Chiratidzo—Haisi Chete Nhau Yomunguva Yakapfuura
MUJERUSAREMA, muMiddle East, mune nzvimbo yakakurumbira inofadza zvikuru iyo inoraira ngwariro yavanhu vanofunga nhasi. Iyo inharaunda yakakwirira umo maiva ne“tembere yepfuma huru,” mumashoko owezvenhau weRoma womuzana ramakore rokutanga Tacitus. Hapana zvisaririra zvezvivako zvetembere zviripo, asi chikuva chiripo. Icho chinopupurira uzvokwadi hwechiratidzo chouporofita icho chinokutapura.
Vacheri vamatongo vakawana zviwanwa zvakawanda zasi kwechikuva chetembere. “Chimwe chezviwanwa zvinofadza zvikurusa,” anodaro J. A. Thompson muThe Bible and Archaeology, “chakanga chiri chiverengero chakati chamabhuroko mahombe amabwe aHerodhe sezviri pachena akakandwa achibva pamusoro porusvingo rweTembere panguva yoruparadziko rweJerusarema muna A.D. 70.”
Ruparadziko rweJerusarema netembere yaro rwakadeya kutaurwa makore 37 rwusati rwaitika. Havasi vezvenhau vari pasi pavatatu vakanyora mashoko aJesu Kristu okuti “hakuna ibwe pamusoro perimwe ibwe richasiiwa pano ndokusakandirwa pasi.” (Ruka 21:6; Mateo 24:1, 2; Marko 13:1, 2) Kurukurirano yakatevera iyo inotapura munhu ari wose nhasi, kubatanidza iwe.
“Mudzidzisi,” vadzidzi vake vakamubvunza kuti, “chii chichava chiratidzo apo zvinhu izvozvi zvakatemerwa kuitika?” Mukuwirirana naJesu, nhambo yakatungamirira kuruparadziko rwetembere yaizoratidzirwa nehondo, kudengenyeka kwapasi, perevedzo dzezvokudya, uye nhenda. “Chizvarwa chino,” iye akawedzera, “hachisati chichizotongopfuura kusvikira zvinhu zvose izvozvi zvaitika.”—Ruka 21:7, 10, 11, 32, NW.
Ko chizvarwa ichocho chakawana here zadziko ye“chiratidzo”? Hungu. Bhaibheri rinonongedzera ku“nzara huru” pamwe chete nokudengenyeka kwapasi kutatu, kuviri kwako ‘kudengenyeka kwenyika kukuru.’ (Mabasa 11:28; 16:26; Mateo 27:51; 28:1, 2) Mukuwirirana nenhau yenyika, kumwe kudengenyeka kwapasi neperevedzo dzezvokudya zvakaitika mukati menhambo iyoyo. Yakanga iriwo nguva yehondo, mbiri dzadzo dzakarwiwa nehondo dzeRoma dzichirwisana navagari veJerusarema. Komberedzwo yechipiri yeJerusarema yakaguma nenzara inotyisa nenhenda, kuchitungamirira kuruparadziko rweguta netembere yaro mugore ra 70 N.V. Nzvimbo iri muJerusarema umo tembere yaisiva chapupu chakanyarara kuzvinoitika izvozvo zvinotyisa zvomuzana ramakore rokutanga.
‘Kunofadza,’ mumwe munhu angadaro, ‘asi kunonditapura sei?’ Mukuti chiratidzo chacho hachisi chete nhau yomunguva yakapfuura. Icho chakangozadzikwa bedzi murutivi muzana ramakore rokutanga. Somuenzaniso, Jesu akadeya kutaurawo nguva apo rudzi rwomunhu rwaizova murutyo rukuru nemhaka ye“zviratidzo muzuva nemwedzi nenyeredzi” uye “kutinhira kwegungwa.” Rutivi urwu rwechiratidzo rwaizoratidzira kuva pedyo kwo“umambo hwaMwari”—hurumende iyo ichaunza kununurwa kwechigarire munhamo yenyika.—Ruka 21:25-31.
Zvinhu zvakadaro hazvina kuitika muzana ramakore rokutanga. Nhasi, makore 1 900 gare gare, rudzi rwomunhu rwuchakamirira kununurwa muhondo, kudengenyeka kwapasi, perevedzo dzezvokudya, uye nhenda. Naizvozvo, chiratidzo chacho chinofanira kuva nezadziko yakakwana yechipiri. Richitsigira ikoku, bhuku raZvakazarurwa rine mifananidzo youporofita iyo inowirirana nechiratidzo, bva iro rakanyorwa pashure poruparadziko rweJerusarema. (Zvakazarurwa 6:1-8) Nokudaro, mubvunzo unokosha unomuka: Ko chiratidzo chacho chakaonwa here muzuva redu?