VaVenezuela Vanodzidza Kuvimba naJehovha
“MAKORE Amaguta”—ikoko ndiko kuyeuka kunoita vaVenezuela vazhinjisa nhambo yapashure pa 1976. Gore iroro, hurumende yakaita kuti makambani amafuta ose okumwe ave ayo muVenezuela, uye pfuma yenyika yabudirira. Soufakazi hwokuwanda kwezvinhu zvichangobva kuwanwa, gadziriro dzakawanda dzokuvaka dzakavamba kuoneka murudzi rwacho rwose. Zvivako zvirefu zvikurusa munyika, Parque Central Towers, zvakavakwa muCaracas, dzimbahwe. Vanhu vakaratidzika kuva vaiva nechikonzero chiri chose chokuisa chivimbo chavo mubudiriro iri kuita zvakanaka.
Nhasi, zvisinei, chitarisiko chacho chinoratidzika kuva chinovimbisa zvishoma. Kunyange zvazvo ruchiri rudzi runobudirira, Venezuela yakava nomugove wayo wezvinetso zvepfuma. Vose vari muno vanoyeuka ‘Black Friday,’ seizvo February 28, 1983, anowanzodanwa, apo mari huru, bolivar, yakaderedzwa mutengo. Somuuyo, mari yakarasikirwa nesimba, uye zvikwereti zvokumwe zvakavamba kuwedzera. Kamwe kamwe, “Makore Amaguta” akachinja kuva “Makore Okushaiwa.” Vazhinji vakaodzwa mwoyo zvikuru nechivimbo chavo chakaiswa pasipo noruvimbo. Mukupesana, Zvapupu zvaJehovha muVenezuela zvakadzidza kuisa ruvimbo rwazvo muna Mwari wechokwadi, Jehovha. Izvo zvakafarikanya kukura nokufutunuka zvinopfuuridzirwa mumakore ose apfuura.
Kukura Kwembeu Dzoumambo Dzapakuvamba
Makanga muri muna 1936 umo mbeu dzamashoko akanaka oUmambo dzakatanga kuunzwa kuVenezuela namapiona maviri, kana kuti vashumiri venguva yakazara, vakabva Texas, U.S.A. (Mateo 24:14) Makore gumi gare gare, vafundisi vaviri—vakapedza kufunda vekirasi yechishanu yeWatchtower Bible School of Gilead—vakasvika. Uye muna September gore iroro, hofisi yebazu yeWatch Tower Society yakavhurwa muVenezuela. Mushumo wegore iroro wakaratidza hwerengedzo yavazivisi voUmambo 19 muVenezuela.
Muna November 1953, N. H. Knorr, panguva iyeyo purezidhendi weSosaiti, uye munyori wake, M. G. Henschel, vakamira muVenezuela vari pashanyo yavo yokuSouth America. Vane mazana mapfumbamwe namakumi mana navaviri vakauya kugungano rakaitirwa muCaracas. Pakasvika 1977 chiverengero chavaparidzi voUmambo muVenezuela chakanga chakura kusvikira kuchiverengero chapamusoro chinopfuura 13 800. Ikoko kwakakuita kuti kuve madikanwa kuvaka hofisi itsva yebazu muLa Victoria, makiromita 85 kunze kwedzimbahwe. Chikamu chitsva chakawedzerwa ndokutsaurirwa muna 1985. Nhasi, mune vaparidzi vanopfuura 42 900 muungano 500 namapoka muVenezuela. Uye vamwe vanhu vazhinji muVenezuela vari kudzidza kuisa ruvimbo rwavo muna Jehovha, sezvinoratidzirwa nechiverengero chakaisvonaka chavane 154 881 paChirangaridzo cha 1988 chorufu rwaKristu.
Munda Wakasiana-siana Bva Wakaorera
Venezuela inyika yemisiano, uye ikoku kunoratidzirwa muavo vakadzidza kuisa ruvimbo rwavo muna Jehovha. Kutanga, nyika ino yakakurumbira nokuda kwavagari vokumwe vayo vakawanda. Nokudaro, kunyange pakati peZvapupu zvaJehovha, pane vazhinji vakabva Italy, Portugal, Germany, Spain, France, Haiti, Trinidad, Cuba, Dominican Republic, Ecuador, uye dzimwe nzvimbo. Bva ivo vakabatanidzwa navaVenezuela biyavo mukuvimba nokubatira Mwari wechokwadi, Jehovha.
Kunewo misiano yakawanda yenharaunda. Muredzi wokuMabvazuva anobva kunharaunda dzokumabvazuva akasiana zvinocherechedzwa nomullanero anochengeta mombe wokumapani okumaodzanyemba. MuCaraqueño anokurumidza kufamba anobva mudzimbahwe, kana kuti mushandi womukambani yamafuta ane ushamwari anobva Maracaibo, guta gurusa rechipiri rorudzi rwacho, vakasiana zvikuru nomurimi weAndino anononoka kufamba anobva kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero, uko kunovamba Makomo eAndes. Mumwe nomumwe ane tsika dzake amene namataurire. Naizvozvo, pamwe chete nomudzimu wokumwe unopiwa navagari vokumwe, pakati pavanhu pane mhatsa yakanaka.
Pasinei zvapo nemigariro yakadaro yakasiana-siana, vanhu vanobva mumifambiro yose youpenyu vakasvika pakudzidza pamusoro paJehovha. María Luisa akanga ari mumwe wavo. Chibviro chaapo akanga ane makore manomwe okukura, akanga ave akabatanidzwa mukutenda midzimu. Sezvaakakura, akapindwa muropa nezvinodhaka nemirimo, akararama upenyu hwoutere, uye akanga akanyura mukunamatwa kwamwarikadzi weVenezuela María Lionza.a Achisemeswa nenzira yake youpenyu, iye akatanga kushanda mumisheni yeKaturike pakati pamaIndia murutivi rwokumadokero rwenyika yacho. Iye akakurumidza kugumisa kuti basa rake rakanga risiri kubetsera maIndia kana kuti iye. Ipapo akatanga kufunda mavambo echinhu chiri chose nokuberekwa zvakare asi pasina maturo. Papfundo rino, María Luisa akashanyirwa neZvapupu zvaJehovha. Zivo yeBhaibheri iyo akawana yakamupa simba raaida rokurwisa midzimu yakaipa. Zvino iye ari kuisa ruvimbo rwake muna Jehovha uye muzivisi anoshingaira wamashoko akanaka oUmambo.
Kunyange vanhu vakaremara vari kudzidza kuisa ruvimbo rwavo muna Jehovha, sezvakaita Juan naCarlos, mukoma nomunun’una vokunyama. Apo akanga ane makore mapfumbamwe okukura, Carlos akava nemeningitis ndokurasikirwa nechiono chake. Gare gare, kunyange zvazvo akanga akabatanidzwa nesangano ramanenji reKaturike, akatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Iye akabhapatidzwa muna 1982, uye chibviro chaDecember 1983 ave ari mushumiri wenguva yakazara. Sapiona bofu, iye anoenda kukona riri rose rendima yake, ari oga pakunenge kuri madikanwa. Mukoma wake Juan, zvisinei, inhau yakasiana chose.
Juan anopfuura mamita 1,8 kureba uye aiita mheremhere chose mumugwagwa. Rimwe zuva akapfurwa kumusana kaviri. Kunyange zvazvo akapukunyuka, akasiiwa aoma muviri kuvambira pachipfuva zvichidzika ndokuva asingagoni kumuka chose chose. Apo Zvapupu zvakamushanyira, akagamuchira nokusadisa chikarakadzo chazvo chokufunda Bhaibheri naye. Fundo dzakanyandura ruremekedzo rwake rweBhaibheri. Tariro youpenyu hwakakwana muParadhiso yakamuorora. Pashure pokunge arega kusvuta, kunwa, uye kushandisa mutauro wakashata, shamwari dzake dzose dzakare dzakamusiya nemhaka yokuti, sezvadzakataura, Juan akanga ava “musande.” Zvisinei, iye akapfuurira kuvimba naJehovha, uye pakupedzisira akabhapatidzwa.
“Kuganhurirwa pamubhedha hakuna kundiregedzesa kuita kuda kwaJehovha,” anodaro Juan, “nemhaka yokuti maoko angu nouropi zvichiri kushanda zvakanaka.” Iye anobatira sei Jehovha ari mumugariro wake? “Ndinoshandisa tepi rekodha yangu kuita mitoro yangu, zvakadai sehurukuro muChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari, mativi paMusangano Webasa, uye kurava paFundo yeNharireyomurindi yevhiki nevhiki. Ndine ropafadzo yokuitisa imwe yeFundo dzeBhuku dzeUngano dzomunzvimbomo, iyo inoitirwa pamusha pangu. Ndakakwanisawo kubatira sapiona wenguva dzose.” Iye anonzwa sei pamusoro paikoku kwose? “Ndinoonga zvikuru kuhama dzangu dzokunyama nehama nehanzvadzi dzomudzimu, avo vanobetsera kwazvo kwandiri. Ndinokarira uye ndinonyengetera kuti tose zvedu tipfuurire mukuisa ruvimbo rwedu muna Jehovha kuti tigogona kuona zuva apo ‘anokamhina achakwakuka senondo.’”—Isaya 35:6.
Magungano Anounza Rumbidzo Kuna Jehovha
Kuti zvipfuuridzire basa iro riri kubetsera vazhinji kwazvo kuisa ruvimbo rwavo muna Jehovha, Zvapupu muVenezuela misi ichangobva kupfuura iyi zvakavaka Horo dzeGungano mbiri. Imwe yaidzodzi iri muCampo Elias, Yaracuy State, murutivi rwapakati rwokumadokero rwenyika yacho. Imwe, iri kunenge makiromita 60 kumaodzanyemba kweCaracas, yakashongedzwa zvizere nedziva rorubhapatidzo, muchina unochengeta mhepo ichitonhorera, kicheni, uye kamuri rokudyira.
Idzi horo dzakaorora zvikuru vokunze navanhu vanofarira avo vakauya kuzodziona. Mumwe muchairi webhazi akahaiwa neboka reZvapupu kuti azviendese kugungano razvo redunhu. Pakusvika nokuona nzvimbo yokupaka hombe nezvakapoteredza zvakaisvonaka, muchairi akafunga kuti anofanirawo kupinda mukati kuti aone iyi nzvimbo. “Izvo ndakaona mukati meHoro yeGungano iyoyo yakanga iri imwe nyika, humwe hukuru,” iye akadaro gare gare. Iye akaororwa kwazvo nenhevedzano nechinzwano zvokuti akasanoteerera purogiramu yose. Gare gare akakumbira fundo yeBhaibheri uye zvino ihama yakabhapatidzwa.
Pane imwe nguva gungano redunhu raifanira kuitirwa muEl Tigre, rimwe guta riri murutivi rwokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kwenyika yacho. Sezvo kwakanga kusina Horo yeGungano munharaunda imomo, nzvimbo yomunzvimbomo yakarendwa. Zvisinei, kusingazivikanwi kuhama, madyo omufaro aifanira kuchengeterwa muguta iroro pamisi mimwe cheteyo. Apo zviremera zvomunzvimbomo zvakauya kuzoisa chikuva chavatambi parutivi chaipo penzvimbo yegungano, Zvapupu zvakatetera varongi vamadyo omufaro kuti vaise chikuva cheboka ravatambi pane imwe nzvimbo asi pasina maturo. Sechokupedzisira, Chapupu chakaudza vaitarisira, kuti: “Tapotai ziva kuti muri kutsvaka chinetso naJehovha.” Pakunzwa ikoku, mumwe murume anotarisira akapindura, kuti: “O, hatidi chinetso naJehovha!” Kuchengetwa kwamadyo omufaro kwakaendeswa kunzvimbo iri kure naapo gungano redunhu raizoitirwa.
Parimwe gungano, murume weimwe hanzvadzi, murume ane basa rezvamatongerwe enyika, akauya kuzoona kana mudzimai akanga achifambidzana nomumwe munhu ikoko. Akashamiswa nokunaka kwehurukuro dzakapiwa. “Kudai ndikagona kutaura somurume iyeyo, ndaizofambira mberi chaizvoizvo mubasa rangu rezvamatongerwe enyika,” iye akaudza mudzimai wake kudaro. Pashure pepurogiramu, akasvika mumwe wavakuru ndokukumbira kuratidzwa kuti angagona sei kuvandudza kutaura kwake pachena—uye izvozvo bedzi. “Musandikarira kuenda pasuo nesuo nebhegi,” iye akanyevera kudaro. Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye nokukurumidza murume wacho akachinja ndangariro yake—akada kuenda pasuo nesuo nebhegi ndokuparidzira mashoko akanaka! Iye akarega matongerwe enyika ndokubhapatidzwa, uye zvino iye nemhuri yake vakaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.
Kugadzirira Nzira Yokumwe Kufutunuka
Mukati meshanyo yakaitwa naL. A. Swingle, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, boka ravane 63 580 rakaungana mudariro munorwira mikono rePlaza Monumental muValencia. Vazhinji vavo vakanga vafamba nebhazi usiku hwose. Vose vaivapo vakakurudzirwa zvikuru kunzwa Hama Swingle achivaudza, kuti: “Imi hamusati muchasiri bazu duku. Zvino mava bazu rapakati napakati. Uye sokuoneka kwazvo, rimwe zuva nokukurumidza muchava mu‘boka ravaparidzi 100 000’!”
Gadziriro dziri kuitwa dzokufutunura hofisi yebazu muLa Victoria kutarisira kukura kunoshamisa. Hungu, muzviuru, vanhu vomuVenezuela vari kudzidza kuvimba naJehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Awake! yaJune 22, 1967, mapeji 21-3.
[Mepu/Mufananidzo uri papeji 21]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
CARIBBEAN SEA
VENEZUELA
Maracaibo
ANDES MOUNTAINS
Campo Elias
Valencia
La Victoria
Caracas
El Tigre
COLOMBIA
BRAZIL
GUYANA
600 Km
400 mi
[Mifananidzo iri papeji 24]
Zviono zvokunze nomukati zveHoro yeGungano yeCúa