RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 6/1 pp. 28-29
  • Kufarikanya Nziyo—Chii Chiri Chinhu Chikuru?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarikanya Nziyo—Chii Chiri Chinhu Chikuru?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Chinjo Yomudzimu” Iri Madikanwa
  • Nziyo Dzakanaka—Chii Chiri Chinhu Chikuru?
  • Basa Renziyo Muupenyu hwomuKristu
  • Ndinogona Sei Kuchengeta Nziyo Dziri Munzvimbo Yadzo?
    Mukai!—1993
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Zvine Basa Here Kuti Ndinoteerera Nziyo Dzakaita Sei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 6/1 pp. 28-29

Kufarikanya Nziyo—Chii Chiri Chinhu Chikuru?

UTERE hwakakomba nokunamata zvidhori zvaishandiswa munyika yakare. Nokudaro, muapostora Pauro akakuwana kuri madikanwa kupa zano rakasimba zvikuru pamusoro pomufambiro wechiKristu. Kuungano yomuEfeso iye akanyora, achiti: “Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwohukukutu hwomwoyo yavo.”—VaEfeso 4:17, 18.

Ikoko hakusati kuriwo here kurondedzerwa kwakanaka kwenzira yakaita zvinhu nhasi? Ikoku kunobatanidza mune zvenziyo. Dzakawanda dzenziyo dzazvino uno dzinoratidzira mutoo uyo uri ‘wechienzi kuupenyu hwoumwari.’ Kazhinji kazhinji mashoko acho anoratidzira ‘mwoyo mukukutu,’ usina mutsa kana kuti ngoni.

Asi Pauro akati pfuudzei zano rake nokutaura, kuti: “Pfungwa yavo yechakarurama nechisina kururama zvayakagomadzwa, ivo vakazvipa vamene kuvatano ndokuronda nokudisa basa roushati hworudzi rwuri rwose.”—VaEfeso 4:19, The Jerusalem Bible.

Uku ‘kurondwa kwokudisa kwebasa roushati’ kunoratidzirwa mudzakawanda dzenziyo dzanhasi. Mashoko acho nedonzo renziyo zvinofadza kuchizvarwa chakanyura muvatano, masimba masimba, mirimo, uye mufarwa. MaKristu anofanira kurangarira seiko zvakaipa zvakadaro? Cherechedza mashoko aPauro: “Zvino iyoyo haisati ichitongova nzira yamakadzidza kuna Kristu, kutoti makakundikana kumunzwa zvakafanira pamakadzidziswa iri zvokwadi kuna Jesu.”—VaEfeso 4:20, 21, JB.

“Chinjo Yomudzimu” Iri Madikanwa

Tinogona seiko kushandisa iyi pangiro muchinoitika chenziyo dzinoratidzira mudzimu wenyika? Muna ikoko, kana tine “ndangariro yaKristu,” ndiko kuti, kana tine chimiro chake chendangariro, hatisati tichizoda kuteerera nziyo idzo dziri “dzapasi, dzemhuka, dzoudhemoni.”—1 VaKorinte 2:16, Jakobho 3:15, NW.

Asi ungabvunza kuti, ‘Ndinogona sei kuchinja chishuvo changu munziyo?’ Zvakare Pauro anobetsera, nokuti iye anoti: “Unofanira kurega nzira yako yekare youpenyu; unofanira kubvisa munhu wako wekare, uyo anoshatiswa nokutevera zvishuvo zvinonyengera. Ndangariro yako inofanira kumutsidzirwa nechinjo yomudzimu.”—VaEfeso 4:22, 23, JB.

Heyo mhinduro, kumutsiridzwa kwendangariro nechinjo yomudzimu. Ikoku kunobatanidza zvakawanda zvikuru kupfuura chishuvo chedu munziyo. Kunoraira kudzidziswazve, kusimudzwa kwemipimo nezvinokosha. Kunoreva chinjo munzira yedu yokufunga, mupimo wakasiana. Uye kunobatanidza kuona zvinhu nomurangariro waMwari naKristu. Pauro akakutaura zvakajeka kwazvo, achiti: “Kana muchidya kana kuti kunwa kana kuti kuita chinhu chipi nechipi zvacho, itai zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari.”—1 VaKorinte 10:31, NW.

Dzakawanda dzenziyo dzazvino uno hadziunzi mbiri kuna Mwari. Mukupesana, idzo dzinozvidza zvinokosha zviya izvo maKristu anotsigira uye izvo vazhinji vave vachidisa kufira mumatorongo nemisasa yechibharo. Naizvozvo, neiko tichifanira kukurangarira kuva chibairo kana tichifanira kuita chinjo muchishuvo chedu chenziyo kuti tigorega kuva ‘vanoda nyika kana kuti zvinhu zviri munyika’?—1 Johane 2:15-17.

Nziyo Dzakanaka—Chii Chiri Chinhu Chikuru?

Kana, nemhaka yokurangarira kwedu nheyo dzapaMagwaro, tikaramba nziyo dzakashata, tinogona kudzitsiva neiko? Eya, wadiiko kuongorora nzvimbo itsva dzenziyo? Idzo dzingava dzinofarikanywa zvikuru kwazvo nedzinovaka kupfuura idzo takada munguva yakapfuura. Somuenzaniso, aichimbova muimbi werock akataura izvi pamusoro pechinjo dzaakaita:

“Ndaitofanira kuita nhamburiko yokubva mukurira kwakapfava kwerock kuenda kurudzi rwakakurumbira runogamuchirika rwenziyo nenziyo dzakaisvonaka zvikuru. Asi apo ndakaziva kuti kwakanga kune revo yakawanda kwadziri uye kuti ndakanga ndisati ndichagona kudzikodzeranisa nomudzimu wenziyo dzazvino uno zvikurusa, kwakava kuri nyore nokunogutsa zvikuru. Dzakanaka kamwe kamwe. Ndakaziva chandakanga ndarasikirwa nacho nemhaka yorusaruro rwangu rwekare pamamwe marudzi enziyo.”

Pane nziyo dzakaisvonaka dzakawanda, pamwe chete nenziyo dzekare nedzazvino uno, idzo dzakanaka, dzine mashoko akachena, uye dzisingaratidziri uzivi hunopesana nenheyo dzeBhaibheri. Chinhu chikuru kuwana ndokufarikanya nziyo idzo dzisati dzichizopesvedzera nenzira yakaipa kufunga kwedu, nziyo idzo dziri ‘dzakarurama, dzakachena, dzinotaurwa zvakanaka nezvadzo, dzakanaka, uye dzinorumbidzwa.’—VaFiripi 4:8.

Basa Renziyo Muupenyu hwomuKristu

Nokuda kwavamwe, nzira imwe yokufarikanya nayo nziyo dzakanaka iri kupfurikidza nokuimba kana kuti kudzidza kuridza chiridzwa. Mufarwa mukuru unogona kuwanwa mukuridza woga uye neboka remhuri kana kuti shamwari. Somuzvinhu zvose, zvisinei, dzikamo inodikanwa. Nhandaro kana kuti varaidzo haisati ichitongofanira kuva pfungwa yakasimba muupenyu hwomuKristu. Kana ikoko kukafanira kuitika, kunyange nziyo dzakanaka, kupfurikidza nokunyanyisa, dzingava nemiuyo isakanaka. Ipapo muKristu angava mungozi ‘yokuva mudi wemifarwa panzvimbo pokuva mudi waMwari.’—2 Timotio 3:4.

Nziyo rutiviwo runokosha rwokunamata kwedu Jehovha. Muna Israeri wakare, Asafi nehama dzake vakaimba, vachiti: “Ongai Jehovha, mudane zita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu! Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.” Hungu, nziyo dzinogona kurumbidza Mwari ndokumufadza.—1 Makoronike 16:8, 9.

Nziyo dzoUmambo dzinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha paHoro dzoUmambo dzazvo dzakavakirwa pamagwaro eBhaibheri, mapisarema, minyengetero, uye dzidziso. Hatigoniwo here kufarikanya zvikuru idzi nziyo dzinoyera? Uye hatifaniri here kuratidza mufaro wedu kupfurikidza nokuimba idzi nziyo nesimba nembavarira? Kunyange panguva dzisiri dzemisangano yechiKristu, hatigoni here kufadza upenyu hwedu negadziriro dzakaisvonaka dzeidzi nziyo dzinonzi Kingdom Melodies?

Muizvi zviridzwa zvakasiana-siana, vaimbi vose Zvapupu zvaJehovha. Vamwe inyanzvi dzinobhadharwa dzinoridza muzviridzwa zvenziyo zvakasiana-siana. Vamwe, kubatanidza aichimbova muimbi werock anokorwa mashoko pamusoro apa, vanhu vaduku vane unyanzvi vanofarikanya marudzi akawanda enziyo dzakanaka. Ivo havanzwi kuti vanorasikirwa nemhaka yokuramba nziyo dzinoratidzira zvimiro zvapasi, zvoudhemoni. Muenzaniso wavo wakaisvonaka unoratidza kuti isuwo, kana tichibvumira nheyo dzeBhaibheri kudzora chisarudzo chedu, tinogona kuwana mufaro wakanaka zvikuru munziyo, dzose dziri mbiri dzenyika nedzinoyera.—VaEfeso 5:18-20.

[Bhokisi riri papeji 28]

“Nziyo dzerock dzine kufadza kumwe bedzi, kufadza kwakashata, kuchishuvo chevatano—kwete rudo, kwete eros, asi chishuvo chevatano chekukurumidza nechokusaziva. . . . Vanhu vaduku vanoziva kuti rock ine sundo yevatano.”—The Closing of the American Mind, rakanyorwa naAllan Bloom.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe