Kuronga Zvino Nokuda Kwamakore Ane Chiuru Achauya
“Ivo . . . vachatonga samadzimambo naye kwamakore ane chiuru.”—ZVAKAZARURWA 20:6, “NW.”
1. Ndoupi uchava mugariro wezvinhu pasi pano anopfuura makore ane chiuru kuvambira zvino?
CHII! Tinoreva here kuti anopfuura makore ane chiuru chimwe kuvambira zvino, rudzi rwomunhu ruchave ruchindori pano pasi pano? Tinoreva izvozvo chaizvoizvo! Uye kupfuurezvo, rudzi rwose rwomunhu panguva iyeyo ruchava rwakwana mumuviri, mwoyo, uye ndangariro—kufanana nomurume nomukadzi vokutanga pamavambo okuvapo kwomunhu papasi rino. Hungu, makore ane chiuru kuvambira zvino, vanhu vachava mumufananidzo norufanano zvaMwari wavo noMudzoreri. (Genesi 1:26-30) Ivo vachave vachifarikanya upenyu zvakazara mu“bindu reEdheni,” paradhiso yomufarwa, papasi rakacheneswa iro risati richizotsvikinyidzira vagari vavanhu. (Genesi 2:15) Kwose ikoku kuchava muzadziko yedonzo rapakuvamba roMusiki kupasi naavo vaizogara pariri. Ichi chiito chakaisvonaka chichamureverera saakatendeka kuchipikirwa chake chorudo chokukomborera rudzi rwose rwomunhu pasinei zvapo nechishoro chose.
2. Vanhu vamazana amakore 19 apfuura vakawana sei murangariro weizvo rudzi rwomunhu rwakakwaniswa ruchava rwakaita?
2 Chiito chakakomborerwa ichocho chichagumisa Kutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaMwari kupfurikidza noMwanakomana wake akapiwa mbiri, uyo akapedza makore 33 1/2 ari pasi pano somunhu akakwana anopfuura mazana amakore 19 apfuura. Pamusoro porudzi rwechitarisiko chaakapa panguva iyeyo, tinorava, kuti: “Shoko rakazova nyama, rikagara pakati pedu, (tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwe chete wababa) azere nenyasha nezvokwadi.” (Johane 1:14) Naizvozvo muna Jesu Kristu, vanhu vaIsraeri panguva iyeyo vakaona izvo chisikwa chohunhu chakakwana chakaita. (Ruka 3:23, 38) Hungu, mazana amakore 19 apfuura vamwe vanhu vakaona izvo rudzi rwomunhu rwakakwaniswa ruchava rwakaita muParadhiso yapasi inouya.
3, 4. (a) Kutonga kwaJehovha kupfurikidza naJesu Kristu navane 144 000 kuchava kwenguva yakareba sei zvomenemene? (b) Ishokoi rinoshandiswa nokuda kwenhambo iyoyo yenguva, uye iroro rakaratidzirwa sei mumisoro yezvinyorwa zvakati zveWatch Tower?
3 Urefu hwokutonga kwoUmambo hwaJehovha hunodzorwa naJesu Kristu navadzidzi vake vakapiwa mbiri vane 144 000 hwakadeya kutaurwa kuva makore ane chiuru. Pamusoro poKutonga ikoko kwaMakore Ane Chiuru, mutana muapostora Johane akanyora, achiti: “Ini ndakaona zvigaro zvoumambo, uye pakanga pana avo vakagara pazviri, uye simba rokutonga rakavapiwa. Hungu, ini ndakaona mweya yaavo vakaurawa nedemo nokuda kwouchapupu hwavakapupurira kuna Jesu uye nokuda kwokutaura pamusoro paMwari, uye avo vakanga vasina kunamata chikara kana kuti mufananidzo wacho uye vakanga vasina kugamuchira chiratidzo pahuma dzavo naparuoko rwavo. Uye ivo vakava vapenyu ndokutonga samadzimambo pamwe chete naKristu kwamakore ane chiuru. (Vakasara vavakafa havasati vakava vapenyu kusvikira makore ane chiuru aguma.) Urwu ndirwo rumuko rwokutanga. Aninaani anowana rutivi murumuko rwokutanga anofara uye mutsvene; rufu rwechipiri haruna simba pana ivava, asi ivo vachava vaprista vaMwari navaKristu, uye vachatonga samadzimambo naye kwamakore ane chiuru.”—Zvakazarurwa 20:4-6, NW.
4 Sezvo makore ane chiuru ari mireniyumu, nhambo iyoyo inonzi Kutonga kweMireniyumu kwaKristu. Avo vanogamuchira ndokudzidzisa iyi dzidziso yeBhaibheri pane dzimwe nguva vanonzi vemireniyumu kana kuti vamakore ane chiuru, mukuwirirana neshoko rechiGiriki nokuda kwe“chiuru.” Nenzira inofadza, mavhoriyamu eStudies in the Scriptures (akambobudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society) pakuvamba akanzi Millennial Dawn. Uye bhuku renziyo rakamboshandiswa neInternational Bible Students raiva nomusoro unoti Hymns of the Millennial Dawn.
5. Ndoupi uchava mugariro waSatani namadhemoni mukati moKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu?
5 Kutaura kwokuti “makore ane chiuru” kuri pana Zvakazarurwa 20:4, (NW) hakusi kwokufananidzira asi kunonongedzera kumakore ane chiuru omudenga. Mukati meMireniyumu iyoyo, Satani Dhiabhorosi namapoka ake amadhemoni vachava vari mugomba rakadzika-dzika, nokuti pamberi chaipo pokutaura pamusoro poKutonga kwaKristu kwaMakore Ane Chiuru, muapostora Johane akati: “Ini ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga ine kiyi yegomba rakadzika-dzika neketani huru muchanza chayo. Yakabata dragoni, nyoka yapakuvamba, iyo iri Dhiabhorosi naSatani, ndokumusunga kwamakore ane chiuru. Uye yakamukandira mugomba rakadzika-dzika ndokuripfiga nokurinama pamusoro pake kuti agorega kutsausazve marudzi kusvikira makore ane chiuru apera. Pashure pezvinhu izvozvi iye anofanira kusunungurwa kwechinguvana.”—Zvakazarurwa 20:1-3, NW.
6. (a) Musii uyo vaRoma Katurike vakapa nokuda kwomugumo woKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaKristu? (b) Kudai kutaura kweKaturike kwaiva kwechokwadi nguva duku yokusunungurwa kwaSatani mugomba rakadzama kwatova kwakareba sei?
6 VaRoma Katurike vakataura kuti Kutonga kwaJesu Kristu kwaMakore Ane Chiuru kwakaguma muna 1799 apo mauto eFrance akatapa Roma ndokubvisa papa somutongi wayo, zvokuti iye akaendeswa somusungwa kuFrance uko akafira. Vakuru veKaturike vakataura kuti Satani namadhemoni ake panguva iyeyo vakasunungurwa mu“gomba rakadzama,” kana kuti “gomba rakadzika-dzika,” kuzomutsidzira basa ravo rokunyengera kwe“chinguvana.” (Zvakazarurwa 20:1-3, Douay Version yeKaturike) Kudai ikoko kwaiva kwechokwadi, kwaizoreva kuti “chinguvana” chakatopfuurira kwamakore 190, pasina mugumo unooneka.
7. Chii chinoratidzira Bhaibheri pamusoro penguva norudzi zvokutonga kweMireniyumu kwaJesu Kristu?
7 Mukuwirirana naMagwaro, zvisinei, Kutonga kwechokwadi kweMireniyumu kwaJesu Kristu kuchiri munguva yemberi. Zadziko yomuzuva razvino uno youporofita hweBhaibheri inoratidza kuti kwava pedyo zvikuru. Mukati meMireniyumu yechokwadi, Satani namadhemoni ake vachaiswa zvomenemene mugomba rakadzika-dzika, uye Jesu Kristu navadyi venhaka pamwe chete naye vake vane 144 000 vachatonga parudzi rwose rwomunhu pasina dzongonyedzo inobva kusangano raDhiabhorosi. Kukomborerwa kusingaperi kworudzi rwose rwomunhu rwakadzikinurwa, muzadziko yesungano yaJehovha ne“shamwari” yake Abrahama, kuchavamba ne“boka guru,” avo vachapukunyuka “dambudziko” risingaenzaniswi rinoguma naro tsika ino yezvinhu. Iko kuchatambanukira kumabhirioni avanhu vakafa vakadzikinurwa ne“ropa reGwaiana,” Jesu Kristu. (Jakobho 2:21-23; Zvakazarurwa 7:1-17; Genesi 12:3; 22:15-18; Mateo 24:21, 22) Neiri donzo, ivava vachamutswa vachibva mukurara kwavo murufu mumakuva echirangaridzo kuupenyu pasi pano.—Johane 5:28, 29.
Sangano rechiKristu
8. Isanganoi iro bhuku rinonzi The New Creation rakarondedzera, asi ibasai resangano iro risina kuisa muchiono?
8 Mukushanda kwedonzo roumwari, sangano idzva rakatangira zvikomborero izvozvo namazana amakore. Pamusoro pesangano iroro, tinorava kuti: “Kana munhu ari muna Kristu, wava chisikwa chitsva.” “Kudzingiswa hakusi chinhu chipi nechipi kana kuti kusadzingiswa, asi chisiko chitsva [chisikwa chitsva, King James Version] ndichimwe chinhu.” (2 VaKorinte 5:17; VaGaratia 6:15) Shure muna 1904, bhuku rinonzi The New Creation rakaonesa iri sangano idzva iro rakavapo muzana rokutanga ramakore N.V. (Studies in the Scriptures, Nhevedzano VI, Fundo V, ine musoro unoti “The Organization of the New Creation”) Nemhaka yomurangariro waro wezveizvo mugumo weNguva dzaMarudzi muna 1914 dzaizoreva, bhuku iroro harina kuisa muchiono basa rinoshamisa resangano raizoitika pashure pemiuyo inokuvadza yehondo yenyika yokutanga yenhau yavanhu.—Ruka 21:24, KJ.
9. Vakasarira vechisiko chitsva vakabudirira muchii?
9 Kuponeswa kwavakasarira vechisiko chitsva chomudzimu kusvikira kumugumo weHondo yeNyika I muna 1918 nokuchengetwa kwavo vari vapenyu munyama kuti vapinde mugore rapashure pehondo ra 1919 kwakauya sechishamiso chinoshamisa. Asi migariro yemireniyumu yakanga ichigere kutanga. Sezviri pachena, ipapoka, kwakanga kune basa rakawanda rokuti vakasarira vechisiko chitsva vaite pasi pano chisati chawana tariro yacho yokudenga yokugoverana naJesu Kristu mubasa remireniyumu. Naizvozvo, kudikanwa kukuru kwakanga kuri kwemutsidziro nokurongwazve kwavakasarira. Naizvozvo, nokutenda kusina kuputsika nokudisa basa rinofadza riri mberi, ivo vakabudirira.
10. Mibvunzoi yakamuka pamusoro pamamirioni anokarirwa kupukunyuka ndokupinda mutsika itsva yezvinhu?
10 Kupukunyuka pasi pano kunoitwa navakati kuti vorudzi rwomunhu mumugumo weiyi tsika yakaipa une ngwavaira ndokupinda muKutonga kweMireniyumu kwaJesu Kristu kwaikarirwa navakasarira vakazodzwa. Zvikurukuru ikoku kwakanga kwakadaro pashure pokunge hurukuro yavose “Mamirioni Ari Kurarama Zvino Angasatongofa” yakakurukurwa paLos Angeles, California, mugore rehondo ra 1918. Ko aya mamirioni avapukunyuki vomunguva yemberi veHar–Magedhoni vaifanira kurongwa here? (Zvakazarurwa 16:14-16) Vasati vapinzwa muMireniyumu kuti vave rutivi rwa“pasi idzva,” ko ivo vaizopinda here mubasa rokuparidzira Umambo pamwe chete navakasarira? (2 Petro 3:13) Mibvunzo iyi yaizopindurwa nezvinoitika zvapashure pehondo.
11. (a) Chii chaizofanira kuitwa namamwe makwai odokuva boka rimwe navakasarira? (b) Neiko musiano mutariro wakanga usiri chikonzero chomusiano pakati pavakasarira namamwe makwai?
11 Mashoko anotevera oMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu, akatanhamara nenzira yakafanira: “Namamwe makwai ndinawo, asati ari edanga rino. Naiwo ndinofanira kuuya nawowo, achanzwa inzwi rangu; richava boka rimwe, nomufudzi mumwe.” (Johane 10:16) Kana vakasarira vakazodzwa vaida kurongwa nokuda kwebasa rapashure pehondo kuvambira muna 1919 zvichienda mberi uye kana gare gare mamwe makwai aizova boka rimwe navakasarira muiri danga, ipapo chii chaizoitika? Chokwadi, mamwe makwai iwayo aizofanirawo kurongwa mukuwirirana navakasarira ivavo! Idi rokuti mamwe makwai aiva netariro yakasiana—iya youpenyu muparadhiso yapasi yomufarwa—kwakanga kusiri chisakiso chomusiano pakati pavo navakasarira. Vose vakanga vachitevera Mufudzi mumwe chete, uye hakuzati kwaizova neparadzano pakati pamapoka maviri kutozosvikira kupiwa mbiri kwavakasarira vakazodzwa muUmambo.
12. (a) Chii chiri choukoshi hukuru zvikuru kupfuura ruponeso rworudzi rwomunhu? (b) Kwakava kwoukoshi hukuru kuzivisa Umambo rini uye sei?
12 Ruponeso rwavanhu kubva muchivi norufu, mugumo wokutonga kunoitwa nenyika yaSatani, uye kudzorerwa kworudzi rwomunhu runoteerera kuParadhiso ichadzorerwa mupasi rose mativi akatanhamara edonzo rorudo raJehovha. Zvisinei, kune chimwe chinhu choukoshi huru zvikuru kuchisiko chose. Chiiko ichocho? Icho kurevererwa kwouchangamire hwapose pose hwaJehovha Mwari pamwe chete nokutsveneswa kwezita rake dzvene. Kukodzera nguva kwokuzivisa Umambo hwaJehovha hunodzorwa naMambo anotonga, Jesu Kristu, kwakasimbiswa muna 1922 pakokorodzano yechipiri yeCedar Point, Ohio, yeInternational Bible Students. Sezvo nguva dzaVamarudzi dzakanga dzaguma muna 1914, yakanga yava nguva yokuita mashoko ouporofita aJesu, anoti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14, NW) Umambo uhwo hwaizoreverera uchangamire hwapose pose hwaJehovha ndokutsvenesa zita rake dzvene hwakanga hwagadzwa mudenga muna 1914, uye Jesu Kristu akanga achitonga pakati pavavengi vake. Aya akanga ari mashoko akanaka zvikuru okuparidzirwa nomutoo wose unowanika wokuzivisa Mambo noUmambo hwake!
13. Nokuda kwebasa rokuzivisa Umambo, chii chakagovera Mwari, uye neiko?
13 Jehovha ndiye murongi pamwero wenyika yose, nokuti iye ndiye Wokumusorosoro, Mukurusa. Iye zvino akatarisira kusanorongwa, pano pasi pano, kwebasa rokuzivisa Umambo hwake mumarudzi ose mugumo wetsika ino usati wasvika. Mitezo yavakasarira vapenyu vavakazodzwa yakabatanidzwa, naizvozvo, musangano ramarudzi ose kuti iite kuda kwake. Ivava vanofanira kuzivisa kunyika kuti nemhaka yokuve kwaSatani akadenha uchangamire hwenyika yose hwaJehovha zvose zviri zviviri uzvomene noururami hwouchangamire ihwohwo zvinofanira kurevererwa, kururamiswa, kwenguva yose.
Sangano Rapamberi Pemireniyumu
14. (a) Pamberi peNguva yedu yaVose, isanganoi rakava rutivi rwapasi rwesangano renyika yose raJehovha? (b) Dhavhidhi akabvumikisa sei kuva murongi akatanhamara?
14 Kwamazana amakore 15 pamberi peNguva yedu yaVose, Jehovha Mwari aiva nesangano rinooneka pasi pano. Iye akashandisa muporofita Mosesi somurevereri Wake mukuronga rudzi rwaIsraeri pashure pokununurwa kwarwo muEgipita, umambo hwenyika hwokutanga hwenhau yeBhaibheri. MuMutemo waMosesi, Israeri akava rutivi runooneka rwesangano renyika yose raJehovha. Murongi akatanhamara pakati paava vanhu vakasarudzwa vaMwari akanga ari mufudzi mambo Dhavhidhi, nezvake tinorava, kuti: “Dhavhidhi akavaronga [vaRevhi avo vaibatira panzvimbo tsvene yaJehovha] mumapoka, akashevedzwa kunzi Gershoni, Kohati, uye Merari, vanakomana vaRevhi.” “Iye akavaronga [vaprista] nokukanda mijenya pakati pavo nokuti kwakanga kune vakuru vakuru vanoyera navakuru vakuru vaMwari mumutsara waEreazari nouyo waItamari.”—1 Makoronike 23:3, 6; 24:1, 5, The New English Bible.
15. (a) VaIsraeri vakabva muEgipita nomutooi? (b) Ndivanaaniwo vakasarudza kubva muEgipita, uye vakaramba vana vaIsraeri here?
15 Mazana amakore pamberi penguva yaDhavhidhi, apo vaIsraeri vakabva muEgipita, havana kumhanya vachibuda mubvongobvongo youpengo asi vakabva nomutoo une nhevedzano. Ikoku kwakaratidzira basa rokuronga rakanaka romurevereri wavo, Mosesi. Boka guru ravakanga vasiri vaIsraeri rakabuda navo, vachisarudza kuzvibatanidza navanhu vaMwari anoita manenji, Jehovha, uyo akanga ane simba zvikuru kupfuura vana mwari vose veEgipita. Pasinei zvapo nenhamo dzakawanda, panguva yakati gare gare iri “boka guru rakavhengana” zvarakanga rine mutsa kuvanhu vakasarudzwa vaJehovha rakanga richiri navo murenje rinotyisa reSinai. (Eksodho 12:37-51, NW; Numeri 11:4) Pamwe chete navaIsraeri, boka rakavhengana iroro sezviri pachena rakapinda muNyika Yakapikirwa muutungamiriri hwomutsivi waMosesi, Joshua, nokuti Mwari akaraira kuti gadziriro iitweko yavagari vokumwe vakadaro.
16. (a) Boka guru rakavhengana rakadeya kufananidzira vanaani? (b) Ivava vanofanira kuitei kuti vapukunyuke mugumo wetsika ino?
16 Boka guru rakavhengana iroro rakabva kuEgipita yaFarao rakadeya kufananidzira boka guru rezana ramakore rechi 20. Ivo havasi vaIsraeri vomudzimu asi ndimamwe makwai oMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu. Pamwe chete navakasarira vakazodzwa, ivo vanokarira kununurwa kwakakwana muEgipita yokufananidzirwa, tsika yenyika yezvinhu iyo Farao Mukuru, Satani Dhiabhorosi, ari Mwari. (Johane 10:16; 2 VaKorinte 4:4; Zvakazarurwa 7:9) Asi chii chavanofanira kuita kuti vapukunyuke ruparadziko rwamasimba masimba rwenyika yakare yaSatani ndokupinda munyika itsva yakapikirwa pasi paJoshua Mukuru, Jesu Kristu? (2 Petro 3:13) Ivo vanofanira kuramba vachiwirirana negadziriro dzomusimboti dzesangano rinooneka raJehovha, vakasarira vakazodzwa.
17. Munyika ino isina kurongeka, avo veboka guru vanoita sei, uye vanotarisira mberi kuchii?
17 Boka guru ramamwe makwai rakapinzwa muboka rimwe rakarongwa pasi poMufudzi mumwe akapiwa mbiri, Mambo anotonga Jesu Kristu, zvikurukuru chibviro chapakati pamakore makumi mana ezana ramakore rechi 20. Munyika iyo inopfuurira kuva isina kurongeka zvikuru pasinei zvapo nokuvapo kwesangano reChibatanwa chaMarudzi, avo veiri boka guru vanotsigira nomwoyo wose vakasarira vakazodzwa nokudaro ndokupa ufakazi hwesimba rinobatanidza romudzimu mutsvene waJehovha. Nenzira yokutsunga, ivo vanoramba vakarongeka navakasarira vachikarira basa chairo pasi pano mukati moKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwaJesu Kristu.
Ndeipi Iri Mifungo Yako?
◻ Chii chinoratidzira Magwaro pamusoro penguva norudzi zvokutonga kweMireniyumu kwaJesu Kristu?
◻ Chii chinokosha zvikuru kwazvo kupfuura ruponeso rworudzi rwomunhu?
◻ Pamberi peNguva yedu yaVose, isanganoi rakava rutivi rwapasi rwesangano renyika yose raJehovha?
◻ Avo vakadeya kufananidzirwa neboka guru rakavhengana vanopukunyuka sei ndokupinda muKutonga kwaMakore Ane Chiuru?