RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 11/1 p. 5
  • “Kupindura Nenzira Yakananga”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kupindura Nenzira Yakananga”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Famba ‘Munzira Yakarurama’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kushandisa Bhaibheri Pakupindura
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Vakuru, Tongai Nokururama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 20—Zvirevo
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 11/1 p. 5

“Kupindura Nenzira Yakananga”

MUMHARIDZO yapaGomo, Jesu akanongedzera ku“Mutemo naVaporofita.” Chikamu chechitatu chaMagwaro echiHebheru chakanga chiri Manyoro, ayo akabatanidza mabhuku amadetembedzo zvakadai saMapisarema naZvirevo. (Mateo 7:12; Ruka 24:44) Izvozviwo zvaiva nouchenjeri hwaMwari.

Somuenzaniso, zvirevo zvakanyevera vatongi muna Israeri wakare, kuti: “Unoti kuno wakaipa: ‘Wakarurama,’ vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema. Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo. Unopindura [nenzira yakananga, NW], unosveta miromo.”—Zvirevo 24:24-26.

Kudai mutongi akatera kudzvinyiriro dzefufuro kana kuti chizivano uye akazivisa kuti wakaipa akarurama, vamwe vaizomuona saasina kukodzera nzvimbo yake. Chokwadi, kunyange mitezo ye“ndudzi” dzaVamarudzi iyo yakanzwa nezvechakaipa chakadaro chokutonga vaizoita nokunyomba! Pane rumwe rutivi, kudai mutongi akatsiura noushingi munhu akaipa ndokupindura nenzira yakananga kunhau iripo, iye aizowana ruremekedzo norudo zvavanhu. Vanhu vose zvavo vaizosundwa kumushuvira “ropafadzo yakanaka.” Chirevo chinokutaurazve, chichiti: “Unopindura [nenzira yakananga, NW], unosveta miromo.”

Kusveta kwakadaro kwakaratidzira kuremekedzana—pakati pomupi wezano naavo vanocherechedza tsiuro yake yakananga. Zvichida kunyange munhu ari kutsiurwa amene aizogamuchira zvakanaka ndokuratidza chidakadaka nokuda kwomutongi. Zvirevo 28:23 inoti: “Unorairira munhu uchaona nyasha pashure, kupfuura iye unobata kumeso norurimi rwake.” Avo vanobatira savakuru veungano nhasi vanofanira naizvozvo kudzivisa ushamwari kana kuti ukama hwemhuri kushatisa rutongeso rwavo. Kupfurikidza nokupa zvakananga zano rinodikanwa, vakuru vachawana ruremekedzo rweungano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe