RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 10/15 pp. 8-9
  • KuBhetania, Muimba yaSimoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • KuBhetania, Muimba yaSimoni
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Anodya Kumba kwaSimoni muBhetani
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anomutsa Razaro
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Chakaita Kuti Jesu Asamhanya-mhanya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Paseka Yokupedzisira yaJesu Yava Pedyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 10/15 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

KuBhetania, Muimba yaSimoni

APO Jesu anobva muJeriko, anonanga kuBhetania. Rwendo rwacho runotora zhinjisa rezuva, sezvo uri mukwidza munzvimbo inonetsa wamakiromita 19. Jeriko rinenge makiromita 250 pasi pomwero wegungwa, uye Bhetania mamita 760 pamusoro pomwero wegungwa. Bhetania, ungayeuka, ndiwo musha waRazaro nehanzvadzi dzake. Musha muduku unenge makiromita matatu kubva Jerusarema, uchiva pamateru okumabvazuva kweGomo reMiorivhi.

Vazhinji vatosvika muJerusarema nokuda kwePaseka. Ivo vakurumidza kuuya kuzozvichenesa vamene nenzira yomuitiro. Zvichida ivo vabata mutumbi wakafa kana kuti vaita chimwe chinhuwo zvacho chinoita kuti vave vasina kuchena. Naizvozvo ivo vanotevera miitiro yakarongwa yokuzvichenesa vamene kuti vachengete Paseka nenzira inogamuchirika. Sezvo ava vakurumidza kusvika vanoungana patembere, vazhinji vanorangarira pamusoro pokuti Jesu achauya kuPaseka here.

Jerusarema inzvimbo yakashata yegakava pamusoro paJesu. Kunozivikanwa navose kuti vatungamiriri vorudzidziso vanoda kumubata kuti vamuuraye. Kutaura idi, ivo vakapa miraidzo kuti kana ani naani akaziva kwaari, vanofanira kukushuma kwavari. Katatu mumwedzi ichangobva kupfuura—paMutambo waMatabhernakeri, paMutambo weTsauriro, uye pashure pokunge amutsa Razaro—ava vatungamiriri vakaedza kumuuraya. Naizvozvo, vanhu vanoshamisika, ko Jesu achazviratidza amene imwezve nguva here? “Munoti kudiniko?” ivo vanobvunzana. “Munoti haangauyi kumutambo here?”

Munguvayo, Jesu anosvika kuBhetania mazuva matanhatu pamberi pePaseka, iyo inowira pana Nisani 14 mukuwirirana nekarenda yechiJudha. Jesu anosvika Bhetania pane imwe nguva Chishanu madekwana, apo pari pamavambo aNisani 8. Iye aisagona kuva akaita rwendo rwokuBhetania paChitanhatu nemhaka yokuti kufamba paSabata—kuvambira pakuvira kwezuva paChishanu kusvikira kukuvira kwezuva paChitanhatu—kunoganhurirwa nomutemo wechiJudha. Jesu zvimwe anoenda kuimba yaRazaro, sezvaakaita kare, uye anopedza usiku hweChishanu ari ikoko.

Zvisinei, mumwe mugari weBhetania anokoka Jesu neshamwari dzake nokuda kwechirairo Chitanhatu madekwana. Murume wacho ndiSimoni, aichimbova ane maperembudzi, uyo pamberi pezvi zvichida akanga aporeswa naJesu. Razaro ari pakati paavo vakatsenhama patafura naJesu. Mukuwirirana nohunhu hwake hwokubishaira, Marta ari kushumira vaenzi. Asi, mutsinhirano nohunhu hwake, Maria anopa ngwariro kuna Jesu, nguva ino nenzira inonyandura gakava.

Maria anovhura chinu chearbhastera, kana kuti chigubhu chiduku, icho chine inenge kirogiramu 0,5 yamafuta anonhuwira, “nardho chaiyoiyo.” Iwaya anokosha zvikuru. Zvamazvirokwazvo, mutengo wawo wakaenzana neinenge miripo yegore! Apo Maria anodururira mafuta pamusoro waJesu napatsoka dzake uye anopukuta tsoka dzake nebvunzi rake, kunhuwira kunozadza imba yose.

Vadzidzi vanotsamwa uye vanobvunza, kuti: “Kuparadzwa kwakadaro kwaitirweiko?” Ipapo Judhasi Iskarioti anoti: “Mafuta awa akaregerereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu, akapiwa varombo?” Asi Judhasi haasi kuitira hanya chaizvoizvo varombo, nokuti iye ave achiba mubhokisi remari rinochengetwa navadzidzi.

Jesu anodzivirira Maria. “Muregei,” iye anoraira. “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Nokuti wandiitira basa rakanaka. Nokuti varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose. Nokuti zvaakadira chizoro ichi pamuviri wangu, wakazviitira kuvigwa kwangu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika dzose, izvi zvakaitwa naye zvicharehwawo, vamurangarire nazvo.”

Jesu ave ari muBhetania zvino kwaanopfuura maawa 24, uye shoko rokuvamo kwake rapararira. Naizvozvo, vazhinji vanouya kuimba yaSimoni kuzoona Jesu, asi ivo vanouyawo kuzoona Razaro. Naizvozvo vaprista vakuru vanorangana kuuraya kwete bedzi Jesu asi Razarowo. Ikoku imhaka yokuti vanhu vazhinji vari kuisa kutenda muna Jesu nemhaka yokuona ari mupenyu uyo iye akamutsa muna vakafa! Zvirokwazvo, ava vatungamiriri vorudzidziso vakaipa sei! Johane 11:55–12:11; Mateo 26:6-13; Marko 14:3-9; Mabasa 1:12.

◆ Jesu anosvika rini muBhetania, uye iye sezvingabvira anopedzerepi Sabata?

◆ Ikurukuriranoi iri kupfuurira patembere, uye nei?

◆ Chiitoi chaMaria chinonyandura gakava, uye Jesu anomudzivirira sei?

◆ Chii chinoratidzira uipi hukuru hwavaprista vakuru?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe