RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 9/1 p. 10
  • ‘Zvinhu Zvinodikanwa Zvinopinda’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Zvinhu Zvinodikanwa Zvinopinda’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvinodikanwa” Zviri Kuzadza Imba yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Vose Ngavarumbidze Jehovha!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 37—Hagai
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 9/1 p. 10

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

‘Zvinhu Zvinodikanwa Zvinopinda’

MUPOROFITA Hagai akanyora awa mashoko muna 520 P.N.V.: “‘Uye ndichazunungusa marudzi ose, uye zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi ose zvinofanira kupinda; uye ndichazadza imba ino nembiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Hagai 2:7) “Zvinhu zvinodikanwa” zvamarudzi ose izvo zvinozadza imba yaJehovha nembiri vanamati vake vanotya Mwari. Vane mwoyo wakatendeseka wakadaro vari kugamuchira mashoko akanaka muItaly, zvokuti zvino mune Zvapupu 166 000 zvinodzidzisa vanhu Bhaibheri murudzi irworwo. Vakuru veKaturike muItaly vanorangarira kukura kwedu kwechienzi se“chinhu chinoshamisa nenzira inowedzera” icho “chinovanetsa nokuvashamisa.” Mutsvaki mumwe wezvokwadi woko ngaarondedzere chakaitika kwaari.

“Ini ndakanga ndiri mukatekisimu kwamakore gumi, uye ndakanga ndakapwiswa kuti iyi ndiyo yakanga iri nzira yokuratidzira nayo rudo rwangu nokuda kwaMwari nomuvakidzani. Kunyange zvazvo ndakanga ndine shamwari yakanga iri mumwe weZvapupu zvaJehovha, handina kutongowana nguva yokuteerera shoko reBhaibheri. Nguva yakati yapfuura, zvisinei, apo Zvapupu zvakandishanyira, ndakazvikoka kupinda. Ndaida kuzviudza kusashanyira zvakare ambuya vangu, sezvo vakanga vachivhiringidzwa. ‘Panzvimbo pokushanyira chembere,’ ndakazviudza, ‘taurai kuvanhu vakafanana neni.’ Kuvambira panguva iyeyo zvichienda mberi zvaiuya nguva dzose kumusha kwangu, asi nguva imwe neimwe zvaitaura pamusoro pepfundo rorudzidziso, ndaizvikumbira kurega kurukurirano yacho kutozosvikira gare gare kuti ndigogona kunzvera nhau yacho.

“Ndakataura kuvaprista vanoverengeka uye ndakacherechedza kuti vakanga vasina mhinduro yeBhaibheri. Mumwe wavo, mufundisi, akandiudza kuti kupinda Misa kwakanga kusingakoshi kwazvo chaizvoizvo. ‘Pashure pokurangarira zvose,’ iye akadaro, ‘munyika dzakafanana neBrazil, somuenzaniso, vanhu vanoita zvimwe zvinhu panzvimbo pokuenda kuMisa. Chinhu chinokosha kubatira Mwari zvakanakisisa sezvaunogona.’ Aya mashoko akandipa simba rokudambura zvisungo zvangu neChechi yeKaturike. Mumwe muprista akaudza murume wangu, uyo akanga ariwo muKaturike, kuti kudai ndaida kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, iye anofanira kundirega ndichiita saizvozvo nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvinongova nechikanganiso chimwe bedzi, chiya chokunyanyoshingaira. Ndakabhapatidzwa misi ichangobva kupfuura iyi chete pamwe chete nomumwe wavanakomana vangu. Murume wangu ari kufundawo Bhaibheri uye ari kuratidzira fariro mushoko roUmambo.”

Sezvo Jehovha anozunungusa marudzi kupfurikidza nokuita kuti marutongeso ake aziviswe pasi pano, vanhu vazhinji vane mwoyo wakarurama vari kusiya miitiro isakatendeseka kuti vatevere nheyo dzeBhaibheri. Asati adzidza zvokwadi, mumwe murume weItaly akapinda zvikuru muchikwereti achirangarira kuti aigona kubhadhara chikwereti chake nemari inobva mumubhadharo wake wenguva dzose ne“tipisi” dzokusatendeseka dzaakanga achigamuchira. Achiwana zivo yezvokwadi, iye akaita chisarudzo chakaoma ndokurega kugamuchira “tipisi” dzokusatendeseka. Iye nomudzimai wake vakabhapatidzwa uye vakavamba pakarepo kubatira muushumiri hwenguva yakazara. Muchipatara umo iye anoshanda, kazhinji kazhinji iye anofanira kupfekenura zvitunha, uye kazhinji kazhinji akawana zvitsama zvikuru zvemari mazviri. Somuenzaniso, pane imwe nguva iye akawana malaya 150 000 (inenge $230), uye imwe nguva malaya 600 000 (inenge $920). Achiva akatendeseka, iye akadzorera mari yacho, uye ikoku kwakamupa banza rokutaura kuvatungamiriri vechipatara navachiremba pamusoro pezvokwadi. Vatungamiriri vechipatara vakamutumira tsamba dzokuonga nokuda kwomufambiro wake wokutendeseka nokuvimbika.

Izvi zvinoitika zvakabva Italy zvinongova hazvo muenzaniso wokuti “zvinhu zvakanaka” zviri kusiya sei tsika ino yakaipa yamasimba masimba nokuuya kusangano rakachena, rine rugare raJehovha iye asati azunungusa pakupedzisira tsika yezvamatongerwe enyika yaSatani muruparadziko paArmagedhoni.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe