RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 6/15 pp. 25-27
  • “Kuzvininipisa Kunotangira Kukudzwa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kuzvininipisa Kunotangira Kukudzwa”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vamwe Vakabva Pa‘kuzvininipisa Kukukudzwa’
  • Marudzi Akasiana-siana Okubwinya
  • Chii Chakatsigira Aya MaKristu Akatendeka?
  • “Kududzira Hakusi kwaMwari Here?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Josefa Anoiswa Mutorongo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jehovha Ari Kukubatsira Kuti Ubudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Jehovha Haana Kukanganwa Josefa
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 6/15 pp. 25-27

“Kuzvininipisa Kunotangira Kukudzwa”

JAYA rakati rakanga riri mutorongo reEgipita papomero yenhema. Iye akanga atambura manyadzi akawanda, uye kwakaratidzika kuva kusina tariro yokusunungurwa mutorongo. Ipapo akarairwa kuoneka pamberi paFarao. Varindiri vetorongo vakakurumidza kumubudisa. Iye akaveura ndebvu, akachinja nguvo dzake, uye ipapo akaoneka pamberi pamambo.

Chishamiso chakamirira Josefa. Nebetsero yaJehovha Josefa akadudzira nomazvo zviviri zvezviroto zvaFarao. Farao akati: “Tarira, ndakuita mubati panyika yeEgipita yose.” (Genesi 41:41) Ndichinoitika chisingadaviriki zvakadini—kubva mutorongo kuenda kuimba yamambo zvose muzuva rimwe! Chinoitika chaJosefa chingagona kuratidzira izvo Mambo Soromoni akafuridzirwa gare gare kunyora, kuti: “Nokuti wakabuda mutorongo kuzova mambo.” Nenzira yakafanira, Soromoni akanyora kaviri, kuti: “Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.”—Muparidzi 4:14; Zvirevo 15:33; 18:12.

Kuti ubetserwe nezvokwadi iyoyo youmwari, zvibvunze umene, kuti: Chiiko chakatsigira Josefa mukati mechinoitika chake chinonyadzisa? Uyu mubatiri akatendeka waJehovha akagonana sei nepomero yenhema iyo yakamupinza mutorongo? Kukudzwai uko Jehovha airangarira nokuda kwaJosefa? Rudziiko rwokukudzwa rwakamirira avo mumazana ose amakore vakatambura nokutendeka uye noushingi chitambudzo namanyadzi? Kupfuura zvose, chii chinotibetsera kuchengeta chimiro chakadzikama patinenge tichitambura manyadzi?

Josefa anofanira kuve akafungisisa kazhinji kazhinji pamusoro pezviroto zviviri zvapakuvamba zvouporofita izvo zvakaratidzira kuti vakoma vake uye kunyange vabereki vake vaizo“kotama” pamberi pake. Kutaura idi, vakoma vake, pakunzwa nezvechiroto chokutanga, vakati: “Ko iwe uchabata ushe pamusoro pedu kanhi?”—Genesi 37:8-10.

Vakoma vane godo vaJosefa vakadokumuponda! Asi munhungamiro yaJehovha, mukomana ane makore 17 okukura akatengeswa kuvashambadzi, avowo, vakamutengesa kuna Potifari, mukuru wavarindiri vaFarao.

Pakupedzisira, Josefa akava mutariri mumba maPotifari, ane mudzimai akaedza kunyengera jaya rakanaka. Bva Josefa akanga akavimbika kuna Jehovha ndokupukunyuka. Mudzimai anonyengera akapomera Josefa zvenhemanhema kuti akaedza kumubata chibharo, uye Potifari akamudavira, naizvozvo Josefa anosiririsa akaiswa mutorongo.

Zvisinei, iye akaramba akavimbika kuna Jehovha, uyo, sezvatodudzwa, akaronga kuti aendeswe kuna Farao kuzodudzira zviroto. Farao pashure paikoko akagadza Josefa kuropafadzo inokudzwa yokuronga migove yezvokudya zveEgipita. Apo nzara yakapararira kusvikira kuKanani, vakoma vaJosefa zvamazvirokwazvo vakamukotamira kuti vatore zvokudya zvemhuri.

Vamwe Vakabva Pa‘kuzvininipisa Kukukudzwa’

Mumwe mubatiri akatendeka waJehovha aiva nomutoo woupenyu unobvumikisa zvokwadi youmwari yokuti “kuzvininipisa kunotangira kukudzwa” akanga ari Mosesi. Zvaakarererwa muimba yakaisvonaka yaFarao, Mosesi aiva nenguva yemberi yakaisvonaka pamberi pake. Ipapo zvinoitika zvakaratidzika kuva zviri kuipa. Mosesi akaita nokutenda muna Jehovha neitiro hanya yorudo nokuda kwavanhu vake, zvokuti aitofanira kutiza nokuda kwoupenyu hwake achibva kuna Farao akatsamwa. Ari oga akafamba achienda Midhiani. Kwamakore 40 akaratidza kuzvininipisa kwake kupfurikidza nokurarama upenyu hwomufudzi hwakapfava, achibatira tezvara wake Jetero. Kunofanira kuve kwaikurudzira sei kuti Mosesi mukati mamakore ake 40 okuvaka hunhu arangarire pamusoro penzira yaJehovha yokumuninipisa nokufungisisa chingavezve chakamuchengeterwa!

Ipapo kukudzwa kwakauya. Jehovha akagovera Mosesi kuva nhume Yake kuna Farao nokubudisa vanhu Vake muEgipita. Mosesi akava namaropafadzo anokudzwa zvakadini apo akabatanidzwa zvakananga mumadambudziko gumi ndokutungamirira Israeri kupfuura nomuGungwa Dzvuku! Gare gare, Mosesi akagamuchira Mutemo kuna Jehovha paGomo reSinai. Apo iye akaburuka, vanhu “vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake.”—2 VaKorinte 3:7.

Rangarirawo Jobho, mukurusa wavose vokuMabvazuva. Iye akanga ari “wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:2, 3, 8) Ipapo, kamwe kamwe, akarasikirwa navana vake gumi nezviuru zvake zvose zvamakwai, makamera, mombe, uye mbongoro.

Ikoko kwakanga kusati kuri kwoga. Jobho akasvika pakufukidzwa chose chose namamota anouraya, kuchimuparira kuva akashata mumuviri. Mudzimai wake amene akamunyomba, achiti: “Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako!” (Jobho 2:9) Jobho akanga achiedzwa zvakakomba nokunyadziswa, akanga asingazivi chose chose nezverwisano yokudenga pakati paJehovha nomupanduki mukuru, Satani. Mugariro wacho hauna kuvandudzwa nekurukurirano refu ye“shamwari” nhatu dzaJobho. Zvisinei, Jobho akachengeta perero yake. Iye akatogamuchira nokuzvininipisa zano rokuchenjera rakabva kuna Erihu—murume muduku zvikuru.—Jobho 32:4.

Ko Jobho akatuswa here? Hungu. Jehovha akadzorera Jobho, ndokupeta ruviri ukuru hwezvipfuyo zvake, ndokumupa vanakomana vanomwe navanasikana vatatu—vakaisvonakisisa munyika yose! Muuyo une kukudzwa zvakadini wokuzvininipisa kwaJobho! Kwakabvumikisa kuva kwechokwadi sei—“kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.”—Jobho 42:12-15.

Marudzi Akasiana-siana Okubwinya

Sezvinooneka kune marudzi akasiana-siana akawanda okubwinya—kuvambira pakubwinya kwevhudzi romukadzi kusvikira pakubwinya kwechiso chaMosesi sezvaakaburuka muGomo reSinai. (1 VaKorinte 11:15; 2 VaKorinte 3:7) Kuvira kwezuva kunoorora kune kubwinya kwakaisvonaka, uye nyeredzi dzine kumwe kubwinya.—1 VaKorinte 15:41.

Zvimiro zvakasiana-siana zveshoko rokuti “kubwinya” zvinoshandiswa kane mazana muBhaibheri. Pakunzvera idzi nongedzero namashoko adzo akapoteredza, kwakajeka kuti Jehovha ndiye manyuko okubwinya kwose. Vabatiri vake vakatendeka uye mabasa ake akaisvonaka echisiko zvinongogona bedzi kuratidzira kubwinya munzira dzakawanda uye kusvikira kumwero yakasiana-siana.

Muzana redu ramakore rechi 20, tine ufakazi hwakawanda hwamanyadzi akatamburwa naavo vane tariro ine mbiri youpenyu hwokudenga. Mukati meHondo yeNyika I, mitezo inotungamirira yeWatch Tower Society muBrooklyn, New York, yakatongerwa kumakore 20 mutorongo papomero dzenhema. Panenge panguva imwe cheteyo, chitambudzo chakatanga munzvimbo dzakawanda. Somuenzaniso, J. B. Siebenlist akapinzwa mutorongo mazuva matatu pasina magwaro okumupinza mutorongo uye asina zvokudya, kunze kwezvidimbu zvitatu zvechingwa chakashatiswa. Iye akabviswa mutorongo nenyongori, akabviswa mbatya, akanamwa netara inopisa, uye akakwapurwa netyava yengoro ine waya kumugumo kwayo. Pakutongwa kumwe gweta rinoroverera mhaka rakati: “Kuhero neBhaibheri rako; unofanira kuva muhero musana wako waguka; unofanira kuturikwa.”

Mukati meHondo yeNyika II, vamwe vavabatiri vakatendeka vaJehovha vakatambura zvisingadaviriki mumisasa yechibharo yeNazi. Mumwe akanga ari Martin Poetzinger, Chapupu chakazodzwa chakapukunyuka ndokuzova mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Iye akarondedzera Dachau se“imba yamapenzi yamadhemoni.” Mumusasa wapaMauthausen, “Gestapo yakaedza mutoo uri wose kutinyengera kupunza kutenda kwedu muna Jehovha. Nzara, ushamwari hwokunyengera, utsinye, kufanira kumira mufuremu zuva nezuva, kuturikwa pamuti wakareba [mamita matatu] zvipfundo zvamaoko zvakaiswa kumusana, kukwapura—zvose izvozvi nezvimwe . . . zvakaedzwa.”

Chii Chakatsigira Aya MaKristu Akatendeka?

Mumigariro yakadaro inosiririsa neinonyadzisa, ivo vakabetserwa kutsungirira nokutenda kwavo mumuuyo wokupedzisira, kubatanidza kariro yenguva yemberi inobwinya nokuda kwaavo vanochengeta perero yavo. Nokuda kwe“boka duku” reZvapupu zvakazodzwa, iyoyi inhaka yokudenga. (Ruka 12:32, NW) Rudzi chairwo rwokubwinya pasi pano rwakachengeterwa vamwe vanhu vakatendeka. Vamwe vavo, zvakadai saJosefa naMosesi, vanonongedzerwa kwavari muna VaHebheru ganhuro 11. Tapota rava ndima 32-40 uye fungisisa pamanyadzi akatsungirirwa navamwe vaava vakatendeka. Uyezve, “boka guru” riri kubatira Jehovha pasi pano nhasi. (Zvakazarurwa 7:9, 15) Chii chiri nguva yavo yemberi?

Nguva yemberi yakapfuma yakavamirira. Hurumende yokudenga pasi paJesu Kristu ichava navamiriri vapasi avo vachashandisa muraidzo wakanyorwa mumipumburu yamanyoro inonongedzerwa kwairi pana Zvakazarurwa 20:12. Vakadaro vachava namaropafadzo anobwinya, kwete samadzimambo, asi “machinda pasi rose,” uye pamwe chete navo, vanhu vasingaverengeki vanozvininipisa, vakatendeka, kubatanidza vanomutswa, vachawana upenyu husingagumi muparadhiso yapasi inobwinya.—Pisarema 45:16.

Nhasi kune mamirioni akaratidzira kuzvininipisa kwavo kupfurikidza nokurega rudzidziso rwenhema uye kupfurikidza nokugoverana mufaro mubasa rokuparidzira rapaimba neimba reZvapupu zvaJehovha. Vazhinji vaivava vakanyombwa nemitezo yemhuri neshamwari, asi ivo vakanamatira kukunamata kwechokwadi. Ivo vakagamuchira nokuzvininipisa ruramiso nechirango kuti vagobatira Mwari wechokwadi, Jehovha. Tariro yavo ndeyokurarama muParadhiso ichadzorerwa, apo “nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.”—Habhakuki 2:14.

Aya mazuva okuedzwa kwavanhu vaJehovha. Kwakadokuita sokunge tiri vaenzi munyika yokumwe. Mukaha uri pakati penamato yechokwadi neyenhema uri kuramba uchikura nokufara. Tose zvedu tinotambura manyadzi kusvikira pamwero wakati. Asi seizvo Jesu akanyaradzwa ndokusimbiswa nomufaro wakaiswa pamberi pake, naizvozvo isuwo tinogona kukurira muedzo kupfurikidza nokuyeuka muuyo wokupedzisira.

Bhaibheri rinotipa zano, richiti: “Muzvininipise pamberi pa[Jehovha, NW], agokukudzai.” (Jakobho 4:10) Panguva ipi kana ipi unoedzwa zvakakomba, funga nezvaawa mashoko: “Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.” Yeukawo, kuti Jehovha haagoni kukundikana!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe