Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Neiko Mariro 4:10 ichinongedzera kuna vanamai vakadya vana vavo vamene sa“vakadzi vaiva nomwoyo munyoro”?
Achirondedzera mugariro wakakomba wavaJudha mukati mokukomberedza Jerusarema kweBhabhironi muna 607 P.N.V., Jeremia akanyora, achiti: “Maoko avakadzi vaiva nomwoyo munyoro vakabika vana vavo, zvikava zvokudya zvavo pakuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu.”—Mariro 4:10.
Mazana amakore pamberi pezvi, Mosesi akanga asvinudza vaIsraeri kuti nguva yavo yemberi yaizoratidzirwa ne“chikomborero” kana kuti zvimwe “kutuka.” Ivo vaizofarikanya zvikomborero kana vakachengeta mirairo yake, asi vaizounza kutambura pavari vamene kudai ivo vakaramba nzira dzake dzakarurama. Mumwe wemiuyo inotyisa waiva wokuti vaIsraeri vaizoderedzerwa kukudya vana vavo vamene. (Dheuteronomio 28:1, 11-15, 54, 55; 30:1; Revhitiko 26:3-5, 29) Ikoku kwakaitika zvomenemene pashure pokunge Jehovha aisa rudzi rusina kutenda, rusingateereri musimba ravaBhabhironi.
Pana Mariro 4:10 muporofita Jeremia akashandisa idi rinosanozivikanwa rokuti amai nenzira yomuzvarirwo ane tsitsi, munyoro, uye anodzivirira vana vake. (1 Madzimambo 3:26, 27; 1 VaTesaronika 2:7) Bva, nzara yaiva muJerusarema rakakomberedzwa yakanga yakakomba kwazvo uye kurumwa nenzara kwakavapo somuuyo kwaimanikidzira kwazvo zvokuti vanamai avo kazhinji kazhinji vaizova vanyoro vakabika ndokudya vana vavo.—Enzanisa naMariro 2:20.
Mugariro wakafanana wakaitika pashure pokunge vaJudha varamba Mesia, uyo akanga anyevera pamusoro pokukomberedzwa kunouya kweJerusarema. (Mateo 23:37, 38; 24:15-19; Ruka 21:20-24) Wezvenhau Josephus akarondedzera kumwe kwokutyisa kwekomberedzo yomuna 70 N.V., achiti: “Maria mwanasikana waEriezari . . . akauraya mwanakomana wake, ipapo akamugocha ndokudya hafu imwe, achivanza nokuchengeta yasara.”—The Jewish War, rakashandurwa naG. A. Williamson, ganhuro 20, peji 319.
Zvirokwazvo, kurega mitemo yaMwari nenzira hakusi nzira youchenjeri.