Mwari Achazomboita Chinhu Chipi Nechipi Pamusoro Pokusaruramisira Here?
“HAKUNA kunaka chaizvo.” Mudzidzi muduku sezvinooneka akakangaidzwa, akazadzwa nehasha pashure pokutambura somunhu oga kushatiswa kuri pachena kweruramisiro. “Kana kuna Mwari chaizvoizvo,” iye akapfuurira, “anogona sei kubvumidza kusaruramisira kwakadai?” Iwe ungadai wakanzwira urombo uyu mukadzi muduku here? Zvimwe ungadai. Asi iwe ungadai wakapindurawo here chirambidzo chake?
Pawakanga uri mwana, padzimwe nguva ungave wakanzwa kuti vabereki vako vaikubvumira kubatwa zvisakarurama. Asi kusaruramisira ikoko kwaiva pachena hakuna kutongobvumikisa kuti ivo vakanga vasipo, kwakadaro here? Nenzira yakafanana, kubvumidza kwaMwari kusaruramisira hakumbobvumikisi kusavapo kwake.
Mudzidzi muduku akapindura, zvisinei, kuti iyi yakanga iri nhau yakasiana chose. Iye akaonesa kuti baba vohunhu vasina kukwana vangatova vasina kutiruramei ivo vamene. Kana kuti nemhaka yokusaziva maidi ose, iye angasaziva kusaruramisira paakakuona. Kupfuurirazve, nemhaka yeganhuriro dzavanhu, iye angava asina simba rokuita chinhu chipi nechipi pamusoro pokusaruramisira kwaakaona. Hakuna chimwe chaikoku, iye akadaro, chingashanda kuna Mwari akarurama uyo anoziva zvose uye ari wamasimba ose.
Iwewo ungarangarira kuti kubvumidzwa kwokusaruramisira hakumbowirirana namavara oumwari. Bva, kungagona kudaro here kuti muuchenjeri hwake hukurusa, Mwari ane chikonzero chakavimbika chokubvumidza kusaruramisira kwourefu hwenguva?
Vanyori veBhaibheri vakarangarira Mwari kuva “mudi wokururama neruramisiro.” “Nzira dzake dzose iruramisiro. Mwari wokutendeka, asina kusaruramisira,” akanyora kudaro Mosesi.—Pisarema 33:5; Dheuteronomio 32:4; Jobho 37:23.
Kunze kwokurangarira Jehovha saMwari akarurama asingafariri kusaruramisira, vanyori veBhaibheri vakabvuma kuti iye rimwe zuva aizokuparadza. Isaya, somuenzaniso, akadeya kutaura uyu mugariro: “Tarirai, mambo uchabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira. Ipapo kururamisira kuchagara murenje, kururama kuchagara mumunda unobereka zvakanaka.” (Isaya 32:1, 16) Asi riniko? Uye kana Mwari achishuva kubvisa kusaruramisira munyika, neiko akakubvumidza pakutanga?
Kusaruramisira—Nei Kwakabvumidzwa?
Kwakanga kune nguva apo kwakanga kusina kusaruramisira muchisiko chapose pose. Kusaruramisira kwakazivikanwa kurudzi rwomunhu bedzi chibviro chokupanduka kwaAdhama naEvha mudzvinyiriro yaSatani Dhiabhorosi. Satani haana kuparadzwa pakarepo panguva yokupanduka. Nokuda kwedonzo rake amene rakanaka, Mwari akabvumidza nhambo yenguva apo munhu aizoita kusaruramisira, uye ikoku kwaizova nokuda kwedonzo rokuedza avo vakazvipira kwaAri, kana vaizobvumikisa kuva vakatendeka kwaAri. Kusarudza kwavo kuva vachengeti veperero kwaizova kurambwa kwesimba raSatani rokurwisa chisiko chose chavanhu naMwari. Uchangamire hwaMwari hwanzarwozvo kurevererwa, mabasa aSatani aizoparadzwa, uye kusaruramisira kwose kuchibviswa.
Mukati menguva iyoyo, kudai Mwari akadzivisa vanhu nesimba kubata nenzira isina kururama, aizova achivatorera rusununguko rwechisarudzo. Kunze kwezvo, kupfurikidza nokubvumira vanhu kunzwa miuyo isina kururama yezviito zvakaipa zvavamwe, Mwari anoratidzira kuti kwakanga kuchikuvadza sei kuti Adhama naEvha vakapandukira mirairo youmwari nenzira isina kururama, vachitsiva iyoyi nemipimo yavo vamene yakaipa. Kupfurikidza nokubvumira rudzi rwomunhu kucheka charwakadyara, Mwari anobetsera vanhu vakatendeseka kuziva ukuru hwokuita zvinhu nenzira yake.—Jeremia 10:23; VaGaratia 6:7.
Mukuwedzera, mabasa eruramisiro kana kuti okusaruramisira ayo vanhu vamwe navamwe vanoita anogovera ufakazi hunozivisa. Aya mabasa anogovera Mwari hwaro hwakarurama hwokutonga nahwo vakafanirwa nokurarama munyika itsva pasi pano apo ruramisiro yakazara inenge yadzorerwa. Kunokarakadza ikoko, tinorava, kuti: “Asi kana wakaipa akatendeuka pazvivi zvake zvose zvaakaita, akachengeta mitemo yangu yose, akaita zvinorehwa nomurairo nezvakarurama, zvirokwazvo uchararama, haangafi.”—Ezekieri 18:21.
Kusaruramisira Kuchaguma Rini?
Kubata kwaJehovha Mwari norudzi rwomunhu nguva dzose kwave kwakarurama uye kuchiratidzirwa nomutsa worudo. Kuratidzira ikoko, apo mubatiri akatendeka waMwari Abrahama asina kugona kunzwisisa chikonzero nei chimwe chinhu chakanga chichiitika, akati nezvaMwari: “Ngazvive kure nemi kuita kudaro, kuuraya vakarurama pamwe chete navakaipa, kuti vakarurama vave savakaipa; ngazvive kure nemi, Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” (Genesi 18:25) Nokuuya kwaKristu, mavara aMwari eruramisiro nomutsa worudo akakudzwa. Gadziriro yechibairo chorudzikinuro kupfurikidza naKristu Jesu yakazarura nzira yokuti munhu ari wose, muJudha naasiri muJudha zvakafanana, awane upenyu husingaperi. Ikoku kwakatungamirira muapostora Petro kuti: “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.
Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira mukuzivisa kuti Mambo waMwari wouMesia hwakatanga kutonga kwake uye kuti nguva yava pedyo apo ruramisiro ichadzorerwa kupasi redu mumwero wakakwana.a Ikoku kuchaitwa apo mambo iyeyo anoparadza nyika yazvino isina kururama uye anoputsanya simba ramwari wayo asingaoneki, Satani Dhiabhorosi. Bhaibheri rinoratidza kuti ikoku kuchaitika nokukurumidza pa“hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose,” iyo inowanzonzi Armagedhoni.—Zvakazarurwa 16:14, 16, NW.
“Mwari haasi usakarurama apo anoita hasha dzake,” naizvozvo Armagedhoni ichava hondo yakarurama. (VaRoma 3:5, NW) Pashure payo, Kristu Jesu navatongi biyake, zvakadai savaapostora, vachatonga vari mudenga kwamakore ane chiuru. (Zvakazarurwa 20:4) Mamirioni avanhu akatambura kusaruramisira munguva yakapfuura achamutsirwa mutsika yakarurama pasi pano, musha wapakuvamba worudzi rwomunhu, kuti awane ruramisiro yakakwana kwenguva yokutanga muupenyu hwavo.
“Kunodaro Here Kuti Mwari Haana Kururama?”
Muapostora Pauro akabvunza ikoko pamusoro pokumwe kwokubata kwaMwari. Mhinduro yacho? “Nyangwe,” akanyora kudaro Pauro. Achifananidza vanhu nedongo iro rakaumbwa nomuumbi wehari kuva midziyo yakafanirwa nokutsamwa kana kuti zvimwe ngoni, Pauro akatsanangura, kuti: “Kunyange zvazvo Mwari akagadzirira kuratidza hasha dzake nokuratidzira simba rake, bva iye nenzira yokushivirira anoshivirira vanhu vanomushatirisa, pasinei zvapo nokuti vanofanirwa zvikuru sei nokuparadzwa. Anovashivirira nokuda kwavamwe vanhu vaya, vaanoda kuva nengoni kwavari, vaanoda kuratidza kupfuma kwembiri yake kwavari.”—VaRoma 9:14, 20-24, The Jerusalem Bible.
Senemudzidzi muduku adudzwa pakuvamba, iwe padzimwe nguva ungakuwana kwakaoma kunzwisisa chikonzero nei Mwari achibvumidza kusaruramisira kwose zvako kana kuti chakaipa chakati chakananga. Asi ndisu vanaani—zviumbwa zvoruoko rwake—zvokupanikira shiviriro yake nouchenjeri mukuita saizvozvo? Jehovha Mwari akati kuna Jobho: “Ko iwe unoda kukanganisa kutonga kwangu, unoda kundipa mhosva, kuti iwe ururamiswe here?”—Jobho 40:8.
Hatisati tichizotongoda kuva nemhaka yokuita izvozvo. Panzvimbo pezvo, tichada kufarira kuziva kuti kunyange zvazvo kusaruramisira kuchiri nesu, Mwari weruramisiro achakurumidza kukubvisa mupasi rose.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwoufakazi hwokuti Umambo hwaMwari hwakavamba kutonga kwahwo kusingaoneki pamusoro papasi muna 1914, ona mapeji 134-41 ebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. Iri bhuku rinewo ganhuro pamusoro unoti “Neiko Mwari Akabvumidza Uipi?”
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kubvumidzwa kwokusaruramisira hakugoni kumboshandiswa kubvumikisa kusavapo kwaMwari
Ko Mwari ane mhaka here nokuda kwokuramba kwomuchairi akadhakwa kushandisa mavara ouchenjeri, kuzvidzora, uye rangariro?
Nguva yava pedyo apo ruramisiro yakazara ichadzorerwa kupasi redu