RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 11/1 p. 3
  • Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe—Chii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe—Chii?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mutemo Wakananga
  • Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Dzidziso Inoshanda Kuvanhu Vose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kuitira Vamwe Zvaunoda Kuti Vakuitirewo—Kunoshanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe—Neiko Kuchakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 11/1 p. 3

Kandiro Kanoenda Kunobva Kamwe—Chii?

“TARIRAI! Handinetsi vavakidzani vangu. Kana ndirini, ivo vanogona kuita zvavanoda. Asi, chokwadika, kana ivo vakava muchitambudzo, ndingaita zvandingagona kubetsera.” Iwoyo ndiwo murangariro wako here? Apo ngwavaira dzinorova, mabasa omutsa nokusava noudyire zvingawanda, kazhinji kazhinji kukushamiswa kwavazhinji. Asi ikoku kwakakwana here?

Kana iwe uri mubereki, pasina panikiro wakaraira vana vako kudzivisa kushatirisa vatambi biyavo. Vazhinji vedu tine mavanga omuhuduku hwedu anoratidza kuti kufuratira nhungamiro iyoyo kunounza matsive. Hungu, takadzidza uchenjeri hwechirevo chakajekeswa nomuzivi wokuMabvazuva Confucius: “Icho usingadi kuti chiitwe kwauri umene, usaita kuvamwe.” Unoziva here, kunyanguvezvo, kuti uku kunongova zvako kushandurwa kwakaderera, kusina kunanga kwokunozivikanwa seKandiro Kanoenda Kunobva Kamwe?

Mutemo Wakananga

Mukuwirirana neWebster’s New Collegiate Dictionary, “kandiro kanoenda kunobva kamwe” kunorondedzerwa so“mutemo womufambiro wetsika unonongedzera kuna [Mateo] 7:12 uye [Ruka] 6:31 uye unotaura kuti munhu anofanira kuita kuvamwe seizvo iye aizoita kuti vamwe vaite kwaari.” Ringa bhokisi riri kumugumo kwepeji uye rangarira kuti shanduro dzeBhaibheri dzakasiana-siana dzaMateo ganhuro 7, ndima 12 dzinobvumira sei kuisvonaka kweiyi nheyo inotungamirira kupenya.

Tapota cherechedza kuti kunyange zvazvo mashoko achisiana kushanduro neshanduro, mutemo wacho wakananga. Pashure pokurangarira zvose, seizvo Jesu akarangarira pamberi pezvi muMharidzo yapaGomo: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa. Nokuti munhu ari wose anokumbira anogamuchira, uye munhu ari wose anotsvaka anowana, uye kumunhu ari wose anogogodza achazarurirwa.” (Mateo 7:7, 8, NW) Kukumbira, kutsvaka, kugogodza, zvose zviito zvakananga. “Zvinhu zvose, naizvozvo,” Jesu akapfuurira, “izvo munoda vanhu kuti vakuitirei, imiwo munofanira kuvaitira saizvozvo.”—Mateo 7:12, NW.

Bhaibheri rinoratidza kuti vadzidzi vaJesu vakatsigirawo kurarama nomutemo mumwe chetewo. (VaRoma 15:2; 1 Petro 3:11; 3 Johane 11) Nenzira isingafadzi, kunyanguvezvo, mugariro wazvino woukama hwavanhu unopupurira kuti, zvikurukuru, vanhu, vangava maKristu nezita kana kuti kwete, havauteveri. Ikoku kunoreva here kuti uyu mutemo womufambiro wetsika hausati uchakanaka? Zvichida wava wechinyakare here?

[Bhokisi riri papeji 3]

“Itai kuvamwe vanhu zvose izvo imi mungavaita kuti vaite kwamuri.”—The Holy Bible, rakashandurwa naR. A. Knox.

“Batai vamwe vanhu chaizvoizvo seizvo mungada kubatwa navo.”—The New Testament in Modern English, rakashandurwa naJ. B. Phillips.

“Chipi kana chipi chamunoshuva kuti vamwe vangaita kwamuri uye nokuda kwenyu, imi itaiwo saizvozvo kwavari uye nokuda kwavo.”—The Amplified New Testament.

“Itirai vamwe chinhu chiri chose chamunoda kuti vakuitirei.”—The New Testament in the Language of Today, rakashandurwa naW. F. Beck.

“Mumativi ose ipapoka, batai vanhu biyenyu seizvo mungashuva kuti vakubatei.”—The Four Gospels, rakashandurwa naE. V. Rieu.

“Munofanira kurovedza kubata navamwe sezvamungada kuti vabate nemi.”—The New Testament, rakashandurwa naC. B. Williams.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe