatano isiri yapamutemo. Ko iwe unogona here kuzviratidzira umene kukuratidzirwa kwakajeka kwakadaro kwo“mwero wakaderera woutere” ndokuchengeta chimiro chako chakachena pamberi paMwari? (1 Petro 4:4, NW) Chirevo chinoti: “Ko munhu ungaisa mwoto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here?”—Zvirevo 6:27.
6. Idzvinyiriroi inotarisana nepwere ichibva kuvaenzani vadzo?
6 Dzvinyiriro pamuri yokurasikirwa nechimiro chenyu chakachena naMwari inobvawo mumamwe manyuko—vaenzani venyu. Mumwe musikana wenyika ane makore 17 okukura akahuhura, achiti: “Ndakavatwa kwenguva yokutanga nokuda kwezvikonzero zvakaipa: nemhaka yokuti mukomana wangu akaomerera uye nemhaka yokuti ndakafunga kuti munhu ari wose akanga achikuita.” Hakuna munhu anoda kusekwa. Muzvarirwo kuda kuva anodiwa navamwe. Asi apo unotsigira tsika dzeBhaibheri, dzimwe pwere dzingakunyomba. Chishuvo chokukodzera, kuwana kugamuchirwa navaenzani vako, chinogona kukudzvinyirira kuita chimwe chinhu chaunoziva kuti chakaipa.—Zvirevo 13:20.
7. Neiko kurwisa pesvedzero dzisina kuchena kwakaomera pwere zvikuru, asi chii icho zviuru zvavanhu vaduku vari musangano raJehovha vakazviratidza vamene kuva?
7 Kurwisa idzi pesvedzero kwakaoma zvikuru mukati mo“kukura zvakakwana kwepwere,” apo sundo dzevatano dzinenge dzakasimba. (1 VaKorinte 7:36, NW) Hakushamisi kuti rimwe sangano rinonzvera rakagumisa, kuti: “Ndiye munhu muduku wechienzi asina kuva nevatano yapamberi peroorano pakusvika zera ramakore 19.” Bva, zviuru zvenyu vanhu vaduku muri musangano raJehovha makazviratidza mumene kuva vechienzi. Imi muri kutarisana nedenho yacho zvakananga uye muri kuchengeta rucheno rwetsika.
8. Neiko dzimwe pwere dzechiKristu dzakabvumira zvimiro zvoutere zvenyika kuva padziri, uye nomuuyoi?
8 Kunosuruvarisa kutaura, kunyanguvezvo, chiverengero chakati chepwere dzechiKristu chakabvumira zvimiro zvoutere zvenyika kuva pavari. Nepo vangataura kuti vanoda chiri chakanaka, ivo havavengi chiri chakashata; toti zvedu, ivo havachivengi zvakakwana. (Pisarema 97:10) Muzvimwe zvinoitika, ivo vanotoratidzika kuva vanochida. Pisarema 52:3 rinoti: “Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka; nokureva nhema kupfuura kutaura zvakarurama.” Vamwe vanotosvika pakuramba chose nhungamiro inobva kusangano raJehovha pazvinhu zvakadai sokuronga misi yokuvhakacha, varaidzo, uye tsika dzakanaka. Somuuyo, ivo kazhinji kazhinji vanounza manyadzi pavose vari vaviri ivo vamene navabereki vavo. Ivo vanorasikirwawo norunako rwavo mumeso aMwari.—2 Petro 2:21, 22.
Betsero Mukusangana Nedenho
9. Chii chinodikanwa kusangana nedenho yokuramba wakachena mutsika?
9 Imi munogona sei kusangana nedenho yokuramba makachena mutsika? Wezvamapisarema akabvunza mubvunzo mumwe chetewo: “Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko?” Iye ipapo akapa mhinduro: “Kana richiichenjerera sezvinoraira shoko renyu.” (Pisarema 119:9) Hungu, imi munoda nhungamiro inobva muShoko raMwari. Uye Baba vedu vokudenga vane rudo vakava nechokwadi chokuti sangano ravo rinogovera nhungamiro yakadaro yokukubetserai kudzivisa dzvinyiriro dzisina kuchena dzenyika ino.
10, 11. (a) Zvinyorwai zvakagadzirirwa kubetsera vanhu vaduku kuramba vakachena mutsika? (b) Dzimwe pwere dzakabetserwa sei nenhevedzano inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ”? (c) Iwe pachako wakabetserwa sei nenhevedzano inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ”?
10 Mumakore apfuura chiverengero chakati chezvinyorwa chakagadzirirwa zvikurukuru kuchirangarirwa vanhu vaduku, zvakadai sebhuku rinonzi Upwere Hwako—Kuwana Zvakanakisisa Mahuri. Chifo cha 1982, nhevedzano ye“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” mumagazini aMukai! yakapa zano guru rinobetsera panhau dzakadai samanyoro nemifananidzo zvoutere, manovhero enyengano, uye mufambiro wakafanira mukati menyengano. Ko mashoko akadaro akabetsera vanhu vaduku chaizvoizvo here? Rangarira muenzaniso. Nyaya dzinoverengeka dzomunhevedzano dzacho dzakakurukura muitiro webonhora, dzichiratidza kuti tsika yacho inonyandura “chishuvo chevatano” uye inogona kusatana kuparira munhu kuwira muutere hwevatano.a (VaKorose 3:5, NW) Zvikarakadzo zvinoshanda zvakapiwa pamusoro pokurwisa tsika yacho uye nzira yokubata nayo nokudzokerazve kutsika yacho. Mumhinduro kunyaya dzacho, dzimwe pwere dzakanyora, kuti: “Ndakava nechinetso chebonhora chibviro chaapo ndaiva namakore 12 okukura. Zvino ndine makore 18, uye ndiri kuvandudzika zvishoma nezvishoma, ndinoonga nyaya dzenyu.” “Zvino zvandakashandisa zano nyaya dzacho dzakapa, ndinozviwana ndimene ndiri mumugariro uri nani zvikuru wendangariro. Ndinonzwa ndakachena zvikuru kupfuura kare.”
11 Kunotora nguva kurava ndokufunda mashoko akadaro, asi kuita saizvozvo kunogona kukubetsera kuramba wakachena mutsika. Ko iwe uri kushandisa zvakazara mashoko anobudiswa akadaro here? Mumhinduro kunyaya ye“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” inoti “Vatano Pamberi Peroorano—Yokona Nei?”b mumwe musikana muduku, mudzidzi weBhaibheri panguva yacho, akanyora, kuti: “Ndinoziva mirangariro yakashata, yokuva nemhaka, uye yegodo inomuka pashure pevatano yapamberi peroorano, uye ndinoidemba zvikuru kwazvo. Zuva riri rose ndinoonga Jehovha nokuda kwokugamuchira kwake nekanganwiro yake. Nyaya yenyu, ndinokarira, ichabetsera vamwe vasati vaita sezvandakaita. Kunorwadza chaizvoizvo. Zvino ndinonzwisisa chikonzero nei Jehovha Mwari achida kuti isu ‘tirege ufeve.’”—1 VaTesaronika 4:3.
12. Chii chichatisunda kuda kufadza Jehovha?
12 Ikoku kunotisvitsa kuchimwe chinhuwo zvacho chichakubetserai kusangana nedenho yacho nenzira inobudirira: Imi munofanira kunzwisisa kuti Jehovha ndiye Changamire Mukurusa uye anofanira kuteererwa. (Zvakazarurwa 4:11) Panguva imwe cheteyo, kunyanguvezvo, iye ndiBaba vokudenga vane rudo, uye iye ane fariro yedu yakanakisisa pamwoyo. (Zvirevo 2:20-22; Isaya 48:17) Mitemo yake inorongedzerwa kutidzivirira, kwete kutidzivirira zvisiri madikanwa. Kuiteerera nokudaro inzira youchenjeri. (Dheuteronomio 4:5, 6) Kunzwisisa zvakajeka chikonzero nei Jehovha achiomerera parucheno rwetsika kuchakubetserai kuona runako chairwoirwo makuri uye kuchakusundai kuda kumufadza.—Pisarema 112:1.
13. Ungatsanangura sei kuti mutemo waJehovha unorambidza ufeve une fariro dzedu dzakanakisisa pamwoyo?
13 Rangarira idi rokuti Mwari anoganhurira vatano kuroorano uye anorambidza ufeve chaizvoizvo. (VaHebheru 13:4) Ko kuteerera uyu mutemo kunokunyima chakanaka chipi nechipi here? Ko Baba vokudenga vane rudo vaizoita mutemo wokukubira farikanyo muupenyu here? Kana! Tarira chiri kuitika muupenyu hwavaenzani vako vanofuratira mutemo wetsika waMwari. Mimba dzisingadikanwi dzinowanzovatungamirira kukubvisa mimba kana kuti, zvichida, roorano dzokukurumidza. Muzvinoitika zvakawanda kunoreva kufanira kurera mwana asina baba. Kupfuurazve, pwere dzinoshandisa ufeve dziri ‘kutadzira miviri yadzo dzimene’ uye dzinozviratidzira dzimene kuhosha dzinopfuudzwa muvatano. (1 VaKorinte 6:18) Uye apo pwere yakazvitsaurira kuna Jehovha inoita ufeve, miuyo yakaipa pandangariro inogona kuva inoparadza. Kuedza kudzvinyirira kunetsa kwehana ine mhaka kunogona kuparira kuneta nousiku hwokusarara. (Pisarema 32:3, 4; 51:3) Hakusati kuri pachena here, ipapoka, kuti mutemo waJehovha unorambidza ufeve wakarongedzerwa kukudzivirira? Kune betsero chaiyoiyo iri mukuchengeta rucheno rwetsika!
14. Pamusoro pokutaura kuti roorano yavechiduku idziviriro, tsanangura kurangarira kwatinofanira kuita mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinte 7:9 uye 7:36.
14 Sezvinobvumwa, hakusi nyore kunamatira kumipimo yorumano yaMwari pamusoro petsika. Nemhaka yaikoku, dzimwe pwere dzakagumisa kuti dziviriro yakanakisisa kuroora dzichiri dzechiduku. ‘Pashure pokurangarira zvose,’ ivo vanorangarira kudaro, ‘1 VaKorinte 7:9 haiti here: “Asi kana vasingagoni kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuti vawane pakutsva”?’ Murangariro wakadaro, kunyanguvezvo, wakaganhurirwa. Mashoko aPauro haataurwi kuvechiduku asi kuavo “vapfuura pwere yakura zvakakwana.” (1 VaKorinte 7:36, NW) Muzvinoitika zvizhinjisa avo vachiri mukukura kwakakwana kwepwere havasati vakura zvakakwana mundangariro nomumudzimu kuti vagamuchire dzvinyiriro nemitoro zvinouya neroorano. Journal of Marriage and the Family inoshuma, kuti: “Vanhu vanokurumidza kuroora vanotambura gutsikano yeroorano yakaderera nemhaka yokuti vanoshaiwa gadziriro yokuita basa reroorano. Kuita basa kwakashata kunoderedza gutsikano, ukowo kunotungamirira kukusagadzikana kweroorano.” Naizvozvo mhinduro ndeiyi, kwete kuroora uchiri muduku, asi kuchengeta kusaroora kwakachena kutozosvikira wakudziridza mavara ose anodikanwa kuita kuti roorano ibudirire.
Zvichengete Umene Wakachena!
15. Mipimoi yakasimba inodikanwa kana uchizoramba wakachena mutsika?
15 Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Naizvozvo, urayai mitezo yomuviri wenyu iri papasi kana tichireva nezvoufeve, kusachena, ruchiva rwevatano.” (VaKorose 3:5, NW) Hungu, mipimo yakasimba inodikanwa; unofanira kuva akatsunga kuramba wakachena mutsika. Ichitsinhira pachiito chinoshandurwa kuti “urayai,” The Expositor’s Bible Commentary inoti: “Icho chinokarakadza kuti hatisati tichingofanira zvedu kudzvinyirira kana kuti kudzora zviito zvakaipa nezvimiro. Tinofanira kuzvibvisa, kuparadza chose chose nzira yekare youpenyu. ‘Kuuraya chose chose’ kungaratidzira simba rako. . . . Zvose zviri zviviri revo yechiito nesimba rechiito zvinokarakadza chiito chine simba, chinorwadza chechisarudzo chomunhu oga.”—Enzanisa naMateo 5:27-30.
16. Kuramba wakachena mutsika, neiko uchifanira kushanda zvakaoma kuramba wakachena mundangariro, uye unogona sei kubudirira mukuita saizvozvo?
16 Kunyanguvezvo, unogona sei “kuuraya chose chose” kana kuti ‘kuparadzanya’ zviito nezvimiro zvisina kuchena mutsika? Jesu akasvika kumavambo echinetso chacho paakati: “Nokuti mukati, mumwoyo yavanhu munobuda mifungo yakaipa, noupombwe, . . . noufeve, noruchiva.” (Marko 7:21, 22) Mwoyo wokufananidzira unobatanidza mano okufunga, chiri chikonzero nei uchibatanidzwa ne“mifungo.” Kuti urambe wakachena mutsika, ipapoka, unofanira kuvavarira kuramba wakachena mundangariro. Seiko? Sezvo ndangariro ichidyiswa kupfurikidza nepfungwa, unofanira kudzivisa chaunotarira nameso ako, kudzivisa mabhuku, purogiramu dzeTV, kana kuti mabhaisikopo izvo zvinoratidzira kana kuti kufuratira utere hwevatano. Uyewo, unofanira kuva anongwarira pamusoro pechaunoteerera nenzeve dzako, uchidzivisa nziyo dzine mashoko akajeka muvatano. Kunoraira ushingi kuita chimiro chakadaro, zvikurukuru mukutarisana navaenzani vako, asi kuita saizvozvo kuchakubetsera kuramba wakachena mutsika nokuchengeta kuzviremekedza.
17. Neiko kusachena mutsika kusingambofaniri kududzwa pakati penyu?
17 Muapostora Pauro akapawo zano, achiti: “Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene.” (VaEfeso 5:3; onawo VaEf. 5 ndima 12.) Naizvozvo kusachena kwetsika hakusati kuchifanira kumbodudzwa, ndiko kuti, kufungisiswa kana kuti kushandiswa senhau nokuda kwokusetsa. Zvokona neiko? Mudzidzi weBhaibheri William Barclay akati: “Kutaura pamusoro pechinhu, kuseka pamusoro pechinhu, kuchiita nhau yenguva dzose yekurukurirano kuchipinza mundangariro, uye kuunza pedyo zvikuru kuitwa chaikoiko kwacho.” (Jakobho 1:14, 15) Kunoda kutsunga chaikoiko ku‘isa tomu sechinochengeta muromo wako,’ zvikurukuru apo dzimwe pwere dzinenge dzichitaura majee akaipa kana kuti kushandisa mutauro wakaipa kurondedzera zviito zvevatano. (Pisarema 39:1) Asi kupfurikidza nokuramba wakarurama uye wakachena, uchafadza mwoyo waJehovha.—Pisarema 11:7; Zvirevo 27:11.
18. (a) Kuwina kurwisa kusachena kwetsika, neiko kusina kukwana kuramba mifungo isina kuchena nomutauro? (b) Ungabetserwa sei nezano raPauro kuVaFiripi?
18 Kuwina kurwisana nokusachena kwetsika, hakuna kukwana kuramba mifungo isina kuchena nokutaura. Chirevo chechiChina chinoti: “Ndangariro isina chinhu yakazaruka kuzvikarakadzo zvose.” (Enzanisa naMateo 12:43-45.) Pauro akaziva kudikanwa kwokuzadza ndangariro nemifungo yakanaka, yakachena. Nokudaro, iye akakurudzira vaFiripi, kuti: “Zvose zvazvokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungisisai izvozvo [‘zviitei nhau yerangariro yokungwarira’c].”—VaFiripi 4:8.
19. Kuitirei fundo yokushingaira yeShoko raMwari, uye ikoku kuchakubetsera kuramba wakachena mutsika munzirai?
19 Ikoku kunoreva kuita fundo yokushingaira yeShoko raMwari. (Joshua 1:8; Pisarema 1:2) Kuchasimbisa ndangariro yako nomwoyo uye kuchakubetsera kukudziridza ukama hwomunhu woga hwapedyo naJehovha. Iwe nokudaro uchakwanisa zviri nani zvikuru kudzivisa miedzo yokupinda mumufambiro usina kuchena mutsika. Iwe hausati uchizombopinza mungozi yokuunza ruzvidzo pazita raJehovha namanyadzi kumhuri yako neungano. Panzvimbo pezvo, uchashandisa simba noumhare zvoupwere hwako nenzira yakadaro zvokuti gare gare hausati uchizova nokuzvidemba. Hungu, uchatevera nzira yorucheno rwetsika, zvirokwazvo runako rwepwere dzinowanwa dzichibatira Jehovha!—Zvirevo 3:1-4.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona zvinyorwa zvaMukai! zvechiNgezi zvaSeptember 8, 1987, mapeji 19-21; November 8, 1987, mapeji 18-20; uye March 8, 1988, mapeji 20-3.
b Mukai! wechiNgezi waDecember 8, 1985, mapeji 10-12.
c The Expositor’s Greek Testament.
Pwere—Mungapindura Sei?
◻ Munofanirireiko kuchengeta mupimo wakakwirira worucheno rwetsika?
◻ Idzvinyiriroi dzinoita kuti kuchengeta chimiro chakachena naMwari kuve kunodenha?
◻ Chiiko chinogona kukubetserai kusangana nedenho yokuramba makachena mutsika?
◻ Mipimoi yakasimba inodikanwa kana uchizozvichengeta umene wakachena?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Vazhinjisa vaavo vachiri mukukura kwakakwana kwepwere vachiri vaduku zvikuru zvokusagona kutarisira mitoro youbereki