RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 11/1 p. 15
  • ‘Taura Shoko raMwari Noushingi’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Taura Shoko raMwari Noushingi’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • ‘Taura Shoko raMwari Noushingi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ramba Uchitaura Shoko raMwari Noushingi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Usatye Munhu
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 11/1 p. 15

‘Taura Shoko raMwari Noushingi’

JEHOVHA Mwari anogona kusimbaradza vabatiri vake kuti ‘vataure Shoko raMwari noushingi.’ (Mabasa 4:31) Kunyange avo vari vaduku munzira dzezvokwadi yeBhaibheri navasina ruzivo rwokuzviwanira mumubato wokuparidzira evhangeri havafaniri kuzengurira kutaura mashoko akanaka noushingi. MuCôte d’Ivoire, vaparidzi vaviri vamashoko akanaka vakanga vakabatikana muushumiri hwapasuo nesuo apo vakasangana napurofesa wokuyunivhesiti. Chapupu chiduku, Seriki, chichinzwa chisina kukwaniriswa kutaura kumurume akadzidza akadaro, chakarega chimwe chapupu chichitaura.

Purofesa akanetswa nokufungira mano akaipa kworudzi ndokushora Mwari nokuda kwezvinetso zvamarudzi zviripo, achirangarira kuti ndiye akasika marudzi akasiana-siana. Pashure pekurukurirano refu iyo yakaratidzika kuva isina kwayakaenda, Seriki pakupedzisira akawana ushingi hwokutaura, uye iye akadzongonyedza kurukurirano norupfave. (1 VaTesaronika 2:2) Achicherechedza kuti imba yapurofesa yakanga yakanyerenyetedzwa sei nechisarudzo chakanaka chamavara, Seriki akabvunza purofesa kuti, “Neiko musina kuita kuti imba yenyu yose ive noruvara rumwe cheterwo?”

“Unofanira kufunga kuti ndinopenga!” akakurumidza kupindura purofesa. Seriki akapindura, kuti: “Aiwa, asi tinofanirireiko kukarira Mwari kuita chinhu chiri chose uye munhu ari wose ane ruvara rumwe cheterwo?” Pfundo rakanga rakajeka. Muenzanisiro iwoyo wakapfava wakabvumikisa kuva unobudirira, uye uchapupu hwakanaka hwakapiwa naSeriki aichimbova anotya.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe